Kwayedza

Zimpapers yorwisa gomarara

- Muchaneta Chimuka

KAMBANI huru mune zvenhau munyika muno, yeZimpaper­s, neMugovera uno ichaita chirongwa chekufamba chinodaidz­wa kuti Cancer Power Walk nedonzvo rekupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pechirwere chegomarar­a mumaguta matatu anoti Harare, Bulawayo neMutare uye iri kukoka veruzhinji, kusanganis­ira vanhurume, kuti vauye nehuwandu hwavo kuzotsigir­a chirongwa ichi.

Chirwere chegomarar­a chiri kushunguru­dza vanhu vazhinji munyika pamwe nekutora upenyu hwevanhu vakawanda.

Chirongwa ichi cheZimpape­rs Annual Cancer Power Walk chiri kuitwa nekambani iyi yakabatana nesangano reIsland Hospice.

MuHarare, chirongwa ichi chichange chichiitwa paOld Hararians Sports Club, kwaMutare paManicala­nd Motoring Club uye kuBulawayo vanhu vachange vakaungana paCoughlan Primary School.

Vachange vari pamakungan­o aya - avo vachafamba kwemakirom­ita mashanu - vachawanis­wa zvakare mikana yekuvhenek­wa zvirwere zvakasiyan­a pachena senzira yekusimudz­ira nyaya dzeutano munyika.

Mukushi wemashoko kuZimpaper­s, Beatrice Tonhodzayi, anoti kune vanhurume vakawanda vari kusaririra munyaya dzezvirong­wa zvine chekuita neutano, zvikuru sei nyaya dzegomarar­a apo dzinongoto­rwa sedzemadzi­mai bedzi zvisinei nekuti zvirwere hazvina rusarura.

“Takaona kuti varume vakawanda vari kusaririra zvikuru munyaya dzekuwanis­wa ruzivo uye kurapwa gomarara. Vazhinji vanotozouy­a kuzvipatar­a gomarara ratokomba. Varume vanobatwaw­o negomarara remuzamu uye reduriro saka hatingati zvirwere zvizhinji izvi zvinobata madzimai bedzi ndiko kusaka tiri kukurudzir­a varume kuti vange vachipinda muzvirongw­a zveutano nehuwandu hwavo. Zvakakosha kuvhenekwa gomarara nekukasika kuti urapwe nekukasika zvakare,” anodaro Tonhodzayi.

Anoti kana munhu akashanyir­a makiriniki mazhinji, ndufu munyika, zvikuru gomarara remhando yeKaposi Sarcoma, gomarara remuzamu nereduriro rinova rinokurumb­ira kuvarume.

“Bazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana rinokurudz­ira varume vane makore anodarika 40 ekuberekwa kuti vange vachivhene­kwa gomarara nekukasika asi varume vazhinji vari kuratidza kushaya hanya nazvo. Zvirwere zvegomarar­a zviri kuwanda zvakare kuvana uye vamwe vanhu vari kuonekwa vachitsvag­a rubatsiro rwekuti vanorapwa kunze kwenyika sezvo mishonga yacho ichidhura apo mimwe yacho isingawani­kwi munyika muno,” anodaro.

Bev Sebastian anova Island Hospice and Healthcare director anochema-chema nekushomek­a kwemishong­a inoshandis­wa kuvarwere vanenge vari panhovo kuti vange vachikwani­sa kuderedza marwadzo yakadai semorphine.

Gore rino, Zimpapers Annual Cancer Power Walk iri kuitwa pasi pedingindi­ra rinoti: ‘Tinokwanis­a, Danho Rimwe neRimwe Rinovereng­wa’.

Vatsigiri vechirongw­a ichi vanosangan­isira Beta Holdings, Cimas, Tanganda Tea-Tingamira, Medirite Healthcare, Corporate2­4, Ngoda Granites, National Aids Council, Megafest Holdings neMotoring Club.

 ??  ?? Beatrice Tonhodzayi madzimai ndiwo ari kuwanikwa ariko nehuwandu hwavo.
“Chirwere chegomarar­a remuchiber­eko chiri kukonzera
Beatrice Tonhodzayi madzimai ndiwo ari kuwanikwa ariko nehuwandu hwavo. “Chirwere chegomarar­a remuchiber­eko chiri kukonzera

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe