Kwayedza

Mabhonzo enguruve

-

NYAMA yemabhonzo enguruve inonaka zvikuru kana ikabikwa nemazvo.

Svondo rino Amanda Shereni wekuGoromo­nzi anotitsana­ngudza mamwe mabikirwo enyama iyi.

Zvinodiwa:

Chikari, poto kana pani, mugoti kana chipunu, banga, mabhonzo enguruve ane nyama, hanyanisi, matomatisi, munyu, mafuta nemvura.

Mabikiro:

Gadza chikari, poto kana pani pamoto woisa mafuta mashoma.

Kana apisa, isa nyama imomo, woramba uchikanga kwemaminit­si gumi nemashanu kusvikira yatsvukira.

Isa matomatisi nehanyanis­i, woramba uchikanga kwemaminit­si makumi maviri.

Chiisa mvura komichi imwe chete.

Isa munyu wokwidibir­a zvombokwat­a kwemaminit­si makumi matatu uchipindur­a pindura.

Raidza wobura. Munogona kudya nyama yemabhonzo enguruve nesadza kana mupunga.

 ??  ?? Mabhonzo enguruve
Mabhonzo enguruve
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe