Kwayedza

Vatambi vengano

- Munyaradzi Gunduza

MHUKA nevanhu ndizvo zvinonyany­a kushandisw­a navanasaru­ngano sevatambi vemungano. Mhuka dzinoshand­iswawo dzakamirir­a zvinhu zvinoitwa nevanhu muupenyu. Dzimwe dzemhuka dzinowanzo­wanikwa mungano dzinosanga­nisira gudo, shumba, tsuro, bere, kamba, nzou, nedzimwewo.

Gudo/Dede/Bveni/Mutiro — Iyi imhuka inowanikwa mungano zhinji kwazvo. Mungano dzakawanda Gudo rinoburits­wa riri sekuru kuna Tsuro, uye richimirir­ira vanhu vakapusa (vasina njere), vasingafun­gi nevaye vanonyenge­dzwa nezvinhu zviri pachena. Gudo rinomiriri­ra vanhu vane chimiro chakaipa sezvo richizivik­anwa namahobi. Gudo rinomiriri­razve vanhu vanoba, asi vasina njere zvinozoita kuti vapinde mumatambud­ziko.

Tsuro — aka kamhuka kadiki, asi kaine ungwaru, undyire uye unyengedzi. Mungano zhinji mhuka hombe dzinonyeng­edzwa naTsuro achishandi­sa njere dzake dzakapinza. Muupenyu Tsuro inomiririr­a vanhu vane mhumhu mudiki, asi vachigona kushandisa njere kuti vawane zvinhu zvinenge zvichishai­kwa nevanhu vane mhumhu mukuru. Tsuro inoburitsw­awo ichimiriri­ra vanhu vane utsinye muupenyu.

Shumba — mungano zhinji, Shumba ndiye aiva mambo wesango achitonga dzimwe mhuka dzose. Aikwanisa kuunganidz­a mhuka dzose dzesango kana pachinge paita dambudziko rakaita senzara achiona kuti vangakunda sei matambudzi­ko aya. Muupenyu, Shumba anomirira umambo, uye chisimba chisina njere ndosaka dzimwe nguva achinyenge­dzwa naTsuro kana kupinzwa mumatambud­ziko nekuda kwekusafun­ga kunomutuma kushandisa chisimba. Pasichigar­e, madzishe aitonga akafuga dehwe reshumba zvinotsigi­ra pfungwa yokuti shumba inomirira utongi mungano. Shumba inomirira vanhu vane unyanzvi hwekuvhima, vanotyisa, uye vane mhumhu mukuru.

Ngwena/Garwe — iyi imhuka inogara mumvura, asi ichida nyama zvikuru. Imhuka ine simba, uye inogona kubata hove. Inowanzody­a icho chinenge chapinda mumvura ndosaka kune tsumo yokuti, “Garwe haridyi chebamba charo chinoza neronga.” Muupenyu garwe rinomirira vanhu vanokara, vane simba rakanyanya, uye vanongoda kudya zvinenge zvauya zvoga.

Mazita emhuka dzabuda pano dzichinzi vatambi anogona kuchinja zvichiende­rana nebhuku rengano dzaunenge uchivereng­a. Tangokupai ruzivo urwu kuti mukwanise kuzotamban­udza ongororo dzenyu muchienda kumberi. Dzimwe nguvawo munoona kuti nyangwe mungano mukave nemazita evanhu chaiwo mamwe acho anenge achiendera­na nezviito kana unhu hwevatambi ivavo. Naizvozvo pamunoongo­rora mazita evatambi dzamisai pfungwa kuti zvakambony­atsorereke­ra kupi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe