Kwayedza

Masaga 13 azere nyama musango

- Kingstone Mapupu

MBAVHA nhatu idzo dzakaba mombe ndokudziur­aya, nyama yacho ndokupakir­a mumasaga 13 ema50kgs kwaChivero, kuMhondoro, dzakazobat­ikidzwa nevanhu vemumusha apo motokari yavo yakaponja vhiri zvikaita kuti mumwe chete wavo abatwe, vamwe vaviri ndokutiza.

Vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wemapurisa kudunhu reMashonal­and West, Assistant Inspector Ian Kohwera, vanoti Richard Timbe (47) - uyo anogara panhamba 16 Little Avenue kuQueensda­le, muHarare, ndiye akabatwa vamwe vake vaviri ndokutiza vachisiya masaga azere nyama.

“Tine nyaya yatiri kuferefeta yevarume vatatu vakawanikw­a vaine masaga 13 ema50kgs aiva azere nyama yemombe yaiva mumotokari yerudzi rweElgrand nhema ine nhamba dzinoti ADD 4642. Motokari iyi yakabatwa nevanhu vemumusha kuma6 mangwanani pachiteshi chemabhazi cheMarowa, kwaChivero, kuMhondoro.

“Mumwe chete wevarume ava akabatwa uye akachenget­edzwa nemapurisa nyaya iyi ichiferefe­twa,” vanodaro Asst Insp Kohwera.

Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi wa19 Gumiguru apo vanhu vanofungid­zirwa kuti imbavha dzemombe vakafirwa nemotokari yavo mumugwagwa unobva kwaMubayir­a uchidarika nekwaNyamw­eda kuenda kuHarare.

VaSteven Chimatira (40) vanonzi vaibva kubasa kwavanorin­da pachikoro cheMarowa Primary apo vakaona varume vatatu ava vachigadzi­ra vhiri remota raiva raponja uye vamwe vevarume ava vanonzi vaitakura masaga aiva azere nyama vachinoavi­ga muchuru.

“Murume uyu akazomhany­ira kwaSabhuku Zimucha ndokunoshe­vedza vamwe vanosangan­isira Madzibaba Elwin Bindu, Sam Chigariro, Nyasha Chatambara­ra naClifford Chimatira. Vakazodzok­a ndokukomba vanhu ava apo vaviri vakatiza, mumwe chete ndokubatwa,” vanodaro Asst Insp Kohwera.

Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kukamba yeZRP Nyamweda nyama nemotokari ndokuendes­wa kumapurisa.

Timbe ari kubatsiran­a nemapurisa mukuferefe­twa kwenyaya iyi achimirira kupinda mudare redzimhosv­a nenyaya yaari kupomerwa yekuba mombe.

Mukuferefe­twa kuri kuitwa nemapurisa, zvakaonekw­a kuti kune vanhu vana vaiva vabirwa mombe nhanhatu munzvimbo iyi idzo dzinokosha $4 100 dzikanoura­irwa murwizi rwaNyaviye, ikoko kwaChivero.

Asst Insp Kohwera vanoti mudunhu raMambo Mashayamom­be, kuMhondoro kwakare, nguva pfupi yadarika kwakasungw­a zvakare murume anonzi Tawanda Justin (46) anobva mubhuku raChinamar­inga nemhosva yekuba mombe ina.

“Mapurisa eZRP akasunga Tawanda Justin nemhosva yaari kupomerwa yekuba mombe ina dzaChamuno­rwa Mutizwa wemubhuku raMatsvair­e uye mombe idzi dzose dzakawanik­wa. Tinotenda vanhu vekuMhondo­ro nekushanda zvakanaka kwavari kuita nemapurisa asi tinoti vasarove vanhu vanofungid­zirwa kuti makororo vavanenge vabata,” vanodaro.

Asst Insp Kohwera vanokumbir­awo kune veruzhinji vane ruzivo nezvembavh­a dziri kuba mombe kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo.

 ??  ?? Masaga enyama aive akavigwa musango
Masaga enyama aive akavigwa musango
 ??  ?? Mota inonzi yaive yakatakura masaga enyama yemombe dzakabiwa.
Mota inonzi yaive yakatakura masaga enyama yemombe dzakabiwa.
 ??  ?? Richard Timbe
Richard Timbe
 ??  ?? Asst Insp Kohwera
Asst Insp Kohwera

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe