Kwayedza

‘Tiri kugadziris­a nyaya yepeturu’

- Felex Share

HURUMENDE inoti zvimhingam­ipinyi zviri kusanganik­wa nazvo panyaya yekuwanikw­a kwemafuta edzimotoka­ri zvichagadz­iriswa mumazuva mashoma ari kutevera.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangan­o wedare reCabinet, gurukota rinoona nezvehomwe yenyika, Professor Mthuli Ncube, vanoti Hurumende iri mushishi kutora matanho ekugadziri­sa kushomeka kwepeturu nedhiziri.

Zvimwe zviteshi zvemafuta aya (service stations) zvange zvisina mafuta kwemazuva mashoma adarika izvo zvaona mitsetse yedzimota ichivamba.

“Tine ruzivo pamusoro pezvimhing­amipinyi zviri kusanganik­wa nazvo panyaya yemafuta edzimota uye izvi zvine chekuita nenguva inotorwa pakubhadha­ra mari nekuzounzw­a kwemafuta aya,” vanodaro Prof Ncube.

“Ndinofara kuti tsamba (letters of credit) nedzimwe nzira dzekubhadh­ara mari zvavepo kuitira kuti mafuta edzimota avepo, asi panogona kuve nekunonoka kwekuwanis­wa kwemafuta aya zvichikonz­erwa nechinhu chimwe kana zviviri.

“Nyaya iyi inofanira kugadziris­ika mumazuva mashoma ari kutevera. Tinotarisi­ra kuti tive nemwoyo murefu.”

Prof Ncube vanoti Zimbabwe yakatarisa­na nedambudzi­ko rekushomek­a kwemari yekunze.

Kushomeka kwemafuta ezvekufamb­isa kuri kukonzerwa nekunetsa kuri kuita kuwana mari yekunze iyi uye apo painezenge yawanikwa, zvinotora nguva kuti mafuta aya atakurwe kuendeswa kuzviteshi kwaanoteng­eserwa.

 ??  ?? Prof Ncube
Prof Ncube
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe