Kwayedza

Mbavha yokuma semombe

. . . achifura sora

- Nhlalwenhl­e Ncube ari kuBULAWAYO

MURUME wekuMatobo, kuBulawayo — uyo anofungidz­irwa kuti imbavha yezvipfuyo yemakoko – anonzi ari kufamba akasungiri­ra bhero remombe muhuro make, achifura sora nekuita zvimwewo zvinoitwa nemombe sekukuma.

Muchinda uyu, uyo anonyanya kuzivikanw­a saNyoni Bhazha, anonzi ane mbiri yekuba mombe kwemakore akawanda.

“Hatizive zvakaitika kwaari, takatanga kunzwa nevamwe vanhu vachiti Nyoni ari kufamba achikuma sezvinoita mhou yemombe.

“Takangotor­a mashoko aya sekuti vanhu zvavo vaingotaur­a, asi takazosham­iswa svondo rapera apo akauya kuno kwedu achiita zvinoshami­sa. Anoita zvisinganz­wisisike apo anenge aine bhero remombe rakasungir­irwa muhuro make.

“Akapedza zuva rose akagara kuzvitoro kusvikira zuva radoka. Mukoma wake akaedza kuenda naye kumba asi akaramba,” anodaro mumwe anoziva nezvenyaya iyi.

Zvinonzi Nyoni akarara pazvitoro izvi kwemazuva maviri uye mukoma wake akamboedza kuda kumumaniki­dza kuti aende naye kumba asi akakundika­na.

Muchinda uyu anonzi akazobva apa ndokuenda kubhuku rekwaNtunj­ambili uko akanogara musango.

“Tinofunga kuti pane munhu waakabira mombe uyo akamugadzi­ra nemishonga nekuti pose paanotaura anotaura pamusoro pezvemombe chete uye zvinenge zvisina musoro zvachose,” anodaro.

Mukoma wake – Clive Nyoni – paakaridzi­rwa nhare nevatori venhau, akati munin’ina wake atova kurasika njere dzake.

“Semhuri, tichiri kutsvaga kuti chii chaizvo chakaitika kumunin’ina wangu nekuti agara ari munhu ane pfungwa dzakati kwesere asi iye zvino maitiro ake haachanzwi­sisika.

“Zvichida anogona kunge akaroyiwa nekuti iye zvino ave kungoda kugara oga musango uye haadi kubvisa bhero remombe riri muhuro make,” anodaro Clive.

Anoti vane hurongwa hwekutsvag­a rubatsiro kubva kumaporofi­ta.

Svondo rapera Kwayedza yakaburits­a nyaya yemumwe murume wekwaMambo Saunyama, kwaMutare, uyo anonzi akazofa achiita nhoko sezvinongo­ita mbudzi mushure mekunge anetsa munharaund­a iyi nekuba zvipfuyo.

Mune imwewo nyaya yakabuda mubepanhau rino pakati pegore rino, kwaMambo Zimunya, kwaMutare kwekare, kune imwezve nyaya inoshamisa – yemhuri yakanopote­ra kwamambo ichida kubatsirwa mushure mekunge mombe yavo yatanga kutaura semunhu. Mombe iyi inonzi inotaura kuti zvipfuyo izvi zvanonoka kuvhurwa mudanga kana kuti kumafuro hakuna huswa, pakati pezvimwe. Nyaya iyi ichiri kudare ramambo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe