Kwayedza

S Korea yotsigira kurima muZim

- Muchaneta Chimuka

SOUTH KOREA inoti yakazvipir­a kushanda nenyika dziri muAfrica munyaya dzebudirir­o zvichiteve­ra kuwanda kweminda inounza kudya izvo zvichaita kuti Zimbabwe iwane kudya kune utano uye kwakakwana.

Mashoko aya kataurwa nemumiriri weSouth Korea muZimbabwe Ambassador Cho Jaichel nguva pfupi yadarika muguta reHarare apo vaiparura chirongwa cheKoreaAf­rica Food and Agricultur­e Co-operation Initiative.

Musangano uyu wakapindwa nenhengo dzakabva kunyika dzinosvika 12 idzo dzinosanga­nisira Zimbabwe, Democratic Republic of Congo, Ghana, Mali, Kenya, Senegal, Sudan, Tunisia, Uganda, Comoros neSouth Korea.

Ambassador Jaichel vanoti vanhu vekunyika yavo vakaona kukosha kwenyaya dzekurima muZimbabwe nokudaro vari kushanda nesimba kuti vange vachiunza ruzivo rwechizvin­o-zvino nedonzvo rekusimudz­ira mabasa ekurima.

“Sezvakatau­rwa kumusangan­o weUN General Assembly mukupera kwemwedzi waGunyana, takaona kuti budiriro inoendeka iri munyika dziri muAfrica. Africa ine zviwanikwa zvakawanda kusanganis­ira minda inopa kudya,” vanodaro.

Vanoti South Korea yakazvipir­a kushanda nenyika dziri muAfrica mukusimudz­ira ruzivo rutsva rwuri maringe nenyaya dzekurima.

South Korea, vanodaro Ambassador Jaichel, haina minda yakawanda yekurima uye inowana mvura shoma yekunaya asi iri kukwanisa kurima mupunga.

“South Korea ine makomo akawanda uye chikamu che22 percent cheminda apowo mvura yemudenga inowanza kunaya kune dzimwe nyika dzakatikom­beredza. Tinorima zvikuru kuSouth Korea uye munyaya dzekurima gore rapera taive pachidanho che15 pasi rose,” vanodaro.

Vanoti South Korea yakazvipir­a kugoverana ruzivo rwekurima nenyika dzainodyid­zana nadzo dziri muAfrica.

Mumashoko avo avakaveren­gerwa pagungano iri naDr Washington Mbizvo - munyori mukuru kumahofisi emutungami­riri wenyika (Chief Secretary to the President and Cabinet) - Dr Misheck Sibanda vanoti Zimbabwe yakazvipir­a kushanda nedzimwe nyika senzira yekusimudz­ira kurima.

“Kurima ibhizimusi guru rinoda mukomberan­wa pasi pechirongw­a cheZimbabw­e Investimen­t and Developmen­t Agency (ZIDA),” vanodaro.

Vanoti ongororo yakakosha zvikuru muzvirimwa uye munguva inotevera Zimbabwe ichange yave kutengesa nyama yehuku nemazai kune dzimwe nyika dzakadai seChina neIndia kunova kwazviri kudiwa zvakanyany­a.

 ??  ?? Ambassador Cho Jaichel
Ambassador Cho Jaichel
 ??  ?? Dr Misheck Sibanda
Dr Misheck Sibanda
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe