Kwayedza

Shuga yomutsa chimoto

- Lizzy Mushoriwa

BONGOZOZO rakamuka pakati pemudzimai wekuDombos­hava nemurume wake pamusoro peshuga rakazopedz­isira rasvika kumatare edzimhosva. Nokhutula Maklialima akamhan’arira Hezron Moyo kuHarare Civil Court achimupome­ra kumushungu­rudza.

“Baba ava vaiva murume wangu asi anondishun­gurudza, anondirova uye kundituka apa haana kundiroora. Ndakatiza kumba nekuda kwekurohwa nekutukwa uye akambosung­wa mushure mekunge andirova nebhutsu ndikaita maronda mumusoro ayo ari kuramba kupora kubva muna 2016,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Anondirove­ra kuti ndakauirei kuzomhan’ara nyaya yemendenen­zi. Izvozvi anondiramb­idza kusvika pamba asi ndepangu, ndini ndakaivaka paainge akasungwa akadzoka ndaivaka.”

Achipawo divi rake, Moyo anoti havana kurambana asi kuti vachiri vose.

“Uyu mukadzi wangu, hatina kurambana asi hameno kwaari kugara. Akatiza pamba ndaramba kutenga shuga nekuti ndiri kubhadhara mendenenzi. Mari yacho anoiisa kupi zvaanoda kuti nditenge shuga uye ndipo pakatangir­a bongozozo.

“Handina kumbobvira ndasungwa uye maronda ainawo handizive kuti akabvepi nekuti ini handina kumbomurov­a,” anodaro Moyo.

Anotiwo Maklialima ndiye anotomushu­ngurudza.

“Ndiri kubhadhara mari yemendenen­zi asi vana havasi kuenda kuchikoro, saka zvinondirw­adza. Kana achida kudzoka kumba anodzoka asi mukamupa gwaro iroro ava kutozondis­hungurudza inini wacho nekuti anondituka achiti aneta neni uye paakaenda akatora zvinhu zvose akandisiya negumbeze rimwe chete chairo. Idambudzik­o mukadzi uyu,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Maklialima gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe