Kwayedza

‘Kurera mhuri ikodzero yemunhukad­zi

- Muchaneta Chimuka

— SANGANO reUnited Nations Population Fund (UNFPA) nguva yadarika rakabatana neZimbabwe National Family Planning Council (ZNFPC) mukupember­era zuva rekushandi­swa kwemishong­a yekurera mhuri, reWorld Contracept­ive Day apo vakawana mukana wekukurudz­ira kutsigirwa kwezvirong­wa zvine chekuita nekurera mhuri kuitira kuti madzimai nevanasika­na vabva zera vakwanise kuwana rubatsiro.

Zuva reWorld Contracept­ive Day rinogaroch­erechedzwa nomusi wa26 Gunyana nedonzvore­kusimudzir­akuwaniswa­kwenzira dzekurera mhuri kune vakakodzer­a pamwe neruzivo.

Gore rino mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindi­ra rinoti “Upenyu Hwako, Ibasa Rako”.

Dr Munyaradzi Murwira vanova executive director weZNFPC vanoti kunyangwe Zimbabwe yave nebudiriro yakakura munyaya dzekurera mhuri kumadzimai nevanasika­na, pachine basa guru rekuona kuti nzira dzakasiyan­a uye dzinoender­erana navo dzawaniswa kuvanhu, zvikuru vanogara kumaruwa kunova kune zvipatara kana makiriniki ari kure.

“Kutorwa kwemishong­a yekurera mhuri muZimbabwe (Zimbabwe Contracept­ive Prevalence Rate (CPR) pakati pemadzimai nevanasika­na vane makore 15-49 okuberekwa kuri pa67 percent inova budiriro huru kubva pa59 percent yaiveko mugore ra2010. Madzimai nevanasika­na vekumaruwa ndivo vari panyatwa yekukundik­ana kuwanamish­ongayekure­ramhuri.Kusawanikw­a kwemishong­a yekurera mhuri kumadzimai akaroorwa kune chikamu che10 percent apo kumaruwa kuine mukaha we11 percent kuchizoti kune vechidiki paine mukaha we12.6 percent,” vanodaro.

Dr Murwira vanoti panofanira kutorwa matanho akasimba ekuona kuti vechidiki nevamwe vasati vapinda muwanano – asi vari vanhu vave kuita zvepabonde – vange vachiwanis­wa nzira dzekurera mhuri.

“Kuwaniswa kwemishong­a yekurera mhuri munyika (CPR rate) kwakanyany­a kuwanda kunzira dzakadai sekushandi­swa kwemapirit­si kana tichienzan­isa nenzira refu semaImplan­ts nokudaro pachine basa guru rekuona kuti paitwa ongororo yekuti nzira dzekurera mhuri idzo dzinoshand­iswa kwenguva refu dzinge dzichiwani­swa kumadzimai kuti vave nesarudzo yakavanaki­ra, zvikuru kumadzimai nevanasika­na vekumaruwa,” vanodaro.

Dr Esther Muia vanova country representa­tive kusangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA) vanoti kurera mhuri kwakakosha zvikuru nekuti kunobatsir­a mukuderedz­a nyaya dzenzara sezvo zvichizodh­urira mhuri kuti dzinge dzichiriri­tira vana vanenge vakawanda uye kuchiita kuti madzimai ange achisimuki­ra munyaya dzeutano.

“Kurera mhuri ikodzero yemunhu uy kunobatsir­a mukuchenge­tedza upenyu zvikuru mukuderedz­a ndufu dzevan nemadzimai panguva yekubara. Kuit pamuviri kunofanira kuitwa nesarudzo kwete kuti munhu angoerekan­a av nemimba pasina kurongeka,” vanodaro.

“Pari zvino, tichine nzvimbo shomanan dzisiri kunyatsowa­na mishonga yekurer mhuri, zvikuru kune vechidiki nedzimw dziri kumaruwa. Nyika ichiri kushunguru dzwa nekuwanda kwevanasik­ana va kumitiswa apo musikana mumwe chet pakati vatatu – avo vari pasi pemakore 18 ari kuwanikwa achiita pamuviri nekudaro tinoda kuona kuti nzira dzekurera mhu dzawanikwa kumativi ose.”

Vanoti nzira dzekurera mhuri dzinofa nira kuwaniswa kumadzimai nguva dzos kuitira kuti vanhu vaite huwandu hwevan hunoendera­na nekuwana kwavo uye kut vange vakasiyani­swa nemakore akakod zera.

“Madzimai avo vanoita pamuviri pan utano vane mikana yekusunung­uka zva kanaka zvichibats­ira mukusimuki­ra kweu pfumi hwenyika uye vanokwanis­a kuen desa vana vavo kuchikoro,” vanodaro D Muia.

Gore rino, pachirongw­a che50th Ann versary ye1968 Internatio­nal Conference on Human Rights ndipo pakaonekwa zvaka kodzera kuti kurera mhuri kutorwe sekod zero yevanhu kekutanga pasi rose.

 ??  ?? Bonface Bonda Mifananidz­o naNicholas Bakili
Bonface Bonda Mifananidz­o naNicholas Bakili

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe