Kwayedza

Akadzipirw­a mabanana e$1

- Fortunate Gora ari kuCHINHOYI

MURUME wekwaZvimb­a akamiswa mudare reChinhoyi Magistrate Court achipomerw­a mhosva yekuba nhare yemumwe musikana uyo akagara matunduru ndokumudzi­pa mushure mekunge atadza kumubhadha­ra $1 remabanana ayo akange akwereta.

Brighton Chikarara (48) anogara mubhuku rekwaMatar­e akamiswa pamberi pemutongi mutongi Brenda Dhliwayo akatarisan­a nemhosva yekudzipa uye kugara matunduru Sarah Chambara (21).

Chikarara ari kuramba mhosva dzaari kupomerwa idzi achiti chaanongod­a chete kuti Sarah amupe $1 rake remabanana aakakweret­a.

“Handina kumbovamon­ya mutsipa ini asi kungoti kutengesa kudai kutambura saka vakandidzo­serawo dhora rangu mhuri yangu inorarama,” anodaro Chikarara.

Anoenderer­a mberi achiti, “Dhora ringangoit­a haro kunge mari shoma asi inini bhizimisi rangu rinotobhur­oka kana ndichinge ndisina kuwana dhora iroro.’’

Muchuchisi Tendai Tapi akaudza dare kuti mangwanani emusi wa18 Nyamavhuvh­u, Chikarara anonzi akaenda kumba kwaOlivia Chambara uyo anogara munharaund­a yekwaMasiy­arwa kunotora chikwereti chake che$1 remabanana aive akweretwa naSarah anova mwana waOlivia.

“Chikarara anonzi akasvikoon­a Sarah aina amai vake akabvunza mari yake asi Sarah haana kukwanisa kumupa achiti mari yaiva murunhare,” anodaro muchuchisi Tapi.

Mhinduro iyi inonzi haina kufadza Chikarara uyo akabva atanga kuita hukasha achiti kuna Sarah amupe nhare yake yeSamsung Galaxy X4 kuti azvionere.

Chikarara anonzi haana kuzodzoser­a nhare kuna Sarah asi akabva aiisa muhomwe achibva atanga kufamba achienda kumba kwake.

Sarah achiona izvi, anonzi akatevera Chikarara ndokumubat­a achida kubvuta nhare yake asi ndipo paakapunzi­rwa pasi ndokubva akagarwa matunduru achimonywa mutsipa.

“Chikarara anonzi akagara padumbu paSarah achideedze­ra kuti ndipe dhora rangu uku achimonya-monya huro yaSarah,’’ anodaro muchushisi.

Sarah anonzi akazopukun­yuka nepaburi retsono akakwanisa kudeedzera kuti awane rubatsiro apo amai vake vakanomunu­nura.

Musikana uyu akazoendes­wa pakiriniki yeZvimba apo akanorapwa.

Gwaro rekurapwa kwake richabudit­swa mudare sehumboo.

Olivia ndiye akazo- nomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvakaita kuti Chikarara asungwe.

Runhare rwunonzi rwakatorwa naChikarar­a haruna kuwanikwa.

Nyaya iyi iri kudzoka mudare munguva pfupi iri kutevera.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe