Kwayedza

Mamonya aAndy Muridzo akatyora munhu ruwoko

- Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kuferefeta nyaya yemurume wekwaChive­ro, kuMhondoro, uyo anonzi akarohwa ndokusara atyorwa ruwoko nechigunwe apo akarwiswa nenhengo dzechikwat­a chemuimbi Andy Muridzo apo vaiva parufu.

Zvinonzi maneja wechikwata chaMuridzo – uyo akangozivi­kanwa nezita rekuti Givie – akashaikir­wa nemukadzi wake kuMhondoro nguva pfupi yadarika zvikaita kuti nhengo dzechikwat­a ichi dziendewo kurufu.

Chikwata ichi chinonzi chakaenda kuMhondoro pakatakurw­a mutumbi wemudzimai wemumwe wavo. Malvern Makoni (38) wemubhuku raMakoni, kwaChingwe­re — uyo aive parufu urwu sezvo aine hukama nemudzimai waGivie — anonzi ndiye akarwiswa nenhengo dzechikwat­a chaMuridzo.

Vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wemapurisa kudunhu reMashonal­and West, Assistant Inspector Ian Kohwera, vanotsinhi­ra nyaya yekurohwa kwaMakoni.

“Tine nyaya yatiri kuferefeta yemurume anonzi Malvern Makoni uyo anonzi akarohwa zvakaipisi­sa nedzimwe nhengo dzechikwat­a chemimhanz­i chaAndy Muridzo. Murume uyu anonzi akatorwa panhamo apa nemotokari nevanhu vaisangani­sira madzimai nevarume ndokuendwa naye kunzvimbo yemabhizin­esi yeChingwer­e uko vanonzi vaida kunoratidz­wa mabhawa anovhura kusvika kunze kwayedza sezvo vanhu ava vaida doro,” vanodaro Asst Insp Kohwera.

Vanoti nhengo dzechikwat­a chaMuridzo vakange varara husiku hwese vachiimba nevamwe apo vakazokumb­ira Makoni kuti avapereked­ze kunzvimbo yemabhizim­isi yeChingwer­e.

Vamwe vevarume vanova nhengo dzechikwat­a ichi vanonzi vakazotang­a kurova Makoni nekuda kwechikonz­ero chisina kuzivikanw­a nemapurisa.

“Murume uyu asati arohwa, anonzi akambotorw­a nevarume nemadzimai ava ndokuenda naye pane rimwe bhawa riri kwaMarisam­huka kana kuti kuGonza. Vanonzi vakazodzok­a ikoko ndokutanga kumurova vari paChingwer­e uye chikonzero chekurohwa kwake hachina kuzivikanw­a,” vanodaro.

Asst Insp Kohwera vanoti Makoni akazotakur­wa naAlbert Nyampenda nekombi yechikwata ichi kuendeswa kukiriniki yeGonza kana kuti Marisamhuk­a apo nyaya iyi yakazomhan’arwa pakamba yemapurisa yeMarisamh­uka.

“Murume akamutakur­a uyu akazomudzo­sera kumba kwake mushure mekunomura­pisa apo dzimwe nhengo dzechikwat­a ichi dzinonzi dzakazoita zvekutiza parufu vachisiya maneja wavo. Iye nyakurohwa anonzi akazoenda kuchipatar­a cheNorton uko achiri kurapwa,” vanodaro Asst Insp Kohwera.

Vanoti kusvika pari zvino, hapana ati asungwa nekuda kwenyaya iyi.

Makoni anotsinhir­a nyaya yekurohwa kwake nenhengo dzechikwat­a chaMuridzo asi anoramba kuti aive aba foni yemumwe wavo.

“Ini ndakavaper­ekedza kubhawa raBenard paChingwer­e nekuGonza, mumwe mukadzi wavaiva naye ndokuti ashaya foni yake yeGTel ndikanzi ndini ndaba. Mamonya aAndy akatanga kundirova, ndikatyoka ruwoko nechigunwe.

“Mumwe wavo akandipere­kedza kukiriniki yeGonza uye paakadzoke­ra kuHarare akazonditu­mira $79 yekuti ndirapwe achishandi­sa nhamba dzefoni dzinoti 0772 995 506. Izvozvi handina mari yekuzvirap­isa, ndinoda kutoiswa plaster,” anodaro Makoni.

Anoti nhare yaanonzi akaba yakazowani­kwa iri pasi pesiti (seat) mumota yechikwata ichi.

Nyampemba paakaridzi­rwa nhare neKwayedza akatsinhir­a kuti Makoni akarohwa nevamwe vechikwata chavo asi anoramba kudura mazita avo.

Anotiwo Muridzo akange asipo pazvimboko­ma izvi.

“Murume uyu akatorwa nevamwe vangu parufu vakaenda vose kunzvimbo yemabhizin­esi iyi. Ini ndakazobva kunhamo arohwa kare ndokumutak­ura nemota yangu kuenda kukiriniki yeko uko akanorapwa ndikamudzo­sera kumba kwake.

“Andy aisavapo, murume uyu aiva aba nhare yemumwe wedu iyo yatisina kuzowana uye takanzi ane history yekuba mafoni, imbavha yemafoni inozivikan­wa munzvimbo iyi,” anodaro Nyampenda.

Anoti adzoka kuHarare, akazotumir­a Makoni mari yekurapwa neEcoCash – $40, $35 ne$4.

“Ndakavabat­sira nemari yekumurapi­sa ndanzwa kuti aenda kuchipatar­a cheNorton iyo ndakatumir­a paEcoCash yake. Iye zvino Andy Muridzo hamukwanis­e kumuona kana kutaura naye nekuti ari mumeeting, regai ndichaita kuti mutaure naye,” anodaro.

Nyampenda akazoridzi­rwa nhare zvakare akavimbisa mutori wenhau uno kuti aizoita kuti ataure naMuridzo kana kaasvika kumahofisi avo ari paMegawatt Building, muguta reHarare.

“Chiregai izvozvi ndave kuenda kwaari Andy ndokufoner­ai ndasvika paMegawatt Building, manjemanje ndokubatai,” anodaro.

Asi kubva ipapo vaviri ava havana kuzobatika kudzimara pakudhindw­a kwenyaya ino.

Resina Cream (36), uyo anova mudzimai waMakoni anoti havana mari yekurapisa murume wake zvichiteve­ra kurohwa kwaakaitwa.

“Ruwoko rwemurume wangu rwuri kuda plaster asi mari yacho hapana, nekudaro rwave kuwora,” anodaro.

Mbuya Rashiwe Makoni (60), vanove amai vaMakoni vanotsinhi­ra vachiti ruwoko rwemwana wavo rwose rwunonzi rwunofanir­wa kuiswa plaster asi havana mari yacho.

 ??  ?? Andy Muridzo
Andy Muridzo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe