Kwayedza

Basa radzika: Vavezi

- Kingstone Mapupu

NYANZVI dzekuveza matombo panzvimbo yeTsindi Art Gallery, mumugwagwa weAirport Road, muHarare, dzinoti basa ravo rakadzikir­a zvikuru kuburikidz­a nekushaya vanovateng­a zvivezwa zvavo.

Sachigaro wechikwata chevavezi ava, VaWellingt­on Chingondi (40), vanoti vari kushaya vanotenga matombo avo izvo zvakonzera kuti vatsvage mamwe mabasa ekuita.

“Basa redu iri raizivikan­wa richibhadh­ara zvikuru kare, asi zvasiyana nemazuva ano. Senguva yekupera kwegore nekutanga kwaro saizvozvi, taisitenge­rwa zvikuru izvo zvakazongo­sanduka,” vanodaro.

Vanoti basa ravo rinofambir­ana nekuuya kwevashany­i munyika.

“Chikumbiro chedu kuHurumend­e nebazi rinotimiri­ra kuti ritibatsir­e uye veZimbabwe Tourism Authorty (ZTA) kuti vapote vachiunzaw­o vashanyi kunzvimbo dzinovezer­wa,” vanodaro.

Vanoti vamwe vavo vave kupota vachinotsv­aga mamwe mabasa ekuita apo vanozodzok­a kuzoveza kuitira kuti mhuri dzavo dzirarame.

VaRobert Chikumbo (38) mumwe wevavezi panzvimbo iyi vanotsinhi­ra vachiti kutengwa kwezvivezw­a zvavo kwadzikira zvikuru kana vachienzan­isa nemakore adarika. “Tine vavezi vematombo vakabudiri­ra kuburikidz­a nekutengwa kwepamusor­o kwaiitwa zvivezwa zvavo, zvino hapana chichiri kufamba saka tinokumbir­awo kubatsirwa,” vanodaro.

Vanoti kusiyana nemakore ose, pazororo reKirisima­si rino havana kumbobvira vakatenger­wa.

“Mumakore adarika aya kubva mumwedzi waGumiguru kunos

svika munaNdira taiziva kuti inguva yemari. Tinoda kusanganiw­a nevanhu vari kunze kwenyika vanoita kuti matombo edu tikwanise kuatengesa ikoko,” vanodaro. VaPhillip Mulima (40) vanoveawo matombo vanoti zvave kuvaemera kuramba vachinoten­ga matombo ekuvezesa apo zvivezwa zvavo zvisingate­ngwi. “Tinoenda kuMvurwi, kuChiweshe, Guruve nekumwe uko tinootenga matombo ekuvezesa aya nemari inodhura. Zvakadaro, tinoohaya marori ekutakuris­a nemari zhinji.

“Tazopedza kuveza tinokwanis­a kugara makore chaiwo zvinhu zvedu zvisina kutengwa,” vanodaro. Vanoti vemarori kutakura matani matatu ematombo vanochaja mari ri pakati pe$300 kusvika $400 kuchitiwo vanokwidza vanodawo yavo. Pakutenga vanoti tani imwe chete inobvira pa$100 zvichisvik­awo ku$200.

Vavezi ava vanoti vanokoka kunyange vemakamban­i nezvikoro nevanhu vakazvimir­ira kupota vachivasha­nyira.

“Kune vechidiki vane chishuwo chekudzidz­a kuveza tinoti ngavauye tivabatsir­e nekuti isu kukura uko taita, dzimwe nguva rimwe gore vanowana pekurarama vari,” vanodaro VaChingond­i.

 ??  ??
 ??  ?? Wellington Chingondi (kubva kuruboshwe) aina Robert Chikumbu naPhillip Mulima vachichere­chedza zvivezwa zvavo
Wellington Chingondi (kubva kuruboshwe) aina Robert Chikumbu naPhillip Mulima vachichere­chedza zvivezwa zvavo
 ??  ?? Chimwe chezvivezw­a —Mifananidz­o naNicholas Bakili
Chimwe chezvivezw­a —Mifananidz­o naNicholas Bakili

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe