Kwayedza

. . . ndakatenga dzimba mbiri

- Abel Ndooka

SHASHA yakambonet­sa munyaya dzemujaho wekumhanya — Elliot Mujaji — anoti kuzvininip­isa kwaakaita pamwe nekuzvibat­a ndiko kwakamubat­sira kuti ahwine mibairo yakasiyana inosangani­sira menduru dzegoridhe kumitambo yemaParaly­mpics Games uye akakwanisa­wo kutenga dzimba mbiri kuburikidz­a nekumhanya.

Svondo rino, Kwayedza yakaita hurukuro naMujaji uyo anoti akakwanisa kusimudzir­a hupenyu hwake zvikuru kuburikidz­a nekumhanya.

“Ndakakwani­sa kungoitawo zvidiki-diki chete, munongoziv­awo kuoma kwakaita nyika yedu. Asi ndakavakis­a dzimba mbiri, imwe iri kumasabhab­ha kozoti imwe iri kumarokesh­eni.

“Fundo yevana vangu, ndakavaend­esa kuburikidz­a nekumhanya kwandaiita.

“Asi mugore ra2006 ndakanyura mari inosvika US$6 000 iyo yakarova yese iri kune rimwe bhengi rakavhara ndokurova nemari dzedu. Nanhasi mari yangu ndinongoif­unga nekuti yainge yakawanda zvikuru,” anodaro.

Mujaji anoti achiri nendangari­ro dzekutendw­a kwaakaitwa nevaimbove mutungamir­iri wenyika, Cde Robert Mugabe apo akahwinha menduru yegoridhe kumaParaly­mpics Games.

“Hapana chinhu chinofadza zvikuru sekutendwa nemutungam­iri wenyika, kumunzwa achitaura nezvako achikutend­a nebasa raunenge waita. Zvinhu zvinofadza uye zvinogara mundangari­ro dzako zvachose.

“Saka kuti usvike ipapo zvinoda kuti ushande nesimba uye usimudze mureza wenyika ugotendwa nemutungam­iri wenyika,” anodaro Mujaji.

Mujaji akazvarwa mugore ra1971 kuKadoma uye anoti zvekumhany­a zvaive muropa kubva achikura asi akazosanga­na netsaona ari kubasa iyo yakamuona achidambur­wa ruoko rwake ndokumboga­ra ari mukoma (coma) kwemwedzi miviri.

Achidzoka mugore ra2000, Mujaji akaunza mufaro kunyika yese apo akahwina menduru yegoridhe mumujaho we100m kuSydney, kuAustrali­a kumakwishu emaParalym­pic Games.

Muchinda uyu akazohwinh­a zvakare imwe menduru yegoridhe kuAthens, kuGreece kumakwikwi mamwe chete aya.

Parizvino Mujaji ari kushandisa ruzivo rwaakawana kuburikidz­a nemakore aaikwikwid­za kunyika dzakasiyan­a kusimudzir­a vechidiki vari kushuvira kutevera mumatsimba ake.

“Ndiri kuedza kuti ndisimudzi­re vechidiki asi hazvisi kunyatsobu­da nekuti hatina vanodira mari kuti basa iri

rifambe. Dzimwe dzenguva ndinotozos­vika pakuburits­a mari yangu yemuhomwe kuti ndibatsire basa rifambe nekuti zvinhu zvakaoma.

“Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika, zviri kunetsa munhu wese saka handingamb­osiya vapfana vangu ava vari vega, vanotarisi­ra kubva kwandiri kuti ndivabatsi­re kuvasimudz­ira,” anodaro Mujaji.

Kunze kwekushand­a achirairid­za mujaho wekumhanya kuchikwata chake cheElliot Mujaji Athletics Academy kuZvishava­ne uko kwaanogara, Mujaji ndiye murairidzi wepurovhin­zi yese yeMidlands mumutambo uyu.

Anoti mitambo iyi yakakosha zvikuru sezvo ichibatsir­a kusimudzir­a vechidiki uye ndiyo mimwe yakamusimu­dzirawo mukukura kwake.

“Tatarisana nemaYouths Games, akakosha uye ini

ndakaona kukosha kwawo nekuti ndichikura akandiwani­sa zvikwata izvo zvandakamh­anyira zvinosanga­nisira Morris Depot, Trojan Mine neShabanie Mine uko kwandakazo­shanda kwemakore akawanda.

“Izvezvi zvasiyana, hakusisina zvikwata zvakaita seizvi saka mutambi anotoburit­sa mari yake muhomwe kuita gadziriro dzekuenda kumitambo mikuru yakasiyana uye anotofanir­wa kuihwina kuti zvimufambi­re zvakanaka,” anodaro.

Shasha iyi inoti yakakomber­erwa nevana vana vanoti mukomana mumwe chete nevasikana vatatu.

Anoti pavana vake vese, hapana akambofung­a zvekutever­a mumatsimba ake uye haana chigumbu nazvo nekuti anotsigira zvese zvavanoda kuita muhupenyu hwavo.

 ??  ?? Elliot Mujaji
Elliot Mujaji
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe