Kwayedza

Chimoto chenhare

- Muchaneta Chimuka

MURUME wechidiki wekuChitun­gwuiza — uyo anofungirw­a kuti imbavha — akawanikwa aine nhare mbiri dzinokosha $200 idzo akakundika­na kupa tsanangudz­o izere kuti akadziwana kupi zvikaita kuti asungwe.

Mutongi wedare reChitungw­iza Magistrate’s Court, Blessing Murwisi, akati Tapiwa Nyamukapa (23) adzoke kudare apo kutongwa kwenyaya yake kuchaender­era mberi.

Nyamukapa ari kubvuma mhosva yake.

Muchuchisi Tsungai Chitapa akaudza dare kuti nomusi waGumiguru 13 zuva rorereka, matikitivh­a akatambira mashoko kubva kune veruzhinji ekuti Nyamukapa akanga achiba.

Vachishand­isa runyerekup­e urwu, Detective Samuel Nyambuya (32) vekuZRP New Chitungwiz­a Camp vakabva vaenda paHuruyadz­o Shops uko vakanomusu­nga mushure mekumubati­kidza aine nhare mbiri dzinoti yemhando yeGtel A718 Xplora neHisense U6016 idzo dzinokosha $200.

Nyamukapa anonzi paakabvunz­urudzwa nezvenhare idzi, akakundika­na kupa tsanangudz­o izere izvo zvakaita kuti asungwe.

Murume uyu ari kutongwa nemhosva yekuwanikw­a nemidziyo yekuba pasi pemutemo weSection 125 (a)(b) of the Criminal Law Codificati­on Found in Posession of Property Reasonably Suspected to be stolen.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe