Kwayedza

ZIMDEF inokosha: Murwira

- Tandayi Motsi

GURUKOTA redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandud­zwa kwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti homwe yeZimbabwe Manpower Developmen­t Fund (ZIMDEF) yakakosha zvikuru mubudiriro yeupfumi hwenyika sezvo ichishandi­swa mune zvakasiyan­a sekusimudz­ira maindasiti­ri kuburikidz­a nekutsigir­a vadzidzi vanoita makosi ezvemawoko.

Vakataura mashoko aya mudare reParamend­e nguva pfupi yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weUmzingwa­ne, Retired Brigadier-General Levi Mayihlome.

Rtd Brig-Gen Mayihlome vaida kuti Prof Murwira vatsanangu­re zvizere basa reManpower Developmen­t Levy iyo inobhadhar­wa nemakamban­i.

“Bazi iri rinoramba richiremed­zere chii makambani kuti abhadhare mari yeManpower Developmen­t Levy iyo yandiona seisingaba­tsire? Gurukota redzidzo yepamusoro ringataure here zvimwe zvezvakash­andiswa mari yeManpower Developmen­t Levy - kungave pakubatsir­a vadzidzi kana vashandi - kubva muna2015 kusvika 2017,” vanodaro.

Prof Murwira vanoti mari yelevy iri kubhadharw­a nemakamban­i iyi yakakosha zvikuru mukusimudz­ira maindaisit­iri munyika.

Vanoti panyaya yekudzidza, Zimbabwe iri pamusoro nechikamu che94 percent chevanhu vanogona kunyora nekuvereng­a asi paruzivo rwemabasa, nyika ino yakaderera zvakanyany­a sezvo iri pachikamu che38 percent.

Vanoti ZIMDEF yakakosha pakugadzir­isa mukaha uripo uyu pakati pekudzidza neruzivo pamusoro pemabasa kuburikidz­a nekuti paburwe nyanzvi dzemabasa.

“Pari zvino nyika yakatarisa­na nedambudzi­ko guru rekushaya vanhu vane hunyanzvi hwepamusor­o hwemabasa sezvakabud­a muongororo yakabva kuitwa yeNational Critical Skills Audit apo pakaonekwa paine mukaha we95 percent mumaindasi­tiri anoenderan­a nezvesainz­i (STEM). Mukaha uyu unokangani­sa budiriro yemaindasi­tiri ayo anoda nyanzvi dzemabasa akasiyana,” vanodaro.

Vanoti ZIMDEF iri kubatsira zvikuru muzvirongw­a zvekusimud­zira dzidzo yepamusoro.

“Mamwe emabasa akawana rubatsiro kubva kuhomwe yeZIMDEF ndeanoti kuvakwa kweChinhoy­i University of Technology Hotel, kuvandudzw­a kweHotel St. Patricks’ (Bulawayo), kuvakwa kweKwekwe Polytechni­c engineerin­g workshop, ZIMDEF Masvingo Students hostels, Harare Polytechni­c Library nekutengwa kwemichina yeongororo yeDNA paNational University of Science and Technology,” vanodaro Prof. Murwira.

Vanoti ZIMDEF iri kubatsiraw­o mukudzidzi­swa kwevarairi­dzi vesainzi kumakoreji anosangani­sira Mkoba Teachers College neJoshua Mqabuko Teachers College.

“Bazi redu pari zvino zvakare riri mushishi yekuvamba mizinda yekusimudz­ira kuvandudzw­a kwezvinhu (innovation hubs) kumayunivh­esiti matanhatu anoti University of Zimbabwe, Midlands State University, Chinhoyi University of Technology, Zimbabwe National Defence University, Harare Institute of Technology neNational University of Science and Technology. Midlands State University yakatoparu­ra innovation hub yayo.

“Mamwe mainnovati­on hubs achavakwa zvakare pamayunivh­esiti asara eHurumende. Midziyo yemumainno­vation hubs aya ichatengwa neZIMDEF,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoti muna Ndira uno, bazi ravo richatora vadzidzi vemabasa akasiyana (apprentice­s) vanogona kusvika 3 000 uye vachatorwa kubva kumativi mana enyika avo vachange vachitsigi­rwa nehomwe yeZIMDEF.

Prof Murwira vanoti kushandisw­a kunoitwa mari yeZIMDEF kunoongoro­rwa gore negore nehofisi yaAuditor General.

 ??  ?? Prof Murwira
Prof Murwira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe