Kwayedza

Varimi vakakumba mibairo kuSeed Co

- Malven Mugadzikwa

KAMBANI huru mukuuchika nekutenges­a mbeu muZimbabwe, yeSeed Co, svondo rapera yakapembed­za varimi vakawana goho guru kudarika vamwe kuburikidz­a nekuvapa mibairo pasi pechirongw­a chayo cheEleven Tonne Plus Club Promotion.

Pasi pechirongw­a ichi, murimi anopinda mumakwikwi aya kana achinge asvitsa goho rematani echibage gumi nerimwe pahekita zvichienda mberi.

Vachitaura pakupihwa kwevarimi mibairo iyi, mutevedzer­i wegurukota rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugarisw­a kwevanhu patsva – VaVangelis Haritatos – vanoti chirongwa ichi chakanaka nekuti chinounza maguta munyika sezvo chichiita kuti varimi vashande nesimba kuburikidz­a nekuita makwikwi anovapa goho guru.

“Ndinofara zvikuru kuva pano ndichiona basa guru riri kuitwa nevarimi vedu kuburikidz­a nemibairo yavari kuwana iyi.

“Tasanganis­wa nhasi nekuda kwekushand­a nesimba kuri kuita varimi vedu kuti munyika muve nechikafu chakakwana,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Goho riri kubuda kuburikidz­a nekushanda nesimba kwevarimi neHurumend­e pasi pezvirongw­a zvakaita sePresiden­tial Input neCommand Agricultur­e.

“Nekuda kwezvirong­wa izvi, goho rechibage rakwirira zvakanyany­a nekuti varimi vedu vari kuwana zvekushand­isa nenguva.

“Hurumendew­o haigoni kushanda yoga kana pasina makambani akaita seSeed Co. Ndinoda kutenda kambani dzinouchik­a mbeu, kunyanya Seed Co, nebasa guru ravari kubata uye nekubatana neHurumend­e mukupa varimi mbeu dzemhando yepamusoro idzo dzinopa goho guru.”

VaHaritato­s vanoti kuti munyika munge muine chikafu chakakwana, huwandu hwechibage chiri kurimwa hunofanira kuwedzerwa.

Vanoti kune zvinokanga­nisa goho zvakafanan­a nekusanduk­a kwemamirir­o ekunze naizvozvo varimi vanofanira kurima nehungwaru uye ruzivo rwavanowan­a kubva kunanamazv­ikokota vanoita tsvagurudz­o yemamiriro ekunze pamwe nevarimisi.

“Kuti pave negoho guru uye nyika igare iine chikafu chinogutsa, varimi vanofanira kupinda muzvirongw­a zvakaita semakwikwi eEleven Tonne Plus Club. Varimi zvakare vanofanira kurima zviri kuenderana nechizvino-zvino nekuti izvi zvinoita kuti goho redu rirambe richikura uye kuti tigone kushandisa nemazvo ivhu ratinaro.

“Nekuda kwekusandu­ka kuri kuita mamiriro ekunze, ndinokurud­zirawo varimi kuti vashandise madiridzir­o.

“Varimi vanofanira­wo kushandisa feteraiza senzira yekuti ivhu ravo rirambe riine chikafu chinogutsa mbesa kuti vawane goho rakakura,” vanodaro.

Vachitaura­wo pagungano iri, chamangwiz­a weSeed Co, VaDenias Zaranyika, vanorumbid­za varimi vakawana mibairo vachiti vari kufara nekuwedzer­a kwevari kupinda mumakwikwi eEleven Tonne Plus Club sezvo zvichirati­dza kuti goho richawedze­ra munyika.

“Nyika yedu ine mukana wekuva negoho rinosvika kana kudarika matani mamiriyoni mana echibage kana varimi, Hurumende nemakamban­i anouchika mbeu vakashanda pamwe chete.

“Chinangwa chikuru chemakwikw­i atakatanga aya kuti goho redu riwedzere munyika tikwanise kuzviwanir­a chikafu senyika kwete kutenga chibage kune dzimwe nyika.

“Pari zvino kambani yedu yatarisana nekuuchika mupunga wekuti tikwanise kurima senyika, timire kudya mupunga unobva kunze,” vanodaro VaZaranyik­a.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Tiri kuuchika mbeu dzemhando dzakasiyan­a dzemupunga dzinoender­ana neivhu redu nemamiriro ekunze emunyika muno.

“Chimwe chinangwa kuuchika mbeu dzembatati­si nekuti mbatatisi zhinji dziri kubva kunze kwenyika, hatisi kukwanisa kuzvirimir­a dzinogutsa nyika yese.

“Tiri kuda kuwedzera zvakare huwandu hwemafuta anogadzirw­a muno munyika kuburikidz­a nekuuchika mbeu yeCanola oil iyo ichawedzer­a pane soya bhinzi pakugadzir­wa kwemafuta ekubikisa sezvo mazhinji ari kubva kunze kwenyika.”

 ??  ?? VaDenias Zaranyika (kuruboshwe) vaina VaVangelis Haritatos (kurudyi) naAgritex principal director VaJoseph Gondo
VaDenias Zaranyika (kuruboshwe) vaina VaVangelis Haritatos (kurudyi) naAgritex principal director VaJoseph Gondo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe