Kwayedza

N’anga dzocheresa zvibhorani 40

- Muchaneta Chimuka

SANGANO rinomirira machiremba echivanhu, reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n (ZNPA), rinoti rakazvipir­a kusimudzir­a nyaya dzeutano munyika uye rinovimbis­a kucheresa zvibho- rani zvinosvika 40 muHarare nekuChitun­gwiza nechinangw­a chekurwisa zvirwere zvemanyoka secholera.

Mashoko aya akataurwa nemutevedz­eri wemukuru weZNPA, VaChin Chai Chu, avo vanovazve health promotions and community developmen­t officer apo vaiva paimwe hotera iri kuLake Chivero pagungano rekucherec­hedza kukosha kwemishong­a yechivanhu muAfrica nguva pfupi yadarika.

Vamwe vaive pachiitiko ichi vanosangan­isira vamiririri vesangano reTalk Cancer Zimbabwe, bazi rezveutano nekurerwa kwevana neIsland Hospice.

VaChin Chai Chu vanovimbis­a kuti sangano ravo richachere­sa zvibhorani 40 munzvimbo dzakatsauk­ana dziri muChitungw­iza neHarare.

Aka hakasi kekutanga sangano iri richiita mabasa etsitsi sezvo gore rapera rakabatsir­a vagari vekuGlen View neBudiriro nemishonga yekuchenes­a mvura uye mabhaketi mushure mekunyuka kwechirwer­e checholera mumisha iyi.

Vachitaura­wo pagungano iri, Mai Francisca Tsikai vekuIsland Hospice vakatsanan­gura nezvekupep­wa kwevarwere vepanhowo.

Vanoti varwere vazhinji vanotanga vaenda kun’anga nemaporofi­ta vasati vaenda kuzvipatar­a nemakirini­ki zvinova zvinoita kuti vanonoke kubatsirik­a, zvikuru varwere vegomarara avo vanozoshan­yira zvipatara gomarara rakomba uye risingacha­rapike.

 ??  ?? Mai Francisca Tsikai
Mai Francisca Tsikai
 ??  ?? Mapamper - Huchapa hwekurasir­a marara pose pose ndizvo zvimwe zvinokonze­ra kunyuka kwezvirwer­e zvemanyoka zvakadai secholera.
Mapamper - Huchapa hwekurasir­a marara pose pose ndizvo zvimwe zvinokonze­ra kunyuka kwezvirwer­e zvemanyoka zvakadai secholera.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe