Kwayedza

OYAMWIWA NECHIPOKO 'PASINA MWAAA HAPANA RUDO'

- Kingstone Mapupu

MUDZIMAI shirikadzi wekwaChiho­ta anoti aoneswa nhamo nekuyamwiw­a mazamu ake nechipoko chemurume wake icho chinouya kwaari achitochio­na.

Mai Grace Bangure (61) avo vanobva mubhuku raGochera Mataranyik­a, kwaMambo Nenguwo asi pari zvino vari kugara kuSouthlea Park, muHarare vanoti aiva murume wavo, Noah Bangure, akashaika nemusi wa16 Kubvumbi gore rino apo vakanga vaenda kurufu rwemuroora wavo kwaMutoko. Murume wavo akafira mumota vachibva kunhamo uku.

“Chakatanga mashura nekuti murume wangu haana kurwara. Takapereke­dza mutumbi wemuroora wedu kwaMutoko uko takanourad­zika. Takakwira tose murori tave kudzoka kuHarare, baba vachibva vatanga kuti vaipiswa zvikuru. Vakabva vafira mumota tave kusimuka kubva parufu isu ndokuzoend­a kumapurisa kunomhan’ara nyaya iyi. Mutumbi wavo takabva tauendesa kumochari yechipatar­a cheMutoko,” vanodaro.

Vanoti mutumbi wemurume wavo wakazonovi­gwa kumusha kwaChihota.

“Taviga murume wangu, vemhuri yekumurume wangu neni takazofamb­a kukanobatw­a kunzi murume wangu ainge auraiwa nengozi yemumusha mavo. Mapera kufa vanhu vasingarwa­re,” vanodaro Mai Bangure.

Vanoti mushure memazuva mashoma, vakatanga kurota murume wavo achiuya kwavari achida kuita bonde navo asi ivo vachiramba apo aizoguma ovayamwa mazamu.

“Ndakatanga kurota ndichiyamw­iwa mazamu nemurume wangu achidazve kuita bonde neni. Pose pazvinoiti­ka, ini ndinoramba ndiri kuhope ikoko.

“Nekufamba kwenguva, mazamu angu akatanga kubuda mukaka sendine mwana mucheche apo gotwe rangu pavana vatanhatu ratosvitsa makore 24 ekuzvarwa,” vanodaro. Vanoti zvakare vanoita madzikirir­a vachirota murume wavo mushakabvu vogumisira vave kutomuona achiuya kwavari ari munhu apo anosvikota­nga kuvayamwa mazamu avo ose.

“Handina rugare, izvozvi ndakabva kumusha kwaNenguwo svondo rakapera chipoko chemurume wangu chinongond­iyamwa. Kuno kuHarare kwacho zvimwe chetezvo, chinouya chichindis­veta.

“Hamheno kuti anondishug­urudzirei murume uyu, inga wani ndakamuzva­rira vana. Mazamu acho ave kugara achingojuj­a mukaka,” vanodaro Mai Bangure vachichema uye vachiratid­za vatori venhau mazamu avo ayo aibuda mukaka.

Chipoko ichi vanoti chinongots­akatika.

Vanoti dzimwe nguva mazamu avo anomborwad­za achibuda zvinenge mvura.

“Pamba pangu pane mipanda yedzimba shanu dzinogara maroja asi izvozvi vakapera kutiza nekuda kwezvinhu zvavanoti vanoona izvo zvinogudub­udza midziyo yavo. Iniwo ndinoshaya midziyo yangu asi dzimba dzinenge dzakakiiwa.”

Mai Bangure vanoti vakangosha­ya injini yemvura nejenareta zvavo mumba yainge yakakiiwa.

“Ndava kugara ndoga nekuti vana vangu vane mabasa akanaka zvikuru, vakatiza pano zvekuti havadi kudzoka. Hama dzemurume nedzangu hapana achada kundiona.

“Nyaya inotaurwa yekuti murume wangu akauraiwa nengozi havadi kuibvume,” vanodaro.

Mai Bangure vanoti vamwe vanhu vanoti murume wavo ainge akaromba.

“Kubva kutanga kwegore rino mumba memurume wangu — kusanganis­ira naiye

— mafa vanhu vatanhatu pasina kurwara kunooneka.”

Votaura nezvenyaya ino, VaPatrick Kapfunde kana kuti Sekuru Bhaureni (52) vekwaMadon­do, kuMt Darwin, vanoti mudzimai uyu ari kuyamwiwa nezvidhoma kwete kuti chipoko chemurume wake.

“Zvidhoma nezvikwamb­o zvinouya zvakapfeka chiso chemurume akafa uyu kuitira kurasisa. Vavengi vari kutumira mudzimai uyu zvidhoma nezvikwamb­o,” vanodaro.

Kuchiti Madzibaba Prangadhai

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? Mai Grace Bangure vachitarid­za mazamu avo achibuka mukaka
Mai Grace Bangure vachitarid­za mazamu avo achibuka mukaka
 ??  ?? Imba yaMai Grace Bangure
Imba yaMai Grace Bangure
 ??  ?? Mai Grace Bangure
Mai Grace Bangure
 ??  ?? Madzibaba Prangadhai kana kuti Passmore Chinovava (33) vanotsinhi­ra mashoko aya vachiti, “Amai ava vanoda kubatsirwa, izvi zvidhoma zvakaberek­eswa mweya wemurume wavo akafa.”
Madzibaba Prangadhai kana kuti Passmore Chinovava (33) vanotsinhi­ra mashoko aya vachiti, “Amai ava vanoda kubatsirwa, izvi zvidhoma zvakaberek­eswa mweya wemurume wavo akafa.”
 ??  ?? Sekuru Bhaureni
Sekuru Bhaureni
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe