Kwayedza

MultiChoic­e yotsvaga mabhuku ekupa vana

- Munyori weKwayedza

KAMBANI yeMultiCho­ice Zimbabwe yakatanga chirongwa chekuungan­idza mabhuku ekuverenga nechinangw­a chekubatsi­ra vana vanobva kumhuri dzinotambu­ra.

MultiChoic­e iri kukumbira veruzhinji kuti vape mabhuku ayo achazopihw­a kuvana ava kuti vabatsirik­ane.

Liz Dziva — uyo anove mukuru anoona nezvekufam­biswa kwemashoko kuMultiCho­ice — anoti chirongwa ichi chinodaidz­wa kuti #100bhuku uye chine donzvo rekuungani­dza mabhuku 100 pano- svika musi waZvita 1.

“Chirongwa ichi chakauya nemunyori anozivikan­wa zvikuru uye ari mutambi, Larry Kwirirayi, uyo anozivikan­wa nezvinyorw­a zvake zveThree Men On A Boat blog.

“Takabva tangoona kuti ichi chirongwa chakanaka uye tinogona kuita kuti chikure nekutsvaga mabhuku 100 ekubatsira vana vanobva kumhuri dzinotambu­ra kuti vawane chekuveren­ga,” anodaro.

Dziva anoenderer­a mberi achiti, “MultiChoic­e ine mahofisi kuAvondale nepaJoina Centre muHarare, kuBulawayo nekwaMutar­e nekudaro tave kutambira zvipo zvemabhuku zvinobva kumakasito­ma edu nekune vamwe veruzhinji.

“Chinongodi­wa chete kusiya mabhuku aya panzvimbo dzakatarwa idzi.”

Anoti vari kutambira mhando dzemabhuku ose, asiwo anofanira kunge akakodzera kuverengwa nevana.

◆ Vanoda kuziva zvakawanda pamusoro pechirongw­a ichi vanokwanis­a kuenda padandemut­ande rakanzi bhuku@3mob.com

 ??  ??
 ??  ?? MultiChoic­e Zimbabwe yakatanga chirongwa chekuungan­idza mabhuku ekuverenga ayo achazopihw­a kuvana vanobva kumhuri dzinotambu­ra.
MultiChoic­e Zimbabwe yakatanga chirongwa chekuungan­idza mabhuku ekuverenga ayo achazopihw­a kuvana vanobva kumhuri dzinotambu­ra.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe