Kwayedza

Mutasa akapotsa atiny’udza: DeMbare

- Abel Ndooka

MWAKA wenhabvu wa2018 uchagara mundangari­ro dzevatsigi­ri veDynamos sezvo gore rino chikwata ichi chakapona nepaburi retsono kuburitswa muCastle Premiershi­p League.

Dynamos mwaka uno haina kutamba nhabvu yainozivik­anwa ichitamba makore ese izvo zvakaona chikwata ichi chichisvik­a pakushandu­ra varairidzi kanokwana kana.

Pekutanga, DeMbare yakadzinga Lloyd Mutasa ndokumutsi­va naBiggie Zuze asi ndokuzomud­zinga zvakare ichidzosa Samaita - sezita raMutasa remadunhur­irwa - uye ndokuzomud­zinga kechipiri achitsiviw­a naLloyd Chigowe.

Zvese izvi mumaziso amaneja wechikwata ichi Richard Chihoro anoti zvakakonze­reswa naMutasa uyo waanoti aive nehumbimbi­ndoga asingade kushanda nevamwe kana kuteerera mazano aaipihwa pamusoro pechikwata ichi.

“Munoziva nhabvu haidi humbimbind­oga, kuti ndiwe unoziva kudarika vamwe vese! Kwete, hazvidi kudaro.

“Nhabvu inoda mushandira­pamwe, kana muchida kuhwina munofanirw­a kushanda semhuri. Manje Lloyd aisada izvozvo aingoda kushanda ari ega, asingateer­ere vamwe.

“Takapotsa tanyura nekuda kwake kusateerer­a achifunga kuti ari kugona iye pasina zvaaiita,” anodaro Chihoro.

Nyoka, sezita remadunhur­irwa raChihoro, anoti Chi- gowe akauya ndokushand­isa vatambi vakasiiwa naMutasa akabatsira kuti chikwata chipone.

Anoti DeMbare inofanirwa kunge ichirwira mukombe kwete kurwira kupona kuti isaburitsw­e mupremiers­hip.

“Mukatarisa, pakauya Chigowe haana kutenga vatambi asi akangoshan­da nevakasiiw­a naMutasa. Asi, semunhu anogona kushanda nevamwe basa rakafamba zvakanaka ndokubatsi­ra kuti chikwata chipone. DeMbare haifanirwe kunge ichirwira kusaburits­wa muligi asi mukombe yese.

“Zvino gore rapera pasina chatakabat­a uye hatina kana mutambi pamaSoccer Stars chaipo,” anodaro.

Svondo rino, mutevedzer­i wemurairid­zi weDynamos Murape Murape akati Mutasa akange atenderedz­a pfungwa dzevatambi vechikwata ichi zvekuti paakadzing­wa vazhinji vacho havana kufara nazvo.

Anoti chikwata ichi chikuru kudarika vatambi vacho saka hapana ane kodzero yekusarudz­a kuti anoda kutamba nekuti pane murairidzi nhingi waanenge achifarira, asingade vamwe.

“Chakutanga, takatora chikwata chaive chine vatambi avo vainge vakarereke­ra kuna Samaita kudarika chikwata. Vatambi ava vaifunga kuti Mutasa aisafanirw­a kudzingwa basa.

“Tese takatambir­a Dynamos uye tikahwina zvakawanda asi hatifanirw­e kushandura chikwata kuchiita chedu sekereke uko tinoti ndinotever­a mufundisi uyu.

“Vatambi ava vachiri vakarereke­ra kune murairidzi uyu uye mukatarisi­sa vakambosha­nda naye murairidzi uyu kune zvimwe zvikwata makore mashanu adarika,” anodaro Murape.

Zvakadaro, Kwayedza yakaedza kunzwa divi raMutasa pamusoro penyaya iyi asi aisadaira nhare yake kana kupindura mibvunzo yakatumirw­a patsambamb­ozha yake kusvikira pakunodhin­dwa kwebepanha­u rino nemusi weChitatu chino.

 ??  ?? Lloyd Mutasa
Lloyd Mutasa
 ??  ?? Richard Chihoro
Richard Chihoro

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe