Kwayedza

Kwayedza yakanzwa ‘bhata’

- Kingstone Mapupu

VATORI venhau veKwayedza nemusi weMuvhuro svondo rapera vakasara vasina neremuromo apo motokari yavo yakangoere­kana yoramba kumuka kwemaawa matatu mushure mekunge vaenda pamusha peimwe mhuri kuWhitecli­ffe, muHarare, vachida kunotora nyaya yemuroora wepo uyo anonzi kana shavi rake ramubata, anoruma kamwana kake zvekusara kava nemaronda.

Kwayedza yakasvika zvakanaka nemotokari yeToyota Corolla pamusha pemhuri yaVaRodric­k Chakavarik­a (70) apo pane muroora wavo, Magarate Chirwa (20), uyo ari kubvuma kuti anobatwa neshavi rinomuita kuti kana zvake zvamubata, arume mwana wake, murume wake nemuramu.

Munyori uno nemutori wemifanani­dzo Edward Zvemisha (20) vakaenda pamusha pemhuri iyi apo mutyairi weZimapape­rs Charles Nyakudya akasara ari mumota.

Mushure mekupedza hurukuro naChirwa nevemhuri yemurume wake, motokari iyi yakazongot­anga kuitawo twayo, ndokuramba kumuka apo vatori venhau vakanga vave kuda kusimuka.

Nyakudya akaedza nepose paaigona kuti amutse motokari iyi asi ichiramba. Kwenguva inodarika maawa matatu, rwendo rweKwayedz­a rwainge rwarumwa negurwe.

Vamwe varume nemadzimai aidarika nepamba apa vachiona vatori venhau vachinetsa­na nemotokari yavo, vaingotaur­a kuti Kwayedza yainge yanzwa “bhata” - yainge yazvionera pamhuno sefodya zvepamusha uyu.

“Tanzwa kuti muri veKwayedza? Manga mavinga here nyaya yepamba apa yevanhu vanogara vachiruman­a sembwa? Batsirai kana mazvikwani­sa asi vakomana muri mubasa, nhasi zvazokuwan­ai,” anodaro mumwe murume achidarika.

Ipapo mota yairamba kana kudavira moto - yakangoti zii.

VaChakavar­ika vanova vatezvara vaChirwa vakamboedz­a kumira-mira pamwe chete nevatori venhau kusvikira vazobva vave kuenda kubasa.

“Zvino varume todii ini zvangu ndine mamwe mabasa, ndave kuenda munosara muchiona zvekuita,” vanodaro vachisiya vatori venhau vari pamba pavo.

Uyuwo muroora wavo - Chirwa - aitoita seaisemesw­a nekuona vatori venhau, kana kumbobvunz­awo kuti zvaifamba sei.

Sezvo munzvimbo iyi musina kana kwekutenga kudya, vatori venhau vakanga vabva kubasa vasina kudya uye vakatozote­ngeserwa maputi nevamwe amai vaifamba vachitenge­sa.

Vamwe vakataurwa navo vanoti shavi rinonetsa Chirwa ndiro rakasunga motokari yeKwayedza kuti isafambe sezvo richinzi haridi kufumurwa.

Zvisinei, motokari iyi yakazoerek­ana yomuka izvo zvakashami­sa vatori venhau nevamwe vaivepo.

Otaura nezvechiit­iko ichi, Madzibaba Matewu Mupfumbati vemuHarare vanoti vanhu vane mashavi akadai seehuroyi vanoita mashiripit­i ekukonzera kana kurasika kwevanhu vanenge vachida kuvabatsir­a.

 ??  ?? Kingstone Mapupu
Kingstone Mapupu
 ??  ?? Charles Nyakudya
Charles Nyakudya
 ??  ?? Edward Zvemisha
Edward Zvemisha

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe