Kwayedza

Tsekwende kuvatambi

- Munyaradzi Gunduza

TSANANGURA matambudzi­ko mashanu anowira vatambi muna Kereke Inofa. [25]

Vatambi vanosangan­a nematambud­ziko ekutapurir­wa chirwere cheshurama­tongo. Izvi zvinobuda kuna Beauty naSusan pavanenge vari muchipatar­a cheWest End vasiri kuwirirana nezvechiko­mba chaBeauty chainzi Dance chaakanga atorerwa naSusan. Beauty anoudza Dance pafoni kuti aida kumusungis­a nekuti akanga amuzadza chirwere cheshurama­tongo. Susan anozoudzwa naBeauty kuti aive azadzwawo chirwere ichi naDance.

Mubhuku iri vatambi vanowirwa nematambud­ziko ekutukwa.

Tinozviona kuna Peter Chimumumu anonyombwa naRose vagere mumba maZebra kuGlen View 7, zuva ratongwa nyaya yaSarah yekupiwa mwana naPastor Mwenje kunze kwemusha. Rose anomubvunz­a kuti akanga ari ani aida kugadziris­a matare epamba paZebra, achibva anzi zvimumumu zvaitauraw­o chii chaaida kuvabatsir­a panyaya iyi, anobva abudamo atsamwa asina kana nekuzoonek­a.

Vatambi vanowanikw­a mubhuku Kereke Inofa vanowirwa nematambud­ziko ekuparadzi­rwa dzimba. Izvi zvinoonekw­a kuna Mary naZebra pavanoona Sarah mudzimai waZebra apiwa mwana naPastor Mwenje murume waMary vari muchipatar­a cheWest End, muHarare. Zebra anobva abuda pachena kuti akanga asingachad­i zvekuramba achigara naSarah saka aifanira kuenda kumba kwaPastor Mwenje vakanga vamupa mwana murudo rwechivand­e.

Mubhuku iri vatambi vanosangan­a nematambud­ziko ekufenda. Tinozviona kuna Zebra paanoenda kuchipatar­a cheWest End ndokuona Sarah ave nemwana waPastor Mwenje.

Anonzwa kupera simba ndokupedzi­sira ave kuita seapererwa nemweya wekufema angofizuka nezvaaive aona. Anotora nguva refu akadaro opiwa mubhedha muchipatar­a chimwe chete ichi.

Vatambi vari mumutambo uyu vanosangan­a nematambud­ziko ekutorerwa chikomba.

Izvi tinozviona kuna Beauty anoshungur­udzika zvikuru ari mumupanda wairara vasikana kumba kwaZebra kuGlen View 7, atorerwa chikomba chake Dance namainini vake Susan zvinoita kuti vazotanga kurwa.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe