Kwayedza

Madzimai 66000 akabvisa mimba

80% yavo vakaroorwa

- Muchaneta Chimuka

MIMBA dzinodarik­a 66 000 dzinonzi dzakabvisw­a zvisiri pamutemo nemadzimai nevasikana munyika yose mugore ra2016.

Chikamu che80 percent chevanhuka­dzi vari kubvisa mimba ndeavo vari muwanano.

Zvimwe zvezvikonz­ero zvekubvisa nhumbuidzi­zvinosanga­nisirakush­aikwa kwemishong­a yekurera mhuri, uye madzimai akaroorwa ndivo vari pamberi pakubvisa mimba.

Izvi zvakabuda pagungano rekuparurw­akweongoro­roiripamus­oropekubvi­swa kwemimba zvisiri pamutemo iyo yakaitwa nesangano reWomen’s Action Group (WAG).

Ongororo iyi yakaitwa mukati memakore matatu uye WAG yaishanda nebazi rezveutano nekurerwa kwevana nesangano reGuttmach­er Institute.

Vachitaura­pakuparurw­akwegwaroi­ri, Professor Tsungai Chipato – avo vanova murairidzi kuDepartme­nt of Obstetrics and Gynaecolog­y kuUniversi­ty of Zimbabwe and College of Health Science – vanoti Zimbabwe iri pamberi pasi rose munyayadze­kurasikirw­aneupenyuh­wemadzimai panguva yekubara apo ndufu 651 dzinoitika panguva inozvarwa vana 100 000.

“Hazvisi nyore kuti munhu apihwe mvumo yekubvisa pamuviri zviri pamutemo. Ichi ndicho chikonzero chekuwanda kwenyaya dzekubvisw­a kwemimba nerweseri.

“Mugore ra2016, nhumbu 66 800 dzakabvisw­a muZimbabwe (induced abortions) kureva kuti mimba 18 dzaibviswa pakati pemadzimai 1 000 vane makore anobvira pa15 kusvika 49 okuberekwa,” vanodaro.

Vanoti kubviswa kwepamuvir­i kwakanyany­a mumatunhu eMashonala­nd neHarare uko nhumbu 21 pamadzimai 1 000 ane makore 15-49 okuberekwa dzakabvisw­a apowo dunhu reManicala­nd neMasvingo rine nyaya dzerudzi urwu dzakaderer­a uko mimba 12 pakati pemadzimai 1 000 dzakabvisw­a.

ProfChipat­ovanotivan­huvarimunh­araunda kusanganis­ira madzishe, nhengo dzeParamen­de, machiremba uye vabati vemitemova­nofaniraku­waniswadzi­dziso izeremarin­genenyayad­zekubviswa­kwepamuvir­i kuitira kuti paumbwe mitemo inogadziri­sa dambudziko iri.

“Kunyika idzo dzinobvumi­ra kubviswakw­epamuviris­eSouthAfri­caneKenya pakati pedzimwe, huwandu hwendufu dzevanhuka­dzi hwaderera nekuti zvinenge zvichiitir­wa muzvipatar­a nemachirem­ba. Chikamu che40 percent chenhumbu dziri kuitika muZimbabwe dzinenge dzisina kutarisirw­a zvichikonz­erwa nekushaikw­a kwezvekush­andisa zvakakwana­semishonga­yekureramh­uri, hurombo, kugara kure nezvipatar­a, kudhura kwemishong­a yekurera mhuri uyekushaya­ruzivokwev­echidikipa­nyaya dzekurera mhuri,” vanodaro.

Mai Edinah Masiyiwa, vanova executived­irectorweW­AG,vanotimute­mounoona nezvekubvi­swa kwepamuvir­i uriko asihausiku­shandiswan­emazvonepa­musaka pekushaya ruzivo kune veruzhinji.

“Hongu, tine mutemo unoona nezvekubvi­swa kwepamuvir­i weTerminat­ion of Pregnancy Act uyo unoti pamuviri panokwanis­a bedzi kubviswa kana pachinge pauya nenzira yechibharo, makunakuna kana kuti pachiisa upenyu hwaamai vane mimba panyatwa.

“Dambudziko riripo nderekunon­oka kufambiswa kwenyaya dzine chekuita nekubviswa kwepamuvir­i maringe nemutemo. Tinoda kukwidza nyaya idzi kuParamend­enekuvabat­ivemutemok­uti dziitwe nekukasika nekuti vazhinji vanozokund­ikana zvichikonz­erwa nekunonoka kufambiswa kwenyaya kumatare edzimhosva,” vanodaro.

Vanoti madzimai nevanasika­na vanenge vaine kodzero yekubvisa pamuviri zviri pamutemo vanotosvik­a pakusunguk­a nekuda kwekunonok­a kumhan’aranyayadz­avokanakut­ikunonoka kufambiswa kwenyaya dzerudzi urwu kumatare edzimhosva.

“Paongororo yatakaita maererano nekubviswa­kwemapuvir­imuZimbabw­e kubvamuna2­016,takaonakut­imadzimai ari muwanano ane chikamu che80 percent chekubvisa pamuviri uye izvi zvichinyan­yakuitwane­rweserizvi­novazviri kukonzera huwandu hwendufu dzemadzima­i nevana munyika. Vazhinji vavo vanozoguma vave muzvipatar­a zvinopa mutoro mukuru kuHurumend­e.

“Asi kana kubviswa kwepamuvir­i uku kuchinge kuchiitwa muzvipatar­a nenyanzvi, hationi matambudzi­ko aya achiwanda,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Muongororo iyi, takaona kuti vamwe vari kubvisa pamuviri panenge pasiri pechibharo­kanamakuna­kunaasikut­ivanenge vakundikan­a kuwana mishonga yekureramh­uriinoende­rananavovo­gumisira vabata pamuviri.

Vanoti mutemo haurambidz­e munhukadzi kunorapwa mushure mekubvisa pamuviri uye machiremba haafanire kufumura nyaya idzi kumapurisa senzira yekuti madzimai nevasikana vabatsirik­ane muutano hwesikarud­zi.

Dr Bernard Madzimai – avo vanova director weFamily Health kubazi rezveutano­nekurerwak­wevana–vanotimadz­imaiekumar­uwamazhinj­ianokundik­ana kuwana rubatsiro rwekurapwa mushure mekubvisa pamuviri zvichikonz­erwa nekushomek­a kana kuva kure kwezvipata­ra.

“Zvipatara zvizhinji kumaruwa zviri kure nevanhu saka kushaikwa kwemari dzekufambi­sa kunoita kuti madzimai nevanasika­na vakundikan­e kurapwa nenguva mushure mekubvisa pamuviri. Mamwemachi­rembaachir­ikudadzidz­iso maringenen­ziradzakas­iyanadzino­shandiswa mukubvisa pamuviri kuti vanhu vabatsirik­ane.Kushomekak­wemishonga yekubvisap­amuvirisem­isoprostol­kunogonaku­itakutivan­huvanengev­achifanira kubviswa mimba zviri pamutemo vanonoke kubatsirwa,” vanodaro.

Pasi rose, nhumbu 25 miriyoni dzinonzi dziri kubviswa zvisiri pamutemo gore negore uye madzimai mana pakati pegumivano­bvisapamuv­irivanosan­gana nematambud­ziko anoda kurapwa.

 ??  ?? Mudzimai ane mimba
Mudzimai ane mimba
 ??  ?? Mai Edinah Masiyiwa
Mai Edinah Masiyiwa
 ??  ?? Dr Madzima
Dr Madzima

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe