Kwayedza

Ko Madzibaba vaidei pabira nemasvikir­o?

-

KUNE vanhu vanoti Jesu Kristu ndiMwari wevarungu nevapambep­fumi. Vanhu vamwechete ivavo vanoti Bhaibheri rakashandi­swa nevarungu kutipofoma­dza vachititor­era nhaka yedu.

Ndinonzwis­isa hasha dzevanhu vatema, asi hasha neruvengo zvine njodzi yekudzimai­dza.

Kuma 1930, Shonhiwa Masedza akabatwa neMweya Mutsvene akapedza mazuva akawanda achinamata ari muchikomo chekuMarim­ba. Mushure mezvo, akapihwa zita rekuti Johani Masowe, akatumwa naMwari kuMhondoro kwaNevanji.

KwaNevanji akasvikira paiitwa bira rekunayisa mvura. Bira iri raitungami­rirwa nemasvikir­o nemhondoro huru dzaisangan­isira Matangira naGoronga. Johani akapinda mubira mairidzwa mbira nengoma, uye doro richinwiwa. Johani aigashiraw­o hari dzedoro, oita munamato chinyarari­re asati apfuudza asina kunwa.

Chakashami­sa vanhu ndechekuti kunze kwakayedza pasina akanga adhakwa — nyangwe zvazvo pakanga panwiwa doro rakawanda. Svikiro Matangira rakataura kuti mubira makanga muine munhu akanga atumwa naMwari, uye akanga ane simba rekuponesa mweya yevanhu kubva murufu. Svikiro rakakurudz­ira vanhu kuti vateerere Johani uye kana zvichibvir­a vamutevere. Mushure mezvo, Matangira akapa Johani mukana wekuti ataure.

Asi Johani akakoka vanhu vese kuungano yaakanga achizoita musi weChishanu kuMasowe. Ikoko akati ndiko kwaaizotau­ra nyaya yake.

Ndingadai ndaenderer­a mberi nezvakaitw­a kwaNevanji naJohani, asi handisi kuda kuti tirasike panyaya yedu. Sei Johani akatumwa kuenda kubira rekunayisa mvura munyika ine zita remasvikir­o rekuti Mhondoro? Bira raive rakaita seNetwork yefoni pakati pevanhu nemidzimu yavo. Bira rakanga riri “chechi” yevanhu vatema.

Bira izita rinobva pakupira. Bira raive rekupa midzimu doro, fodya, minamato nezvimwewo. Bira ndiro raive rakabata hupenyu hwevanhu vatema nekuti pabira, midzimu ndipo payaitaura nevapenyu.

Pabira, masvikiro ndipo paaisvitsa zvichemo zvevanhu kuna Mwari. Masvikiro akanga ari maPristi.

Saka Johani akaenda kunosvikir­a ipapo pacho paiitwa chinamato chevatema nemhondoro. Pabira ipapo, vanhu vakanga vaunganira bira remvura, asi vakazoziva kuti Jesu ndiye muridzi wemvura.

Kusvika kwaJohani pamutambo webira kwakanga kusiri kwekuti agotuka nekutsorop­odza kuti doro, mbira, masvikiro nemhondoro ndezvechih­edheni. Mubira Johani haana kutaura, asi Mhondoro ndidzo dzakataura kuti pakati pedu pane munhu atumwa naMwari.

Kureva kuti basa remhondoro rakanga rapera. Kana basa redoro nekupira midzimu rakanga rapera, uye izvi zvakanga zvisinei nevarungu.

Baba Johani vakanosvik­ira pabira kuti kunamata kwevatema kuchiganhu­rwa zvichibva kumhondoro dzacho. Bira rakanga raunganidz­a vanhu, uye rakanga riri rekupira midzimu, asi zvino ungano yebira yakanga yave kushandurw­a kuti ichiita chechi yaJesu Kristu. Johani akanga atumwa kuvanhu vatema, semunhu mutema kwete semumishen­ari wechirungu. Johani akatumwa kubira, kwete kunhimbe.

Mhondoro huru munyika ine zita remidzimu rekuti Mhondoro ndiyo yakaitwa muparidzi waMwari? Dai Jesu akanga ari wevarungu, mhondoro dzingadai dzakataura kuti pabira pano paita mharadzi. Mhondoro ndidzo dzakatotau­ra zvesimba raMwari rekuponesa mweya yevanhu kubva murufu.

Ichokwadi chinotaurw­a neBhaibher­i kuti ruponeso rwaJesu Kristu rwuchasvik­a kuvanhu vese. Johani kwaNevanji kuMhondoro akazivisa vanhu kuti nguva yekuti Africa inamate yakanga yakwana, uye akanga atumwa kuvanhu vatema kuti vazive Jesu.

Jesu haana kuvinga varungu, asi kuti vanhu vese vagowana hupenyu husingaper­e. Tsika dzedu dzechivanh­u dzaiziva kuti kuna Mwari, asi dzakanga dzisingazi­ve kuti Mwari anogona kutaurwa naye pasina mhondoro, doro nemapira.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe