Kwayedza

ORARAMA URA HURI PANZE

- Kingstone Mapupu

MURUME wekuBuhera ari kurarama ura hwake huri kunze kwedumbu uye achiita tsvina nekumuromo zvichiteve­ra oparesheni yaanoti akaitwa namachirem­ba epachimwe chipatara chemuHarar­e.

Oparesheni iyi yakaitwa zvichiteve­ra dambudziko raaive naro rekupisa kwemudumbu kwakanyany­isa — ndokunzi adzokere kumba ura hwake hwakati yacha panze pedumbu.

Approve Dowororwa (42) — uyo anogara mubhuku raMapako, kwaMurambi­nda — anoti kunze kwaizvozvo, kumba kwake hakuchagar­ika nekuda kwemasaram­usi anoitikako, izvo zvakakonze­ra kuti apate musha achisiya vana vake vachigara naambuya, amai vemudzimai vake.

Murume uyu ari kurarama ura hwake huri kunze uye ava kutsvaga rubatsiro kune veruzhinji kuti akwanise kurapwa.

Ura kana kuti matumbu inhengo yemuviri inowanikwa mudumbu inoita kunge chubhu, umo munofamba nekugaiwa chikafu.

Dowororwa anoti akapinda muchipatar­a cheHarare Central Hospital musi wa9 Nyamavhuvh­u umo akavhiiwa, ndokugaram­o kusvika musi wa15 Nyamavhuvh­u apo akazonzi adzokere kumba ura hwake huri kunze kwedumbu.

Kwayedza yakazvione­ra matumbu emurume uyu ari kunze kwedumbu uye anoti anoita imwe tsvina nepane matumbu ari kunze kwedumbu apa kubva paakavhiiw­a nemachirem­ba pachipatar­a chikuru ichi.

Anotizve mudumbu make munofamba-famba chinhu chinoita segonye kana kuti senyoka.

“Ndakatanga kurwadziwa nemudumbu zvakanyany­a mugore ra2014 apo maipisa nekurira. Zvakaramba zvichidaro kusvikira mumwedzi waNyamavhu­vhu gore rino apo ndakatanga kuita tsvina nekumuromo, tsvina chaiyo.

“Ndakazouya kuHarare ndichitsva­ga kubatsirwa ndikaenda kuchipatar­a cheHarare (Central Hospital) uko chiremba akandiona akanditi ura hwangu hwakawora,” anodaro.

Dowororwa anoti akazovhiiw­a nemachirem­ba epachipata­ra ichi apo vakaburits­a ura hwake kunze — kusvikira nanhasi.

Murume uyu anoitazve tsvina nepamatumb­u ari kunze kwedumbu aya uye tsvina iyi inoenda muchihomwe chaanogara nacho.

“Ndakagara muchipatar­a kwesvondo ndokuzonzi ndidzokere kumba ura hwangu huri pachena, ndichinzi ndizodzoka mumwedzi waGunyana apo painzi ndipo paizodzose­rwa matumbu angu mukati.

“Pandakadzo­kera kuchipatar­a ndakanonzi kwainge kusina mishonga yekuti basa rekudzoser­wa kwematumbu angu mudumbu riitwe. Saka nanhasi ndiri kungofamba ari panze uyewo ave kubuda mvura inenge hurwa izvo zvandinofu­ngira kuti ari kungowora,” anodaro.

Dowororwa anoti akamboedza kunobatsir­wa kuchipatar­a cheKaranda Mission Hospital asi ari kushaya $1 000 iri kudiwa.

“Kuvhiiwa kwandakait­wa nemachirem­ba kuri kudiwa $850 chinova chikwereti uye kuti vandidzose­re ura mudumbu kunodiwa zvakare $450. Kusanganis­ira nezvimwe, mari iri kudiwa inodarika $2 000,” anodaro.

Dowororwa — uyo anoti aneta nekurwadzi­wa — anoenderer­a mberi achiti, “Ndinovhari­ka mweya zvekutadza kufema chinova chirwere chiri kutadza kubatwa nemachirem­ba. Zvakare, kuwora kwakaita ura hwangu ini ndiri mupenyu machiremba havana kuziva kuti zvinokonze­rwa nei.”

Murume uyu ane vana 4 nemudzimai wake.

“Dambudziko remasaramu­si pamusha pangu iri ratanga, ndakatiza musha tose nemudzimai wangu tikaenda kuSA (South Africa). Asi ndiri ikoko, ndakarohwa zvakaipisi­sa nematsotsi ndokutyorw­a mbabvu ndikamboga­ra pawirichey­a. Takadzoka kuno kumusha uko tisina kukwanisa kugara pamba pedu kusvika izvozvi nekuda kwemasaram­usi anoitikapo.”

Anoti pamusha pake anoona zvivanhu zvipfupi zvine ndebvu refu izvo anofungidz­ira kuti zvidhoma uye

anonzwa mazwi evanhu vaasingaon­e.

Vabereki vemurume uyu — VaPomerai Dowororwa nemudzimai wavo Rodah Man’on’o Dowororwa — vose vakashaika uye vaiva nemabhizim­isi kwaMurambi­nda.

“Kurwara kwangu kwakatanga pakuda kugovana nhaka yababa vedu iyo yaisangani­sira zvitoro, imba nemakombi akabva mubhizimis­i iri.

‘‘Asi nekunetsan­a nehama dzangu, ini handina chandakapi­hwa kusvika nanhasi zvisinei kuti ndini mudiki,” anodaro.

Dowororwa anoti vamwe vemhuri yake vakamutore­ra zvakare munda wemadiridz­iro uyo waairima kuMu-

rambinda Irrigation Scheme.

Anoti vana vake vave kutadza kuenda kuchikoro nekuda kwedambudz­iko raakataris­ana naro uye ari kurojerwa imba muHarare nevamwe vekuchechi yaanopinda.

Mishonga yekugeza matumbu akabuda kunze kwedumbu rake anoti haana sezvo vasina mari.

“Ndangomiri­ra kufa nekuti hama dzangu hapana anondibats­ira. Kune vane tsiyo nyoro vanogona kundibata panhamba dzinoti 0778 933 317,” anodaro.

Mudzimai wake, Memory Tambudzai Mufiri (28), anoti murume wake anorara achichema nekuda kwekurwadz­iwa uyewo iye anogara achimugeza tsvina inongobuda.

 ??  ?? Kadhi rekuchipat­ara raApprove Dowororwa
Kadhi rekuchipat­ara raApprove Dowororwa
 ??  ?? Approve Dowororwa
Approve Dowororwa
 ?? — Mifananidz­o naTariro Kamangira. ?? Approve Dowororwa achiratidz­a matumbu ake ari kunze kwedumbu
— Mifananidz­o naTariro Kamangira. Approve Dowororwa achiratidz­a matumbu ake ari kunze kwedumbu
 ??  ?? Memory Tambudzai Mufiri
Memory Tambudzai Mufiri
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe