MultiChoice yotsvaga mabhuku ekupa vana
KAMBANI yeMultiChoice Zimbabwe yakatanga chirongwa chekuunganidza mabhuku ekuverenga nechinangwa chekubatsira vana vanobva kumhuri dzinotambura.
MultiChoice iri kukumbira veruzhinji kuti vape mabhuku ayo achazopihwa kuvana ava kuti vabatsirikane.
Liz Dziva — uyo anove mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko kuMultiChoice — anoti chirongwa ichi chinodaidzwa kuti #100bhuku uye chine donzvo rekuunganidza mabhuku 100 pano- svika musi waZvita 1.
“Chirongwa ichi chakauya nemunyori anozivikanwa zvikuru uye ari mutambi, Larry Kwirirayi, uyo anozivikanwa nezvinyorwa zvake zveThree Men On A Boat blog.
“Takabva tangoona kuti ichi chirongwa chakanaka uye tinogona kuita kuti chikure nekutsvaga mabhuku 100 ekubatsira vana vanobva kumhuri dzinotambura kuti vawane chekuverenga,” anodaro.
Dziva anoenderera mberi achiti, “MultiChoice ine mahofisi kuAvondale nepaJoina Centre muHarare, kuBulawayo nekwaMutare nekudaro tave kutambira zvipo zvemabhuku zvinobva kumakasitoma edu nekune vamwe veruzhinji.
“Chinongodiwa chete kusiya mabhuku aya panzvimbo dzakatarwa idzi.”
Anoti vari kutambira mhando dzemabhuku ose, asiwo anofanira kunge akakodzera kuverengwa nevana.
◆ Vanoda kuziva zvakawanda pamusoro pechirongwa ichi vanokwanisa kuenda padandemutande rakanzi bhuku@3mob.com