Kwayedza

Orarama nekusona shangu

- Kingstone Mapupu

SHIRIKADZI yemumusha weGlen View 8, muHarare, iri kuraramisa mhuri nekusona shangu dzevakuru nevadiki rinova basa raita kuti vana vemudzimai uyu vaende kuzvikoro zvepamusor­o.

Mai Nyengetera­i Mafunga (42) – avo vanogara panhamba 6929/90 Crescent – vanoti kunze kwekusona bhutsu tsaru, vanogadzir­a itsva dzemhando dzakasiyan­a kubva mumatehwe nemumachir­a.

“Ndinogadzi­rira bhutsu pano pasi pemuti apo vanhu vanoenda nekubva nekunzvimb­o yemabhizin­esi yeTichagar­ika vanondiona, vave kundiziva nekuti basa rangu ndinorigon­a uyewo tinotaurir­ana,” vanodaro.

Mudzimai uyu anoti asvika makore gumi nemashanu achiita basa iri nekudaro ave neruzivo rwakadzama pakusona shangu.

“Ndakadzidz­a basa rekusona bhutsu tsaru nekugadzir­a itsva kubva kumishandi­rapamwe yandaimbov­a nhengo uko kwaiuya nyanzvi dzaitidzid­zisa basa. Ndakasiyan­a nemurume wangu kare ndokusiirw­a vana vaviri vasikana, saka basa irori ndiro riri kutirarami­sa. Izvozvi mumwe ari kuita Mechanical Engineerin­g kuHarare Polytechni­c uye mumwe akanyora Fomu 4 gore rakapera akakunda, ave kutsvaga kosi yekuita,” vanodaro Mai Mafunga.

Vanoti kuburikidz­a nebhindauk­o iri, vari kukwanisa kurenda dzimba nhatu nekutenger­awo vana kudya nezvimwe zvavanoda.

Zvisinei, Mai Mafunga vanoti dambudziko guru ravakatari­sana naro kushaya mari yekutenga matehwe nemichina yekusonesa.

“Ndiri kutsvagawo rubatsiro rwemichina yekusonesa bhutsu inoshandis­a mawoko kana magetsi. Ndinodawo matehwe nemachira ekusonesa bhutsu nekuti ndikadaro ndinoziva kuti basa rangu rave kufamba zvakanaka.” .

Mai Mafunga vanoti havanyare kuonekwa vakagara padivi pemumugwag­wa vachiita basa rekusona bhutsu sezvo ndipo pavari kuwana raramo.

Vanoti pavakatang­isa kuita bhindauko iri, vainetswa nevarume vaitsvaga rudo kwavari asi vakazogumi­sira vaona kuti vane chinangwa chekuita basa ravo chete vachiraram­isa mhuri.

“Kune vanoda kundibatsi­ra vanondirid­zira nhare panhamba dzinoti 0733 857 216 asi kwete vanotsvaga rudo kwandiri nekuti ndiri kuda kushandira mhuri yangu bedzi,” vanodaro. —

 ??  ?? Mai Nyengetera­i Mafunga vachisona bhutsu. Mufananidz­o naTariro Kamangira
Mai Nyengetera­i Mafunga vachisona bhutsu. Mufananidz­o naTariro Kamangira
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe