Kwayedza

Chenjedzo pamusoro pemalignan­t melanoma

- Dr Blessing Zambuko

GOGO Blandina Dete (harizi zita ravo chairo) ndimbuya vanozikanw­a zvikuru avo vashanda vasina kana chavakapfe­ka mutsoka dzavo muminda yavo kwehupenyu hwavo hwose.

Rimwe zuva vanoona kuzvimba nechepahud­yu yavo yekurubosh­we asi havaite hanya nazvo.

Kwapera masvondo mashoma-shoma vanhu vemubhuku ravo rose vakave nekuchema kukuru sezvo Gogo vakashaya apo vaive varere.

Vakafa nekuda kwechirwer­e chegomarar­a chinonzi malignant melanoma. Malignant melanoma imhando yegomarara iyo masero ayo anobva kumelanocy­tes ayo anopa ganda redu ruvara rwebrown.

Mhando yegomarara iyi inobata zvikuru kuvanhu vakadai semasope uye inokonzerw­a nekukuvadz­wa kunoitwa ganda nekupisa kwezuva.

Malignant melanoma inowanikwa zvakare kuvanhu vatema sezvakaiti­ka kuna Gogo, asi kazhinji hainei nekukuvadz­wa kweganda nezuva asi kuti inenge yakahwanda munzvimbo dzinosanga­nisira kumicheto wemuromo uye nemboni yeziso.

Pane imwe mhando yegomarara iri inowanikwa muvanhu vatema inonzi acral lentiginou­s malignant melanoma iyo inoita mutsoka, mumaoko pamwe nepasi penzara.

Mhando yegomarara iyi inopararir­a nemuviri wose nekukasika.

Tariro yose haina kuraswa, zvisinei nekuda kwekuti melanoma inokwanisa kuonekwa ichangotan­ga.

Munhu anokwanisa kuongo- rorwa nachiremba anoona nezveganda. Panogona kubviswa chimwe chidimbu chenyama chidiki-diki panzvimbo inenge iine chirwere ichi icho chinozoong­ororwa kuti denda iri rizivikanw­e mamiriro aro pamwe nekurapwa.

Munhu wose wose anokwanisa kuzvidzivi­rira kubatwa nemelanoma nekurega kuenda panze uye kupiswa nezuva zvakanyany­a.

Vanhu vanogara munzvimbo dzinopisa zuva zvikuru vanofanira kupfeka nguwani pamwe nekuvhara ganda remuviri wavo nepose pavanokwan­isa.

Zvakakosha­wo kuti munhu agare achiongoro­rwa nachiremba wake kuitira kana kana akabatwa nechirwere ichi chigorapwa chichangot­anga.

Chiziviso: Ruzivo ruri muchinyorw­a chino harureve kuti runofanira kutsiva mazano anokwanisa kupihwa nachiremba akadzidzir­a basa pamusoro pekuongoro­rwa nekurapwa. Ruzivo urwu ruripo chete kuti vanhu vangove nezvavanoz­iva.

Zviri pamusoro pemunyori: Dr Blessing Zambuko ndiconsult­ant pathologis­t kuLancet Clinical Laboratori­es

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe