‘Kurera mhuri ikodzero yemunhukadzi
— SANGANO reUnited Nations Population Fund (UNFPA) nguva yadarika rakabatana neZimbabwe National Family Planning Council (ZNFPC) mukupemberera zuva rekushandiswa kwemishonga yekurera mhuri, reWorld Contraceptive Day apo vakawana mukana wekukurudzira kutsigirwa kwezvirongwa zvine chekuita nekurera mhuri kuitira kuti madzimai nevanasikana vabva zera vakwanise kuwana rubatsiro.
Zuva reWorld Contraceptive Day rinogarocherechedzwa nomusi wa26 Gunyana nedonzvorekusimudzirakuwaniswakwenzira dzekurera mhuri kune vakakodzera pamwe neruzivo.
Gore rino mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti “Upenyu Hwako, Ibasa Rako”.
Dr Munyaradzi Murwira vanova executive director weZNFPC vanoti kunyangwe Zimbabwe yave nebudiriro yakakura munyaya dzekurera mhuri kumadzimai nevanasikana, pachine basa guru rekuona kuti nzira dzakasiyana uye dzinoendererana navo dzawaniswa kuvanhu, zvikuru vanogara kumaruwa kunova kune zvipatara kana makiriniki ari kure.
“Kutorwa kwemishonga yekurera mhuri muZimbabwe (Zimbabwe Contraceptive Prevalence Rate (CPR) pakati pemadzimai nevanasikana vane makore 15-49 okuberekwa kuri pa67 percent inova budiriro huru kubva pa59 percent yaiveko mugore ra2010. Madzimai nevanasikana vekumaruwa ndivo vari panyatwa yekukundikana kuwanamishongayekureramhuri.Kusawanikwa kwemishonga yekurera mhuri kumadzimai akaroorwa kune chikamu che10 percent apo kumaruwa kuine mukaha we11 percent kuchizoti kune vechidiki paine mukaha we12.6 percent,” vanodaro.
Dr Murwira vanoti panofanira kutorwa matanho akasimba ekuona kuti vechidiki nevamwe vasati vapinda muwanano – asi vari vanhu vave kuita zvepabonde – vange vachiwaniswa nzira dzekurera mhuri.
“Kuwaniswa kwemishonga yekurera mhuri munyika (CPR rate) kwakanyanya kuwanda kunzira dzakadai sekushandiswa kwemapiritsi kana tichienzanisa nenzira refu semaImplants nokudaro pachine basa guru rekuona kuti paitwa ongororo yekuti nzira dzekurera mhuri idzo dzinoshandiswa kwenguva refu dzinge dzichiwaniswa kumadzimai kuti vave nesarudzo yakavanakira, zvikuru kumadzimai nevanasikana vekumaruwa,” vanodaro.
Dr Esther Muia vanova country representative kusangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA) vanoti kurera mhuri kwakakosha zvikuru nekuti kunobatsira mukuderedza nyaya dzenzara sezvo zvichizodhurira mhuri kuti dzinge dzichiriritira vana vanenge vakawanda uye kuchiita kuti madzimai ange achisimukira munyaya dzeutano.
“Kurera mhuri ikodzero yemunhu uy kunobatsira mukuchengetedza upenyu zvikuru mukuderedza ndufu dzevan nemadzimai panguva yekubara. Kuit pamuviri kunofanira kuitwa nesarudzo kwete kuti munhu angoerekana av nemimba pasina kurongeka,” vanodaro.
“Pari zvino, tichine nzvimbo shomanan dzisiri kunyatsowana mishonga yekurer mhuri, zvikuru kune vechidiki nedzimw dziri kumaruwa. Nyika ichiri kushunguru dzwa nekuwanda kwevanasikana va kumitiswa apo musikana mumwe chet pakati vatatu – avo vari pasi pemakore 18 ari kuwanikwa achiita pamuviri nekudaro tinoda kuona kuti nzira dzekurera mhu dzawanikwa kumativi ose.”
Vanoti nzira dzekurera mhuri dzinofa nira kuwaniswa kumadzimai nguva dzos kuitira kuti vanhu vaite huwandu hwevan hunoenderana nekuwana kwavo uye kut vange vakasiyaniswa nemakore akakod zera.
“Madzimai avo vanoita pamuviri pan utano vane mikana yekusununguka zva kanaka zvichibatsira mukusimukira kweu pfumi hwenyika uye vanokwanisa kuen desa vana vavo kuchikoro,” vanodaro D Muia.
Gore rino, pachirongwa che50th Ann versary ye1968 International Conference on Human Rights ndipo pakaonekwa zvaka kodzera kuti kurera mhuri kutorwe sekod zero yevanhu kekutanga pasi rose.