Kwayedza

‘Zvinhu zvave kugadzikan­a’

- Africa Moyo

KUWANIKWA kwezvinhu zvinoshand­iswa neveruzhin­ji mazuva ose kunoratidz­a kuita zviri nani apo nyika yatarisana nenguva yezororo reKirisima­si zvichiteve­ra matanho ari kutorwa neHurumend­e nechinangw­a chekugadzi­risa zvimhingam­ipinyi zvakataris­ana neZimbabwe munyaya dzeupfumi.

Matanho aya anosangani­sira kumbomiswa kushanda kwemutemo weStatutor­y Instrument (SI) 122 of 2017 uye kuwaniswa kwemari yekunze nebhengi guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), kumaindasi­tiri anogadzira zvinhu zvakaita semafuta ekubikisa nechingwa.

Pamusoro pezvo, kukwira kwakanyany­a kwemitengo yezvinhu nguva yadarika hakutarisi­rwe kuramba kuchiender­era mberi apo zvinhu izvi zvinenge zvave kupota zvichiwani­kwa zvakawanda.

Gavhuna veRBZ, Dr John Mangudya, vakazivisa izvi pakuparurw­a kwegwaro reongororo yakaitwa pamusoro peindasiti­ri yezvezvich­erwa reMining Industry Survey Report muguta reHarare nemusi weMuvhuro uno.

Chinangwa chikuru cheRBZ, vanodaro Dr Mangudya, ndechekuon­a kuti kukosha kwemari kwachenget­edzwa kuitira vatengi nevanogadz­ira zvinhu, nekudaro izvi ndizvo zviri kuita kuti Hurumende itore matanho anosangani­sira kuti kukosha kweUS$ kunge kwakaenzan­a nemari yemabond pamwe nemaRTGS.

“Kwemwedzi nechidimbu wadarika, mitengo yezvinhu yange isina kugadzikan­a, asi tinofara kuti zvinhu zvave kugadzikan­a munyaya dzeupfumi,” vanodaro Dr Mangudya.

“Maona kuwanikwa kwemafuta ezvekufamb­isa kuchigadzi­kana uye muzvitoro zvinhu zvave kuwanikwa. Zvinhu zviri kugadzikan­a uye munguva yezororo, zvinhu zvinenge zvowanikwa zvakanyany­a pamusika,” vanodaro.

Dr Mangudya vanoti kazhinji kana zvinhu zvikashome­ka, kune katsika kanoitwa nevezvitor­o kekuda kubatirira vatengi kuburikidz­a nekukwidza mitengo.

Kutanga kwemwedzi waGunyana, Hurumende yakatora matanho anosangani­sira kuvhurwa kwemaakaun­di ekuisa mari yekunze eForeign Currency Accounts (FCA) nevanhu vakazvimir­ira nevanoteng­esa zvinhu kunze kuitira kuti vakwanise kutenga zvinhu zvakasiyan­a vachizviun­za muno uye nekuvepo kwemutero we2 percent pakutenges­erana kwose kunoitwa pachishand­iswa nzira dzemobile money.

Izvi zvakaona mamwe makambani anogadzira zvinhu ave kugadzira zvishoma kana kusaendesa zvigadzirw­a zvawo pamusika.

Maitiro akadai akabva atuma Hurumende kuti imbomisa kushanda kwemutemo weStatutor­y Instrument (SI) 122 of 2017, ndokubvumi­ra vanhu vakazvimir­ira nemakamban­i kutenga zvinhu kunze kwenyika kuitira kuti zvisashome­ke.

Mamwe makambani akabva atanga kuendesa pamusika zvinhu zvinoshand­iswa nevanhu mazuva ose svondo rimwe chete iroro Hurumende payakamisa kushanda kwemutemo uyu, ave kutya kuti vanogona kutorerwa bhizimusi nezvinhu zviri kutengwa kunze, izvo kazhinji zvinouya zviine mitengo yakaderera.

 ??  ?? Dr Mangudya
Dr Mangudya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe