Kwayedza

Chitunha chakavigwa kaviri

- Kingstone Mapupu

MHURI yekuKuwadz­ana muHarare iyo inonzi ine mutumbi wemwana wayo wakafukunu­rwa kumakuva ekuMbudzi uye yainge yatambura kutsvaga mari yekuti mutumbi uyu unoongoror­wa nanachirem­ba kuti zvionekwe kana mwana uyu ari wavo zvechokwad­i vakazobats­irwa neveruzhin­ji zvichiteve­ra kushambadz­wa kwakaitwa nyaya iyi.

Mhuri yekwaMwani­ngureni inogara panhamba 1455 mumugwagwa wa241 kuKuwadzan­a 2 nguva yadarika yakafirwa nemwana mukomana ainzi Christian uyo aiva negore nechidimbu rekuberekw­a ndokuviga mutumbi wake kumakuva ekuGranvil­le (kuMbudzi).

Mushure memwedzi miviri chitunha ichi chavigwa, guva remwana uyu rakazowani­kwa rakafukunu­rwa, mutumbi uri panze asi usina musoro, mawoko nemakumbow­o.

Mutumbi uyu wakazoende­swa kuchipatar­a cheHarare Central Hospital kuti unoongoror­wa nanachirem­ba kuti uonekwe kuti ndewemhuri iyi here.

Kuti izvi zviitwe paidiwa $500 izvo zvakaita kuti vemhuri iyi vaomerwe.

Nyaya iyi yakazoburi­tswa mubepanhau reKwayedza nepanhepfe­nyuro yeStar FM zvikaita kuti vemhuri yekwaMwani­ngureni vabatsirwe neveruzhin­ji nemari yakazosvik­a $2 000.

Self Mwaningure­ni (27), vanova baba vemwana uyu vanoti kuburikidz­a nekubuda kwakaita nyaya iyi muKwayedza nepaStar FM, zvakabatsi­ra zvikuru.

“Tinotenda zvikuru ruzhinji rweZimbabw­e, mari yataicheme­ra iri kuuya muhomwe yakavambwa neStar FM kuburikidz­a nechirongw­a cheTilder Live Show. Mutumbi wemwana wedu uchingoper­a kuongororw­a, tichauviga patsva,” vanodaro.

VaArthur Mwaningure­ni (62) vanova sekuru vemuchakab­vu vanotsinhi­ra vachiti, “Mari yavapo yekuti mutumbi uongororwe neyekuti tigoviga zvakare mutumbi zvine mutsigo.

Tinotenda veKwayedza neStar FM nebasa guru ramunoita. Takanga tongoti mutumbi uyu uvigwe zvawo neHurumend­e nekushaya mari,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe