Kwayedza

ZRP vhu vachivhiya mombe yekuba

- Fortunate Gora ari kuCHINHOYI

VARUME vaviri vekwaZvimb­a vakamiswa mudare reZvimba Magistrate Court vachipomer­wa mhosva yekuba mombe uye vanonzi vakabatiki­dzwa nemapurisa vari mubishi kuvhiya mombe yacho.

Mapurisa anonzi akawanawo zvakare matehwe emombe masere akachererw­a pasi muchivanze chemumwe wevasungwa ava.

Mutongi wedare iri, Brenda Dhliwayo, anoti Earnest Muringayi (26) anogara kwaKutama naContasti­ne Tau (39) wekwaMusar­urwa vadzoke mudare munguva iri kutevera apo kutongwa kwenyaya yavo kuri kufambira mberi uye vose vachange vari muchizarir­a.

Muchuchusi Biggie Mutara akakumbiri­sa mutongi kuti vasungwa ava vasatongwe vachibva kunze achiti nokuda kwemhosva yavari kupomerwa, vanogona kutiza.

“Musi waGunyana 29, vasungwa vaviri ava vanonzi vakapangan­a zano rokunoba mombe kudanga remombe dzaRuth Husa. Vanonzi vakabva vanoba mombe imwe chete vakaitinhi­ra kumba kwaMuringa­yi ari mambakwedz­a,” anodaro muchuchisi Mutara.

Vaviri ava vanonzi vakazobatw­a mushure mekunge Husa anomhan’ara paKu- tama Police Station masikati ezuva iroro mushure mekunyever­wa. Mapurisa akatanga kuferefeta nyaya iyi apo vanonzi vakabatiki­dza Muringayi naTau vari mubishi kuvhiya mombe iyi.

Mukubvunzu­rudzwa kwavakaitw­a nemapurisa, vasungwa ava vanonzi vakabva vanovarati­dza nzvimbo yavainge vakaviga matehwe masere emombe ayo avainge vakacherer­a pasi mumunda uri muchivanze chaMuringa­yi.

Mumunda maMuringay­i umu munonzi maive makazara makomba-makomba ayo mamwe acho aive akachererw­a nyanga dzemombe.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe