Madzimai 66000 akabvisa mimba
80% yavo vakaroorwa
MIMBA dzinodarika 66 000 dzinonzi dzakabviswa zvisiri pamutemo nemadzimai nevasikana munyika yose mugore ra2016.
Chikamu che80 percent chevanhukadzi vari kubvisa mimba ndeavo vari muwanano.
Zvimwe zvezvikonzero zvekubvisa nhumbuidzizvinosanganisirakushaikwa kwemishonga yekurera mhuri, uye madzimai akaroorwa ndivo vari pamberi pakubvisa mimba.
Izvi zvakabuda pagungano rekuparurwakweongororoiripamusoropekubviswa kwemimba zvisiri pamutemo iyo yakaitwa nesangano reWomen’s Action Group (WAG).
Ongororo iyi yakaitwa mukati memakore matatu uye WAG yaishanda nebazi rezveutano nekurerwa kwevana nesangano reGuttmacher Institute.
Vachitaurapakuparurwakwegwaroiri, Professor Tsungai Chipato – avo vanova murairidzi kuDepartment of Obstetrics and Gynaecology kuUniversity of Zimbabwe and College of Health Science – vanoti Zimbabwe iri pamberi pasi rose munyayadzekurasikirwaneupenyuhwemadzimai panguva yekubara apo ndufu 651 dzinoitika panguva inozvarwa vana 100 000.
“Hazvisi nyore kuti munhu apihwe mvumo yekubvisa pamuviri zviri pamutemo. Ichi ndicho chikonzero chekuwanda kwenyaya dzekubviswa kwemimba nerweseri.
“Mugore ra2016, nhumbu 66 800 dzakabviswa muZimbabwe (induced abortions) kureva kuti mimba 18 dzaibviswa pakati pemadzimai 1 000 vane makore anobvira pa15 kusvika 49 okuberekwa,” vanodaro.
Vanoti kubviswa kwepamuviri kwakanyanya mumatunhu eMashonaland neHarare uko nhumbu 21 pamadzimai 1 000 ane makore 15-49 okuberekwa dzakabviswa apowo dunhu reManicaland neMasvingo rine nyaya dzerudzi urwu dzakaderera uko mimba 12 pakati pemadzimai 1 000 dzakabviswa.
ProfChipatovanotivanhuvarimunharaunda kusanganisira madzishe, nhengo dzeParamende, machiremba uye vabati vemitemovanofanirakuwaniswadzidziso izeremaringenenyayadzekubviswakwepamuviri kuitira kuti paumbwe mitemo inogadzirisa dambudziko iri.
“Kunyika idzo dzinobvumira kubviswakwepamuviriseSouthAfricaneKenya pakati pedzimwe, huwandu hwendufu dzevanhukadzi hwaderera nekuti zvinenge zvichiitirwa muzvipatara nemachiremba. Chikamu che40 percent chenhumbu dziri kuitika muZimbabwe dzinenge dzisina kutarisirwa zvichikonzerwa nekushaikwa kwezvekushandisa zvakakwanasemishongayekureramhuri, hurombo, kugara kure nezvipatara, kudhura kwemishonga yekurera mhuri uyekushayaruzivokwevechidikipanyaya dzekurera mhuri,” vanodaro.
Mai Edinah Masiyiwa, vanova executivedirectorweWAG,vanotimutemounoona nezvekubviswa kwepamuviri uriko asihausikushandiswanemazvonepamusaka pekushaya ruzivo kune veruzhinji.
“Hongu, tine mutemo unoona nezvekubviswa kwepamuviri weTermination of Pregnancy Act uyo unoti pamuviri panokwanisa bedzi kubviswa kana pachinge pauya nenzira yechibharo, makunakuna kana kuti pachiisa upenyu hwaamai vane mimba panyatwa.
“Dambudziko riripo nderekunonoka kufambiswa kwenyaya dzine chekuita nekubviswa kwepamuviri maringe nemutemo. Tinoda kukwidza nyaya idzi kuParamendenekuvabativemutemokuti dziitwe nekukasika nekuti vazhinji vanozokundikana zvichikonzerwa nekunonoka kufambiswa kwenyaya kumatare edzimhosva,” vanodaro.
Vanoti madzimai nevanasikana vanenge vaine kodzero yekubvisa pamuviri zviri pamutemo vanotosvika pakusunguka nekuda kwekunonoka kumhan’aranyayadzavokanakutikunonoka kufambiswa kwenyaya dzerudzi urwu kumatare edzimhosva.
“Paongororo yatakaita maererano nekubviswakwemapuvirimuZimbabwe kubvamuna2016,takaonakutimadzimai ari muwanano ane chikamu che80 percent chekubvisa pamuviri uye izvi zvichinyanyakuitwanerweserizvinovazviri kukonzera huwandu hwendufu dzemadzimai nevana munyika. Vazhinji vavo vanozoguma vave muzvipatara zvinopa mutoro mukuru kuHurumende.
“Asi kana kubviswa kwepamuviri uku kuchinge kuchiitwa muzvipatara nenyanzvi, hationi matambudziko aya achiwanda,” vanodaro.
Vanoenderera mberi vachiti, “Muongororo iyi, takaona kuti vamwe vari kubvisa pamuviri panenge pasiri pechibharokanamakunakunaasikutivanenge vakundikana kuwana mishonga yekureramhuriinoenderananavovogumisira vabata pamuviri.
Vanoti mutemo haurambidze munhukadzi kunorapwa mushure mekubvisa pamuviri uye machiremba haafanire kufumura nyaya idzi kumapurisa senzira yekuti madzimai nevasikana vabatsirikane muutano hwesikarudzi.
Dr Bernard Madzimai – avo vanova director weFamily Health kubazi rezveutanonekurerwakwevana–vanotimadzimaiekumaruwamazhinjianokundikana kuwana rubatsiro rwekurapwa mushure mekubvisa pamuviri zvichikonzerwa nekushomeka kana kuva kure kwezvipatara.
“Zvipatara zvizhinji kumaruwa zviri kure nevanhu saka kushaikwa kwemari dzekufambisa kunoita kuti madzimai nevanasikana vakundikane kurapwa nenguva mushure mekubvisa pamuviri. Mamwemachirembaachirikudadzidziso maringenenziradzakasiyanadzinoshandiswa mukubvisa pamuviri kuti vanhu vabatsirikane.Kushomekakwemishonga yekubvisapamuvirisemisoprostolkunogonakuitakutivanhuvanengevachifanira kubviswa mimba zviri pamutemo vanonoke kubatsirwa,” vanodaro.
Pasi rose, nhumbu 25 miriyoni dzinonzi dziri kubviswa zvisiri pamutemo gore negore uye madzimai mana pakati pegumivanobvisapamuvirivanosangana nematambudziko anoda kurapwa.