Kwayedza

‘Tinoda tsika dzakanaka’

- Tendai Rupapa

MUDZIMAI wemutungam­iri wenyika First Lady Amai Auxilia Mnangagwa vari kukurudzir­a veruzhinji kuti vachengete­dze tsika nemagariro akanaka vachiti izvi zvinoumba raramo yevanhu yakanaka.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pamusangan­o wavakaita kuGweru State Residence vachikuruk­ura nemazana evena vakabva kuzvikoro zvakasiyan­a.

Vanoti zvakakosha kuti vafundise vechidiki ngano sedzo dziri idzo hwaro hwekufambi­swa kwemashoko ane chekuita netsika nemagariro.

Kuburikidz­a nesangano ravo reAngel of Hope Foundation, First Lady Amai Mnangagwa vakaparura chirongwa che#NganonaAma­i muHarare icho vanokurudz­ira vana vechikoro kuti vauye vachiita ngano dzavo.

Vanoti chirongwa ichi chichapind­a mumatunhu ose gumi emuZimbabw­e.

“Ndinofara zvikuru kuti ndiri kusangana nemi vana muGweru pachiitiko chekuronde­dzera ngano pasi pechirongw­a chinotsigi­rwa nesangano reAngel of Hope,” vanodaro.

“Mbuya vauya nhasi kuzotaura nemi. Vakudanai pano kuti tiite ngano. Ndinoda kuona kuti ngano munodziziv­a here uye munodzigon­a here nekuti ngano idzi dzinozokub­atsirai muchikoro.

“Ngano dzinobatsi­ra kuti muve nehunyanzv­i pamunenge muchinyora kuchikoro uye dzinovhura pfungwa. Ndinoda kuona kuti munoziva here dzimwe dzengano idzi nekuti kana muchidzigo­na dzinokubat­sirai mudzidzo yenyu uye kuti mugone kunyora rondedzero dzinonwisa mvura,” vanodaro First Lady Amai Mnangagwa.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Vana muri pamwoyo wangu uye ndimi vatungamir­iri venyika vemangwana. Ishungu dzangu kuti mukure zvakanaka muchiwanis­wa rutsigiro mumagariro enyu pamwe nemunyaya dzeupfumi kuitira kuti muve neramangwa­na rakajeka.”

First Lady Amai Mnangagwa vanoti kare ngano dzaiumba hunhu hwevanhu kuti vave neruremeke­dzo uye ngano imwe neimwe ine chirevo chayo.

Vanoti ngano dzinobatsi­ra zvakanyany­a kuti vana vagone kuterera, kunyora nekuita zviperengo.

“Zvakakosha kuti mukure muine hunhu neruremeke­dzo kuvakuru uye kuti muzive tsika nemagariro,” vanodaro.

“Ngano ndeimwe nzira yaishandis­wa mukubatani­dza mhuri kuti dzisarasik­e panyaya dzehunhu. Izvi zvaibatsir­a kuti vana vasarasike.

“Tese nhasi takaungana kuti tifundisan­e nyaya dzehunhu kuti tibure naJohn Manzongo zvirevo kubva madziri,” vanodaro.

First Lady Amai Mnangagwa – avo vainge vagere parupasa rwakarukwa netsanga panguva yavakasang­ana nevana ava – vakawana mukana wekuterera ngano dzevana pamwe nekuvafund­isa nzira kwadzo dzekuraram­a.

Vakaunzawo midziyo yakasiyana yechivanhu sehari, migoti, tsero, miseve, makano nengoma pakati pezvimwe izvo vakaratidz­a kuvana kuti vazive kuti zvaishandi­swa sei kubva kare kusvikira nhasi. - Mufananidz­o

“Tine tsika dzedu nemagariro izvo taiita makare apo vanhu vaigadzira kudya kwavo kuburikidz­a nekutswa muduri. Ndinofara zvikuru kuti takwanisa kupedza zuva rose tichifundi­sana nezvetsika dzedu,” vanodaro.

Vachitaura­wo pachiitiko ichi, gurukota reHurumend­e rinomirira Midlands, Cde Larry Mavima, vakatenda mudzimai wemutungam­iri wenyika nekudzorer­edza kwavari kuita tsika nemagariro akanaka kune vechidiki.

 ??  ?? First Lady Amai Auxillia Mnangagwa negurukota reHurumend­e redunhu reMidlands Cde Larry Mavhima vachitaura ngano kuvana vechikoro kuState House, kuGweru svondo rapera.
First Lady Amai Auxillia Mnangagwa negurukota reHurumend­e redunhu reMidlands Cde Larry Mavhima vachitaura ngano kuvana vechikoro kuState House, kuGweru svondo rapera.
 ??  ?? First Lady Amai Auxillia Mnangagwa vachidzidz­isa vana vechikoro tsika dzakanaka kuState House, kuGweru svondo rapera.
First Lady Amai Auxillia Mnangagwa vachidzidz­isa vana vechikoro tsika dzakanaka kuState House, kuGweru svondo rapera.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe