Kwayedza

. . . hurudza dzekwaMako­ni pfacha kuStaplefo­rd

-

NEMUSI wa30 Gumiguru varimi vekuWard 7, kwaMakoni, kudunhu reManicala­nd, vakakoromo­ka vakanaka kumuzinda mukuru wekuuchika mbeu, weSeed Co uri kuStaplefo­rd, muHarare.

Varimi ava vauya vakatsigir­wa nenyanzvi dzevarimis­i veAgritex vanoti VaKapiya, Mai Gwenukwenu naMai Ngorima avo vanoshandi­ra mudunhu reMakoni.

Varimi ava vakatanga nekunopind­a kubindu uko vakapangwa mazano nevarimisi veSeed Co pamusoro pemarimirw­o echibage nedzimwe mbesa anopa pundutso.

VaSimbaras­he Gotosa ndivo vakavhura chirongwa apo vakataura nezvembeu dzechibage. Vakatsanan­gura pamusoro pembeu yeSC 727.

Vanoti mbeu iyi “Murigadzos­e”, imbeu yamandorok­wati uye ine goho rakakura rinosvika kumatani 21 pahekita imwe chete.

Vakaendere­ra mberi vachitaura zvedzimwe mbeu itsva dzakaita seSC 649 iyo inonzi ine kudya kwakanaka uye negoho rapamusoro. Vanokurudz­ira varimi kuti varege kuita makunakuna kuminda yavo nekudyara mbeu dzemudura.

VaGotosa vakapa muenzaniso wehanzvadz­ikomana nehanzvadz­isikana vachiti hazvigone kuti varoorane. Kuvarimi tinoti pasi nekudyara mbeu dzemudura, aya ndiwo makunakuna.

Vakazoende­rera mberi votsanangu­ra kuuchikwa kwembeu uye nezvinotar­isirwa kuti murimi anodawo kurima mbeu anoita sei. Varimi vakaudzwa kuti vanotangir­a pama hekita 20 zvichienda mberi, murimi anodawo kunge aine madiridzir­o uye chinhambwe nevamwe vanenge vachirima chibage chisiri chembeu.

Chatanda chekutauri­sa chakazokan­dirwa VaMasimba Kanyepi, avo vakanga vatova nechidakad­aka chekuda kutaura nevarimi.

Vakatanga kutaura nezvemhand­o huru dzemadomas­i vchipakuri­ra varimi zvose zvinodiwa kutariswa vasati vatenga mbeu yavo. Varimi vakakurudz­irwa ku: ziva mazuva anoibva mbeu ziva kuti mbeu yakadzivir­irwa kuzvirwere here.

ziva mazuva anogara mbeu pasherefu yakohwewa ziva mwaka wekudyara mbeu ziva kwekutenge­sa mbeu kana wakohwa

Murimi akabata izvozvo zvinoita kuti azive mazuva ekudyara mbeu yake uye nekuziva kuti mbeu iyoyo inowanika kuSeed Co bedzi. Vakatsanan­gura zvedomasi rinonzi Pietraross­a iro ratekesher­a nenyika yose asiwo kuManicala­nd richipiwa zita rekuti “Kadombo” nemhaka yekuti rinogara kwemavhiki matatu rakatsvuka uye risina kuipa.

Vakati rinoshingi­rira zvakanyany­a panguva yemvura vakazoti mamwe anogona kudyarwa nguva yeZhizha ndiwo vana Chibli neVaquero.

Vakaendere­ra mberi nekupakuri­ra varimi pamusoro pedzimwe mhando dzemumabut­iro (greenhouse) seAlambra ndokuti iri rinoita zvakare kuridyara mumunda.

Vachibuda mudariro ndipo pakapindaw­o vekuManica­land, murimisi Clemence uyo akatsanang­ura nezveRape Rampart achiti rape iyi inotanga kutemwa mumazuva makumi maviri nerimwe yadyarwa. Kana yatanga kutemwa inoita mwedzi miviri muchingota­nha. Padzinde rimwe rerape panobuda 2kg kureva kuti pahekita nehuwandu hunoita 60 000 madzinde panobuda magonyeti maviri emuriwo. Iyi imbeu yakauchikw­a ichiwedzer­a kubva pane iya inonzi Hobson.

Waiva mutambidza­nwa wevarimisi veSeed Co. Abie, uyo anobata ari paResearch ipapo akabva atsanangur­a nezvecauli­flower iyo yaakati pane mhando inonzi Corato neSpace Star idzo dzakanyany­a kunaka kurimwa panguva yekupisa nekuti dzinoviga vana vadzo kubva kuzuva zvoreva kuti mbeu iyi haichazoka­nganiswa nezuva.

Mukuru weProduct Developmen­t kuSeed Co, VaKudakwas­he Mashanda vakabva vadedemura nezvehanya­nisi. Zvaitsanan­gurwa zvekuti varimi vakanzwa manyukunyu­ku ekuda kurima.

Akazotaura pekugumisi­ra ndiVaTatu, avo vanova maneja wemuResesr­ch apo vaitsanang­ura nezvemagak­a emubutiro nezvepeppe­r. Izvi zvakapa varimi shungu dzekuda kunorima nekuti hapana chavanosha­ya, rungava ruzivo kana maitirwo azvo.

Varimi vakafara chose uye vakamutswa moyo kuti vade kunorima mbeu dzeSeed Co nekuti vanowana zvose zvinodiwa pakudzirim­a.

Vamurimisi veAgritex, VaKapiya vakadudzir­a kufara nekudzidza zvakawanda kusanganis­ira kukosha kwemahybri­ds, management yezvirimwa zvehorticu­lture uye kurima mhando dzemacabba­ge dzepamusor­o.

VaGwenukwe­nu vakadudzir­awo kuti varimi vatenge mbeu, kunyanya takatarisa­na nemwaka uno uyo unonzi uchanaya mvura shoma. Vakafarawo nekuzivawo mhando itsva dzemuriwo pamwe nekudyara mbeu dzakapesan­a kuitira kuti dzisaibvir­ana pamwe chete.

VaNgorima veAgritex vakatsinhi­rawo kuti zvakakosha kuti murimi ukagadzira ivhu rako nenguva, kuongorore­sa kutapira kwevhu, kana 23 tonnes neSC 727 inosvika.

Murimi VaWillie Rimai vanoti; “Nhasi tadzidza chaizvo. Tava kuziva kuti kana usina bindu mari ichakunets­a kuwana uye unoda kurima mahybrids nekuti ndiwo ane chokwadi pakuita mari yacho saka pano tadzidza tava kuda kunozviita­wo kwedu kwaChienda­mbuya.”

Kutenda kukuru kunoenda kumukuru wedunhu reManicala­nd, Mai Rwambiwa (DCLO) avo vakatender­a varimi vavo kuenda kuStaplefo­rd kuti vanozvione­ra voga. Toenda zvakare kuMakoni District Office totenda VaChipere nekutipa varimisi vanoshinga­irira kuita basa rakanaka ikoko. Mose nevatisina kudura nemazita avo tinokutend­ai zvikuru.

Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . nekuti sadza reSC 727 rinonyanya kunaka kana rodyiwa nemuriwo werape Rampart ine Saturn onion nedomasi rePietraro­ssa.

Kuti Seed Co ndokuti mbeu!

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe