Kwayedza

Zvinoyera patsika dzavatema

- Ticha Danga

MWEDZI waMbudzi une zvakawanda zvinoitika. Mwedzi uno unozivikan­wa nekurangar­irwa nevazhinji nekuda kwezvaunot­akura.

Muna Mbudzi ndimo munonaya munhuruka uyo unoita kuti vanhu vatange kurima nekudyara mbesa. Ndiwo mwedzi zvakare unowanda mbudzi. Mumwedzi iwoyu ndimo mune zvinoera zvakawanda.

Pane mazwi atinoda kiti tibate tigoziva musiyano wawo. Chinhu chinoera chinhu chisingata­mbwi nacho kana chokuti ukapikisan­a nacho unosangana nematambud­ziko.

Zvinhu zvairambid­zwa mumwedzi waMbudzi zvaiera zvechokwad­i. Izvi zvaidaro nekuti mwedzi uyu wainzi ndewesabat­a ravaShona. Nanhasi munaMbudzi hamurohwe makuva. Itsika yavaShona yekuti kana munhu achinge ashaya, anoitirwa mutambo mukuru apo vanhu vanorara vachinwa doro vachikumbi­ra kumidzimu yavo kuti mushakabvu anenge ari kunze kwemusha adzoke mumusha kuzochenge­ta mhuri yaakasiya achiidzivi­rira kubva kumhepo dzakaipa. Izvi zvinonzi hazvifanir­wi kuitwa mumwedzi uyu, kana zvakaitwa mhuri iyoyo inenge yazvipeuri­ra mhepo yakaipa.

Mumwedzi waMbudzi munhu haabvumirw­e kuroora mukadzi kana kutizisisa mukadzi.

Naivowo vakadzi vanotozviz­iva kuti havafanirw­i kutizira. Unotoshivi­rira kana zvichinge zvanangana newe dzamara mwedzi iwoyo wapfuura nokuti ukaita nharo kwaunoeda unongonodz­orwa nekuti hakuna vanoda kui- girwa jambwa mumisha.

Chimwezve chinoeresw­a navaShona panguva iyi ndechekuti hakupirwi midzimu. Kupira midzimu panguva iyi kunenge kuri kushora vari pasi.

Chero nanhasi zvichiri kutevedzer­wa. Hongu hatirambi kuti tsika dzedu dzoeredzwa nezvakauya zvechiRung­u asi nyaya yekuera kwemwedzi waMbudzi haisi yekubata zinyekenye­ke. Zvinosiyan­a nezvieraer­a izvo zvinongova­po kudzivisa vanhu kunyanya vana kuti vasapinde mumadzudzo kana munataisir­eva.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe