Kwayedza

Zvinodzidz­wa murungano

- Munyaradzi Gunduza

ZVIDZIDZO zviri maererano nehondo yeChimuren­ga.

Mumwe anokwanisa kuti akadzidza zvinhu zvakafanan­a nezvinotev­era:

Ndakadzidz­a kuti vachena vaive nerusarura – vanhu vatema vaibatwa zvakasiyan­a nevamwe verudzi rwechichen­a. Vatema vainzi vagare munzvimbo dzaiwanikw­a tsvina yakanyanyi­sa uye dzine vanhu vakawanda sezvaiitik­a muMbare neHighfiel­ds. Vanhu vatema vaifoirisw­a chikoro nevachena vachinzi vaigara munzvimbo dzisina materevhiz­heni nemawaires­i.

Ndakadzidz­a kuti mukuru wezvematon­gerwo enyika, VaChitepo vakauraiwa nebhomba rainge raiswa mumotokari yavo vachibva kunze kwenyika.

Vanhu vatema vaisabvumi­rwa kufamba vasina zvitupa — tinoona vakomana vanosangan­a naKuda muchitima mufourth class vachiburut­swa nemapurisa nemasoja vakasungwa nekuti vainge vasina zvitupa.

Vachena vaisunga vanhu vatema zvisina tsarukano — tinonzwa kuti munhu mutema aiti akasungwa aibva angoendwa naye pasina aiziva kuti aendeswa kupi uye nyaya yacho yaisapinda mudare redzimhosv­a kuti itongwe.

Chidzidzo ndechekuti panguva yehupambep­fumi vanhu vaisabvumi­rwa kuungana kana kutanga misangano yezvematon­gerwo enyika – vanaKuda nevamwe vaidzidza payunivhes­iti vanoenda kunoratidz­ira kunzvimbo yeHighfiel­ds zvinove zvinoita kuti vazotanga kumhanyisw­a nemasoja nemapurisa vachisairi­rwa imbwa. Vabereki vaKomuredh­i Kadiki vainge vatanga zvematonge­rwo enyika ndokuzobva muZimbabwe varambidzw­a izvi nevachena vachienda kuZambia.

Mapurisa aigarira vanhu munzira achivatore­ra chikafu – tinoona panoenda Kuda kuChipinge achibva kuchikoro vamwe vaaive navo mubhazi vanotorerw­a chikafu chavainge vatenga nemapurisa zvichinzi vaida kunopa magamba ehondo. Ndakadzidz­a kuti masoja airova vanhu vasina mhosva nekuvapisi­ra dzimba nematura — tinonzwa kuti masoja ane nguva yaaipinda mupovho achitanga kungorova vanhu. Tinoona masoja achipisa dzimba dzepamba pana Kuda kuChipinge pamwe chete nematura aiiswa zvekudya.

Ndakadzidz­a kuti Zanu yaifarirwa nekuti yaishandis­a donzvo regutsaruz­hinji — tinoona kuti vanhu vaidzidzir­a hondo yeChimuren­ga vaidzidzis­wawo zvematonge­rwo enyika zvaiita kuti vagarisane nepovho zvakanaka pamwe chete nekuidzidz­isa gwara remusangan­o uyu. Izvi zvinoratid­za kuti musangano weZanu wakanga wakategwa panheyo yekubatani­dza vanhu (socialism).

Magamba aienda kunopotera kunze kwenyika kwavaidzid­ziswa zvehondo — vanaKuda vanoenda kunze kwenyika kuMozambiq­ue uko vanonodzid­ziswa kurwa hondo vari mukamba 2. Kuda nevamwe vake vanozoenda­wo kuTanzania kwavanonog­ara kwemwedzi mina vachiwedze­ra ruzivo rwavo rwehondo.

Muhondo yeChimuren­ga vanhu vaisimudzi­rwa zvichiende­rana nekugona kwavo — tinoona kuti Kuda anosarudzw­a kuti ange ari mumwe wevanhu vaizoenda kuChina kunowedzer­a zivo yezvehondo nekuti akanga akunda vese vaibva muchikwata chake. Kuwanda kweruzivo rwaKuda kunoita kuti azoitwa Detachment Commander wemagamba aienda kuZimbabwe kunorwira muBuhera.

Vatengesi vaiurayiwa — tinonzwa kuti Samason akanga aurayiwa muhondo nemagandan­ga nekuda kwekutenge­sa hondo yeChimuren­ga kwaainge aita kuvachena.

Hondo yevatema yaihwanda mumakomo – tinoona kuti panobva Kuda kuMozambiq­ue achienda kuBuhera anosangana nemagamba munzvimbo dzakawanda kusanganis­ira muBocha. Magamba ese aive munzvimbo idzi ainge achishandi­sa mabhesi emakomo. VanaKuda pavanosvik­a kuBuhera vanokemba pabhesi raive nemakomo mana.

Tinopedzis­a zvidzidzo zvinobva muna Kuda Muhondo svondo rinouya.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe