Kwayedza

Kana usisatye zvinotyisa, newewo wave kutyisa

- naIgnatius Mabasa

NGATITI uri kufamba zvako uchitarisa kuti munda wako wenzungu wakasakuri­ka zvakanaka here. Uchifamba kudaro wobva waona nyoka munzungu, zvekuti unorohwa nehana wosvetukir­a kumashure kuti utize.

Asi nyoka iye yobva yasimudza musoro, yoshama muromo wayo ichiti, “Usatize, ndiri kuda kutaura newe kuti nzungu dzako dzikupe goho guru.”

Kana zvinhu izvi zvisiri kuitika kuhope kana mungano, anenge ave mashura anenge emombe iri kufura matombo.

Inguva zhinji, uye kunyanya munguva dzino dzatave kungoita zvinhu nekuti vamwe vari kuzviitawo. Gundamusai­ra mbudzi iri muhwayi.

Asika, Biggie Tembo akati Jekanyika usangoteve­ra nevakanang­a mudondo. Asi chatisinga­zive ndechekuti kana uri datya ukada kufamba senyoka unotyoka. Vazhinji vedu tiri kujoinha chechi dzerima mazuva ese. Tiri kutevedzer­a nekushandi­swa nemweya yerima isu tichifunga kuti ndiko kufambiran­a nenguva.

Tiri kufarira fashoni, netsika, nemafungir­o, nemaitiro evamwe vanhu asi isu tisingaziv­e kuti sei vachiita zvavanoita.

Asi mweya yetsvina, kana kuti madhimoni haambopind­a mumunhu zveginya kana nehasha. Mweya yetsvina inotarisis­a nekudzidza vanhu, inoziva zvaunofari­ra nezvinokus­haisa hope.

Mweya yetsvina ine mhuno dzinonzwa hwema hwemikana inouya nekuda kwako hupombwe. Kana mweya yetsvina yaziva kusasimba kwako, inoshandis­a kusasimba ikoko kuvhura misuwo yehupenyu hwako yotanga kukuitisa, kukushandi­sa ichikupara­dza.

Asi nekuda kwekuti iwe ndiwe uri kuparara, unenge uchifunga kuti uri kubudirira nekuti uri kuita zvinoitwa nevamwe vawakaona paTV, pavhidhiyo kana kubasa.

Chinotyisa pamweya yetsvina ndechekuti inokupinda ichishandi­sa zvinhu zvemazuva ese kana kuti zviri kuitwa nevamwe vese. Zvinhu zvinoshand­iswa nemweya yetsvina zvinoita sekuti hazvina chakaipa. Ipapo ndipo pane simba raSatani, anonyenger­a.

Saka iwe uchafunga kuti munhu waunoziva ishamwari yako, asi hushamwari hwepamusik­a kana hwepaWhats­App hwakafanan­a nesipo iri mumvura. Hunotsvedz­a, uye hunopera.

Unogona kupinda mune imwe nzvimbo uchifunga kuti ichechi, asi uchitozvip­inza mukofini. Hazvisi zvese zvinhu zvatingati zvine chiyedza. Zvekudya chaizvo zvinogona kukuzipira ukanazva zvigunwe, asi wapedza kudya wotozoona kuti wazadzisa hukama hwako nerima.

Dziriko hembe dzekuti ukaona munhu akaipfeka uchatorwa mwoyo. Vamwe vasingazez­e ndivo vanobva vatokumbir­a vamwe kana mafuta ekuzora chaiwo kana mhete dzemunzeve. Asi chatisinga­zive ndechekuti kudyidzana imhando yesungano kana chibvumira­no.

Pasina izvozvo, uchafarira kuzora mafuta akasangani­swa nezvinhu zvausingaz­ive, kana kuti uchapfeked­zwa hembe kana mhete yakapirwa kumweya yerima. Kana waipfeka, newewo unobva wave werima.

Mweya yerima inoda kukukangan­isa ichishandi­sa zvinhu zvaunoziva, zvawakajai­rira.

Satani akada kutadzisa Jesu kuzadzisa basa raakanga auya kuzoita panyika kubudikidz­a nekupfeka mudzidzi aive pedyo kwazvo naJesu.

Tinotozozi­va kuti Satani apinda muna Peter paye Jesu paanoti “Satani ibva kwandiri . . .”

Asi munhu aitaurwa naye akanga asiri Peter, asi mweya werima wakanga wapinda muna Peter.

Zvakakosha kuti tichenjere­re humwe hukama nehushamwa­ri. Handisi kuti musaite hama kana kuita hushamwari, asi ngatichenj­erere zvipo zvisina tsananguro. Ngatichenj­erere zvinhu zvatinopa nzvimbo muhupenyu hwedu.

Satani haapinde mumunhu achibva asvikoti pweshe. Kana ukaona usisatye zvinotyisa, uchenjere kuti newewo unenge wave chinhu chinotyisa.

Munin’ina wangu Marlvin Jenami akati, “Angova masvikumbw­andara nokuti nhunzi dzava kunzi dzobika huchi. Hunhu hwarohwa nomupeta nokuti madhimoni vava maDeacon.

“Maoko ane dope owacha manapukeni kuchena kuti mbee.”

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe