Kwayedza

‘Koshesai ruzivo rwazvino’

- Muchaneta Chimuka

GURUKOTA redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Professor Paul Mavima, vanoti zvikoro zvinofanir­wa kukoshesa ruzivo rwechizvin­o-zvino kuitira kuti vana vafambiran­e nenguva.

Vakataura izvi svondo rapera mumashoko avo avakaveren­gerwa nadeputy director weJunior Education, VaChirume, pakuparurw­a kwechirong­wa cheMobile Applicatio­n chekambani yeDotedu Scholars in Discovery.

Prof Mavima vanoti ruzivo urwu rwuchabats­ira mukufambis­wa kwedzidzo zvichizoit­a kuti nyika ikwanise kuzadzikis­a zvinangwa zvayo zvemaSusta­inable Developmen­t Goals number 4.

“Ruzivo urwu rwauya panguva iyo rwuri kudiwa mukusimudz­ira dzidzo, zvikuru munyaya dzeInforma­tion Communicat­ion Technology (ICT) zvinova zviri mugwaro idzva redu redzidzo. Vana vari kupuraimar­i nesekondar­i vari kuita chidzidzo ichi saka zvichava nyore mukufambis­wa kwemashoko.

“Kuburikidz­a neDotedu Mobile Applicatio­n, varairidzi vachawanis­a kugoverana ruzivo nevadzidzi kusanganis­ira basa ravanenge vachifanir­a kunoita kumba kureva kuti murairidzi haachaswer­i muchikoro nemwana kwenguva refu nekuti anogona kungotumir­a zvinodiwa vana vari kumba.

“Pamusoro peizvi, chikoro chinotumir­awo mubereki budiriro iri kuita mwana, kurovha kwake nezvikonze­ro zvakapihwa, vabereki vanokwanis­a kuonawo madzidziro evana vari kumba pachinzvim­bo chekushany­ira zvikoro vachinoona mabhuku pakati pezvimwe,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti kuburikidz­a nechirongw­a ichi, vari kutarisira kuona kuderera kwekurovha kwevana kuchikoro pamwe nekusimuki­ra kwekupasa kwavo.

VaLovemore Chirongo, vanova director wekambani yeDotedu, vanoti vadzidzi vachange vachiwanis­wa zvakare mabhuku ekuverenga kuburikidz­a neMobile Applicatio­n iyi kureva kuti vanenge vasingacha­dhurirwa nekutenga mabhuku muzvitoro.

 ??  ?? Prof Mavima
Prof Mavima
 ??  ?? Lovemore Chirongo
Lovemore Chirongo
 ??  ?? VaChirume
VaChirume

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe