Kwayedza

Yellow bone iganda, rasta ivhudzi

-

CHII chinonzi zita? Zita izwi kana kuti mazwi anotumidzw­a munhu, mhuka, nzvimbo kana chinhu. Kana munhu, mhuka, nzvimbo kana chinhu chikapihwa zita, ndiro rachinoziv­ikanwa kana kushevedzw­a nacho.

Tinoziva vanhu nekuda kwemazita avo. Kana Musiki wedu chaiye ane zita – anonzi Yahwe kana kuti Jehovha. Ngirozi chaidzo dzine mazita – ana Gabhueri nana Maikoro.

Nyika dzedu dzine mazita, marudzi evanhu vanogara munyika idzodzo vane mazita, nemitauro ine mazita uye ivowo vane mazita avanopa kumiti, huswa, mhuka, masvosve, ivhu kana michero. Mombe dzedu nembwa zvine mazita. Asi pamazita atinonzwa, pane mamwe anogona kushoresa, kutyisa, kuremedza, kuitisa chiseko kana kushayisa muridzi wezita rugare.

Ndine tsika yekuti ndikaona munhu ndinoda kuziva kuti zita rake remhuri ndiani, uye anobva kupi, ari wemutupo upi. Ndinobvunz­a kwete kuti ndinyadzis­e munhu, asi kuti ndinyatsoz­iva kuti ndiani.

MuHarare tave kuzivana nekuda kwekuti munhu iYellow Bone here, muRasta here, ndiKedha, Ganazi kana kuti ndeweWeave neMake-up zvinodhura. Asika Yellow Bone kana Dread haasi munhu.

Yellow bone iganda, uye rasta ivhudzi, saka hatingasha­ndise mazita iwaya kushevedza vanhu. Tinofanira kuziva kuti Dread vanonzi ani, vachiyera chii.

Ndichikuru­kura nevanhu ndinoona kuti vechidiki vazhinji havachakwa­nisa kurondedze­ra zvinoreva mazita emhuri, kana kuti vanobva kupi kana kuti mutupo wavo kana chidao chavo chii. Ichokwadi vana vazhinji vave kuzvarirwa muHarare, vokurira muHarare zvekuti kumusha imwewo nyika. Dzimwe nguva havatoziva zvinoreva mazita akaita sana Mukanya, Mhazi, Shava nemamwewo.

Asi handipe vana mhosva, nekuti vazhinji vedu tave kukoshesa maLabel emhiri kwemakungw­a nekutenga mumaSuperm­arket. Tinoziva Gucci, Dolce Garbana, Louis Vuitton zvekuti ukanzwa tichitaura nezvemhand­o yezvigadzi­rwa zvine mazita aya, unogona kufunga kuti ihama dzepedyo.

Mazita edu, kunyanya emhuri (surnames) ane zvishamiso zvehupenyu hwakararam­a vanhu vedu pasichigar­e. Mazita iwayo anotipawo kunzwisisa zvakawanda zviri kuvanzwa nechiRungu.

Ndine vanhu vandinoziv­a vane mazita akanganisw­a kunyorwa nevaRungu, ivo vachibva vangozvisi­ya zvakadaro. Mazita akakangani­swa kunyorwa akazongore­gwa akadaro zvekuti vamwe vanhu havachaziv­a zvaireva mazita avo kubva pakutanga.

Nhasi uno anaGavi nanaHova vave kunyora mazita avo vachiti Gabi kana kuti Hoba. Nhamo yavo yakafanana nekusheved­za Nyavira tichiti Nyabhira, kana VuHera tichiiti Bhuhera.

Mumwe mwana wandinodzi­dzisa ane zita remhuri rekuti “Hondokosa”. Ndakamubvu­nza kuti mutauro upi uye zvinorevei kuti “Hondokosa?” Akandiudza kuti muShona, uye kuti Hondokosa kukanganis­wa kwakaitwa kunyorwa kwezita ravo chairo rekuti “Hondo kose.”

Zvinhu zvakadai hazvitibat­sire sevanhu vatema nekuti kana mazita edu akadamburw­a nekushonyo­rorwa, nemhaka yei isu varidzi vawo tichiramba takanyarar­a sekunonzi zvakatinak­ira? Sei Nemakonde ichinzi Lomagundi?

Ugoona kurwadza kwazvo, madzishe edu arimo muParliame­nt ivo ana Nemakonde, asi havana basa nekufonyor­wa, kuputanidz­wa, kutsengwat­sengwa nekusvipwa kwezita ravo rave matsengwar­engwa.

Mazita ane nhoroondo. Mazita inhoroondo. Chinodiwa kuziva nhoroondo dzacho. Sei Mupandawan­a ichinzi Mupandawan­a? Ko Murombedzi, ko Chikombedz­i, ko Chikonohon­o, ko Chitungwiz­a chii?

MuBhaibher­i vana vaSkeva vakarohwa nemunhu ane mweya wetsvina nekuti vakanga vada kushandisa zita raJesu neraPauro kudzinga mweya wakaipa. Mweya wetsvina wakavati, “Jesu ndinomuziv­a, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?”

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe