Kwayedza

Ticha akabata chibharo

- Muchaneta Chimuka

MURAIRIDZI wepaHatcli­ffe 2 Primary School, muHarare, akamiswa mudare reHarare Magistrate­s’ Courts nemhosva mbiri dzinoti yekubata chibharo musikana wake uye kumubvisa pamuviri zvisiri pamutemo achibatsir­ana nemumwe chiremba uyo asati abatwa.

Taurai Chikoto (34) wepanhamba 1 Tall Trees, kuBorrowda­le, haana kupihwa mukana wekubvuma kana kuramba mhosva iyi apo akamira pamberi pemutongi Victoria Mashamba.

Muchuchisi Sebastian Mutizirwa akaudza dare kuti mumwedzi waNdira gore rino, mumhan’ari (zita tinaro) uyo ane makore 24 ekuberekwa ari mudzidzi wepaWomen’s University in Africa, anonzi akakanganw­a maboniboni ake mumotokari yeshamwari­rume yake iyi.

Nomusi waKukadzi 2, vaviri ava vanonzi vakasangan­a kuHaticlif­fe mumhan’ari achibva abvunza nezvemabon­iboni ake ndokuudzwa kuti ainge asara kumba kwake panhamba 1390 Zvakatanga­sekuseka Co-orperative, kuHatfield, kunova kwavakabva vaenda vachida kunoatora.

Vasvika pamba apa, Chikoto anonzi akataurira musikana uyu kuti anotora maboniboni ake pamusoro pefiriji yaive mumba iye achibva asara ari mutokari.

Musikana uyu anonzi akashaya maboniboni ake panzvimbo yaitaurwa izvo zvakaita kuti Chikoto apinde naye mumba ndokumuti akwire pacheya kuitira kuti anyatsotar­isa.

Chikoto anonzi akatora mukana uyu achibva akiya musuwo nemukati ndokumubat­a chibharo.

Nomusi wa3 Kubvumbi, mumhan’ari anonzi akaenda kubasa kwaChikoto ndokumuudz­a kuti akange ava nepamuviri uye asisanzwe zvakanaka nokudaro aida kurapiswa.

Nomusi wa 6 mwedzi wekare, Chikoto anonzi akaenda nemumhan’ari kuHarare vachibva vasangana nemusungwa wepiri mumotokari.

Musungwa uyu anonzi akati sezvo Chikoto ainge asina mari yekuti mumhan’ari avhenekwe mimba yake (ultra scan), aizomupa mapiritsi ekunyaradz­a marwadzo bedzi.

Anonzi akabva apa musikana uyu mapiritsi anosangani­sira 30 metronidaz­ole, 4 misoprosto­l (misoclear 200mg) nemamwe mapiritsi 40 aasingacha­rangariri.

Muzuva rakatevera, mumhan’ari anonzi mushure mekunwa mapiritsi aya akatanga kubuda ropa izvo zvakaita kuti atarise padandemut­ande kuti anoshanda basa reyi ndokuona kuti anobvisa pamuviri.

Nomusi wa13 Kubvumbi, mumhan’ari anonzi akatanga kuzvimba muviri achibva aenda kuchipatar­a cheBorrowd­ale Trauma Centre.

Pava pakati pemwedzi waChivabvu, mumhan’ari anonzi akatanga kubuda ropa zvakare achibva azoenda kunovhenek­wa (scan) nomusi wa23 Chivabvu zvikaonekw­a kuti mwana ainge akarara akarereka mudumbu asi ari mupenyu.

Kubva ipapo akaramba achingobud­a ropa kusvika nomusi wa5 Chikumi apo akayambirw­a neimwe hama yake (zita tinaro) kuti aende kukiriniki yePopulati­on Service Zimbabwe uko akanovhene­kwa akaonekwa kuti akanga asisina pamuviri.

Mumhan’ari akazoenda kuBorrowda­le Police Station akanomhan’ara nyaya iyi achibva aendeswa kuParireny­atwa Group of Hospitals uye magwaro ekwachirem­ba akamuvhene­ka akaburitsw­a mudare seumboo.

Chikoto ari kutongwa nemhosva mbiri - yechibharo neyekubvis­a munhu pamuviri zvisiri pamutemo.

Musungwa uyu ari kutarisirw­a kudzoka kudare munguva pfupi iri kutevera.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe