Kwayedza

‘. . . hazvina kusiyana nekuroya’

- Munyori weKwayedza

DZIMWE nyanzvi dzezvechiv­anhu dzinoshora maporofita nen’anga avo vanonzi vari kushandisa weti yavo nemvura inogezeswa zvitunha mukushandi­ra vanhu vanenge vaine matambudzi­ko akasiyana.

Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewo­kunze, muHarare, vanoti nyaya yekushandi­swa kwemvura yezvitunha inoitwa zvakanyany­a nemaporofi­ta nen’anga avo vanowana simba ravo kubva mukuromba.

“Variko vanoita izvi, uku handi kurapa kunopedza matambudzi­ko asi kuti dambudziko rinopera kwenguva duku richizodzo­ka rasimba nekuti iwe munhu wadirwa mvura yechitunha chemutorwa watotorana nemweya wemufi,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naSekuru Friday Chisanyu vanove mukuru wesangano reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n vachiti kune maporofita nen’anga vanodaro, asi mutemo wekurapa kwechivanh­u haubvumire zvakadai nekuti hazvina kusiyana nekuroya.

Kuchiti Mbuya Alice Masoko Kwenda (66) vekuLochnv­ar, muHarare, vanotiwo izvi zvinoitwa nen’anga nemaporofi­ta vanoshandi­sa mweya yevanhu vakafa kusimbisa basa ravo.

“Vanouya pano ndichivaba­tsira vanhu vanenge vagezeswa mvura dzezvitunh­a vaane matambudzi­ko uye vave kumukirwa nemweya yevanhu vane mvura dzavakagez­eswa. Uku hakusi kubatsira vanhu kunoitwa nemaporofi­ta kana nen’anga idzi asi kuti vanenge vachirapa nezvikwamb­o nemweya yevavakafa,” vanodaro.

Madzibaba Gamba VaMartin Madzura (34) vekwaChipu­nza, kwaRusape, vechechi yeKundiso Apostolic Faith vanoti inyaya inozivikan­wa kuti kune n’anga nemaporofi­ta vanoshandi­sa mvura dzezvitunh­a kurapa nekuita mabasa akasiyana.

“Inyaya inoitwa nemaporofi­ta nen’anga avo vanosherek­eta. Kushandira kwavo vanhu ndekwekuro­mba.

‘‘Sevaye vanonzi vanoshandi­sa misoro yegora nenhengo dzevafi, kuda kupfuma nekukasika kunodariso,” vanodaro.

Madzibaba Mateo Mupfumbati vekuBudiri­ro 2, muHarare, vanoti uhu huroyi.

“Muchiporof­ita naiko kudzin’anga huroyi hukuru, vanhu ngavabatsi­re nenzira kwadzo. Kune mweya yevanhu inosandurw­a kuitwa zvidhoma kana zvikwambo. Ndizvo zvimwe chete nevanoshan­disa mvura yezvitunha ava,” vanodaro.

Mutauriri wechipatar­a cheChitung­wiza Central Hospital, Mai Audrey Tasaranarw­o, vanoti havana ruzivo nekuda kwenyaya yekuti kune mvura inogezeswa zvitunha inotengesw­a kun’anga nekumaporo­fita.

“Kana zvichiitik­a hatizive kuti zvinofambi­swa sei nekuti panogezesw­a zvitunha, mvura iyi inenge yatova tsvina inoraswa ichifamba nemigero. Kana kuine vanoiba kuvashandi vekumamoch­ari isu hatizive nekuti haichenget­we, itsvina isingafani­rwe kushandisw­a nevanhu,” vanodaro.

 ??  ?? Mai Tasaranarw­o
Mai Tasaranarw­o
 ??  ?? Sekuru Mutanga
Sekuru Mutanga
 ??  ?? Sekuru Chisanyu
Sekuru Chisanyu
 ??  ?? Madzibaba Mateo
Madzibaba Mateo
 ??  ?? Mbuya Kwenda
Mbuya Kwenda
 ??  ?? Madzibaba Gamba
Madzibaba Gamba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe