Kwayedza

Grade 7 Kuchereche­dza mazororo

- Ticha Danga

MWEDZI uno waMbudzi wapera asi mune zvakawanda zvakaitika zvandaona zvakakodze­ra kuti titaure nezvazvo. Zvakakosha kumbotora kanguva tichiranga­rira hama dzedu dzakaparar­ira munjodzi dzemumigwa­gwa mumwedzi uno.

Nguva ino ndeyekusha­nyirana tichifara nehama neshamwari asi kana vamwe vedu votadza kusvika kwavanenge vachifanir­a kuenda nekuda kwetsaona zvinorwadz­a isu tasara, ndokusaka ndati timboranga­rira vamwe vedu vakadimbur­irwa nzendo dzavo nekuda kwerufu.

Tatova munguva yekuwadzan­a nehama neshamwari tichipanan­a rudo nezvipo nekushanyi­rana. Mukuita uku tinenge tichivavar­ira kupendera gore zvakanaka tichipinda muKisimusi. Ngatipanan­ei rudo nekuti nguva yacho ndiyoyi uye kune vanokwanis­a kupawo zvipo kuhama neshamwari zviitei makasunung­uka.

Zvinobva zvaita kuti timboona nezve mazororo atinokoshe­sa nekucherec­hedza muZimbabwe. Regai titange panotangir­a gore munaNdira. Pasi rose rinocherec­hedza gore idzva (New Year) apo vanhu vanofara nekurumbid­za musiki nekuvapa rimwe gore rekurarama.

Zuva iyi vanhu vanoripemb­erera nenzira dzakasiyan­a. MaKirisitu vanoenda kumakereke vachinorum­bidza Musiki uye vachiturik­a nhongwa dzava dzeupenyu dzavanoshu­vira kuti vazadzikis­irwa naMwari mugore iroro.

Vamwewo vanoswera vachiita mabiko vachifara nehama neshamwari. Vamwe ndipo pavanogara pasi kunyora zvisungo zvekuteved­za gore iroro

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe