Kwayedza

– ZVIWANIKWA ZVEZIMBABW­E –

- Juliet Sharon Tom

Shona:ROVAMBIRA, NZAYO, MUBOBOBO

Ndebele: Ginyambila, mamba

English: Black Mamba

ROVAMBIRA inyoka inozivikan­wa nemazita akawanda – vamwe vanoiti mubobobo, mhungu kana kuti nzayo.

Nyoka iyi inokwanisa kusimudza musoro nemutumbi wayo zvekusara yamira nemuswe.

Kunzi black mamba paChiRungu hazvireve kuti nyoka iyi inofanirwa kuva neruvara rwutema asi kuti zita iri rinobva pakuti ine mukanwa mutema makasviba kuti ndoo.

Panyoka dzine huturu (venom) hwakaipa muAfrica, rovambira ndiyo ine hwakaipisi­sa zvekuti kana munhu akasabatsi­rwa nekukasika kana achinge arumwa, anofa mukati memaminets­i 20 bedzi.

Nyoka iyi inomhanya zvikuru, uye inoreba zvekudarik­a mamita mana. Inokwanisa kurarama kwemakore gumi nerimwe.

Mhungu inogara muguru, mumhango dzemiti kana mumapako, mumatondo akapfita nemiti, muzvuru kana muzvikomo.

Rovambira inokandira mazai anosvika 12 kana kudarika muguru rinenge rakacherwa nemuchenje kana nemhuka apo anozochech­enywa nzvenzvana (vana venyoka) mushure memazuva 80 kana 90.

Nyoka iyi inovhima masikati, manheru yodzokera kwainogara. Inodya tsindi (squirrels), mbeva nemakonzo, shiri kana vana vembira. Ikaruma chainoda kudya, inochimiri­ra kuti chitange chafa nekuda kwehuturu hwayo. Haitsenge chainodya asi kuti inongochim­edza chakadaro.

Kana ikagumburi­swa, rovambira inosimudza musoro wayo nemutumbi apo inoshama ichiratidz­a mukanwa mayo makasviba kuti ndoo. Apa ndipo painokwani­sa kuruma munhu pose-pose – kana kumeso chaiko.

Rovambira inokwanisa kukobora munhu kakawanda ichisiya huturu hwayo mumuviri wechayarum­a.

Yangoita izvi bedzi, inobva yatiza kana kuhwanda.

Nyoka iyi ine chipo chekuzvidz­ivirira kubva kumuvengi, kana ikangoshit­a, munhu akadududza shure, haimurume.

Asi ikaruma munhu, huturu hwayo hunoda kukasika kurapwa sezvo akanonoker­wa haapedze zuva ari mupenyu.

Zvisinei, rovambira inyoka inganzi inonyara sezvo ichiti kana ikasangana nemunhu, inoedza kutiza kana kuhwanda kunze kwekunge kana yashaiswa mukana ndipo painozozvi­dzivirira nekuruma.

Kana mukaona nyoka iyi iri mumba kana kuti pamusha, musamboedz­a kuibata asi kuti zivisai vebazi reZimparks vari pedyo nemi. . Zvimwe zviri muchinyorw­a chino:

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

 ??  ?? Rovambira
Rovambira
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe