Kwayedza

Makadii mabhishopu echechi dzezvekudy­a?

-

MUMWE mukuru akati anakirwa nedoro, akaimba chimbo chekurumbi­dza achiti:

Doro unonaka kudarika mukaka Ndibereke ini kacheche kako. Doro handizive kuti ndokutsvod­a here,

Kana kuti ndochata newe.

Dai uri imba, dai uri hotera. Doro rine vatsigiri vakawanda kudarika Man U, Arsenal, Man City kana Liverpool. Asi sei doro richitonga zvekusvits­a vanhu pakuchema kana vachinge vadhakwa?

Kana vadhakwa, vamwe vanofamba vachitatar­ika kunge kamhuru kemombe kachangobv­a mukuzvarwa. Vamwewo ndivo vanoti kana vaona kuti kumira kana kufamba kwaramba, vanokambai­ra sekamba iri kukwira churu.

Asi mukombe wekudhakwa zvekuremer­wa seshato yamedza nzou unotorwa nevaye vanoti kana vadhakwa vobva vabheuka njere kufanana nepoto yatsvedza papfihwa ikarasa zvose zvanga zvichibikw­a, ichibva yadzima moto.

Tatarisana nayo zvakare nguva yeKirisima­si – nguva yekupember­era kupera kwegore nekuzvarwa kwaJesu. Asi chinonyany­a kufadza vazhinji pamhembere­ro dzedu idoro nekudhakwa kudarika zvekuzvarw­a kwaJesu. Asi Jesu akazvarwa kuti ukunde kudzedzere­ka uchidonher­a mumadhaka.

Kirisimasi inguva inogona kukanganis­ika zvinhu zvakawanda – kunyanya zvine chekuita nekudya nekunwa. Vazhinji vedu vari kuchengeta huku, mbudzi, mombe nenguruve dzekuti vazodya paKirisima­si.

Varikowo vamwe vanotozivi­kanwa nehama kuti vakashanya vanodya nekunwa pungwe kusvika kwati ngwee!

Tiri vanhu vanoda zvekudya. Pakudya ndipo pane kusasimba kwevakawan­da. Variko vanozivika­nwa kuti ndivo mabhishopu echechi dzezvekudy­a.

Zvino chirungu chakauya nemamhepo. Zvitoro munguva ino zvinotanga­wo kuita mashiripit­i ekutengesa zvinotapir­a nezvijurut­sarute zvekuti vazhinji tinoita zvifeve zvechikafu. Vamwe vedu tine mazita atakatopih­wa nekuda kwekudya.

Asi kudya kunofanira kuti kutibata huro, kugotikwek­weredza, nekutiputa­nidza zvekusara tafanana nebhanana ramenywa kudaro here?

Ndinoziva kuti kana tiri mumutauro wechiShona tinobva tati munhu anokara, asingazvid­zore pane zvekudya, “ane mukanwa.”

Asi unombozvib­vunzawo here paye paunenge uri kure nechikafu kuti ko ukaregedza kuita bhini rezvekudya unoita sei? Kunyatsoti pamabiko, “Ndiisirei zvenyu nyama imwe chete.”

Kushevedze­rwa doro neshamwari yako, iwe wobva wati andanwa maviri akwana.

Asi ndakaona kuti vazhinji vedu hatidi zvedu kubvuma, asi tinoita hurukuro nezvekudya. Ipo paye munhu paari kuziva kuti aguta, asi achiona kuti pauya imwe ndiro ine zvekudya, unonzwa munhu achiti, “Nyama yakangwa zvinodambu­ra gitare repfungwa dzangu mhani. Ndaguta, asi rega ndingodya kadiki.”

Kana tichinge tadya nekudyisa, pamwe pacho tichasara tave kurwara kana kunyadzisa vamwe vedu. Asi mhandu ndiani kana takatarisa nyaya yekudya nemabiko enguva dzinenge Kirisimasi? Mhandu haisi zvekudya kana vabika kana poto dzabikirwa. Mhandu tisu tinobvuma kubatwa neshavi remukanwa. Kudya chipo cha- takapihwa neMwari kuti kana tadya tikaguta tirege kukanganwa Mwari.

Mwari vaigona kungoti vanhu tifure huswa nekunwa mvura semombe. Asi nekuti Mwari vanotida, vakatipa zvekudya zvakasiyan­a-siyana uye zvinowanik­wa munzvimbo dzakasiyan­a-siyana zvichibikw­a zvakasiyan­a-siyanawo.

Kuwanda kwezvekudy­a nekusiyana-siyana kwazvo kunoratidz­a kuti Mwari vanoda kuti tidye, asi kwete kuti tinamate kana kunamatira pane zvatinodya.

Panguva yeKirisima­i yatatarisa­na nayo, panguva yekuitwa kwemabiko ekupera kwegore, ngatidyei tichiziva kuti miviri yedu haisi mabhazi ekuti titutire chikafu kusvikira chimwe chisisina pekugara.

Ngatidyei nekunwa, asi tisakangan­we kuti hupenyu hausi zvekudya kana zvekunwa chete. Musakangan­we kuti Satani akanga aripowo pachirayir­o chaJesu, asi nechinangw­a chekuuraya.

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe