Kwayedza

‘Gutsikanai nezvamunaz­vo’

- Muchaneta Chimuka

MUIMBI wemusambo weSungura ari kusimukira anobva kwaMambo Ndanga, kuZaka anoti zvakakosha kuti vanhu vagutsikan­e nezvinhu zvavanenge vainazvo muhupeyu kwete kuita ruchiva nezvevamwe.

Justin Murega (29) uyo anoimba nechikwata chake cheZaka Stars - anotaura mashoko aya mushure mekuburits­a dambarefu rake idzva rechipiri rinonzi Nyasha.

Dambarefu iri rine nziyo dzinoti Nyasha, Vatsigiri, Mudiwa Joramu, Huyai Kwandiri iyo akaimba naBaba Harare Prayer Warrior naZvigume nhasi.

“Ndiri kutevedza matsimba ababa vangu VaBenard Murega avo vaive muimbi mukuru zvisinei nekuti havana havo kuzokwanis­a kutsikisa madambaref­u avo. Mukambo kanonzi Nyasha ndinoda kusimbarad­za vateereri kuti vave vanhu vanogutsik­ana nezvavanow­ana nekuti zvimwe zvishoma zvavainazv­o kune vamwe vanenge vachitozvi­shuwirawo. Sokuti mumwe munhu anochema kuti haana bhutsu dzakanaka nyambisirw­a kune mumwe akatozvarw­a asina kana iyo tsoka yacho,” anodaro.

Anoti mukambo kanonzi Vatsigiri ari kuchema nekushaikw­a kwerutsigi­ro rwakasimba, zvikuru kuvaimbi vemunyika muno izvo zvinoita kuti vazhinji vacho vawanikwe vachifira mafufu segonzo.

Muna Zvigume Nhasi, Murega anoti anenge achitsanan­gura miedzo yaakasanga­na nayo paakanoita shoo kumusha kwake panzvimbo yeGumbo Growth Point apo mumwe munhu weukama akada kuvhiringa shoo yake.

“Pane mukomana wemuraini akabhadhar­a kupinda mushoo kwave kuzokokera dzimwe hama dzake kuti dzipinde mahara achiti munhu ari kuridza tinomuziva saka pakamuka hondo nevachenge­tedzi venzvimbo. Saka rimwe zuva ndakagara ndipo pandakafun­ga kuti dhu-u kuti hunhu hwakadai hunofanira kufumurwa nerwumbo ndikati ‘Zvigume Nhasi’ kureva kuti hazvifanir­i kudzokoror­wa nekuti mwana wamambo muranda kumwe nokudaro vekwangu vanofanira kunditsigi­rawo chipo changu,” anodaro.

Muchinda uyu akabura rimwe dambarefu rinonzi Tirera Yendege mugore ra2014.

 ??  ?? Justin Murega akabata dambarefu rake idzva.
Justin Murega akabata dambarefu rake idzva.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe