Handisati ndapera: Mukwamba

Kwayedza - - Nhau Dzemadzimai - Kingstone Mapupu

MUIMBI akamboita mukurumbira makore adarika nenziyo dzinosanganisira kanonzi Wapenga Nayo Bonus — Patrick Mukwamba (70) — akabura rimwe dambarefu idzva.

Mukwamba anoimba nechikwata cheSilver Sinde uye dambarefu idzva iri rine nziyo sere rinonzi Zvinonaka Zvavakudhura.

Dzimwe nziyo dziri padambarefu iri - iro rine musanganiswa weMuseve neTradition - dzinosanganisira Svee Kusanyara, Mufaro Kubhawa, Ndamurangarira, Peace Order, Ndoda Kunoponeswa, Hupenyu Hwangu naMarufu.

Mukwamba anoti ndiye anonyora nziyo idzi achibatsirana nemumwe waanoimba naye Lady Sai Sai.

Nziyo dzose idzi anoti dzinotsanangura mararamiro evanhu muupenyu hwakasiyana.

“Vanoti Patrick Mukwamba akapera vazivisei kuti ndichiripo handisati ndapera ndivo vakapera vanodaro vacho. Pakuimba ndiripo kana iyo jaivhi haina kubuda, musanyeperwe huyai muone zvenyu kwatinoridza, katsva aka huchi chaiho,” anodaro.

Muimbi uyu akamboitawo mukurumbira nedzimwe nziyo dzinosanganisira Ramba Murume Tinwe hwahwa, Mombe Yehumai naUri tsotsi Mukoma.

Vamwe vanoimba naMukwamba ndevanoti Andrew Chikwanha, Christopher Mukwindidza, Tichaona Chacha, Talent Ncube naAnesu Makoni.

“Dambudziko ratinaro sechikwata hatina zvekuridzisa zvinosanganisira madrums, magitare nezvimwe, saka tinotsvagawo rubatsiro rwezvekuridzisa kune vane tsiyo nyoro,” anodaro.

Mukwamba akamboridza nezvikwata zvinoti Halelua Chicken Run Band, The Seasons neThe Four Brothers.

“Ndichipedzisa ndinoti kuruzhinji aiwa ini Patrick Mukwamba handina kufa sezvinofungwa nevamwe ndiriko uye iko kupera kunotaurwa handina ndiri kufaya, ngavatsvage dambarefu redu idzva iri.

‘‘Mhanzi yedu itsva neyekare tiri kutengesa toga zvichitofamba nekuda kwepairesi yatikuvadza iyi saka tave kuzviitira toga,” anodaro.

Patrick Mukwamba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe

© PressReader. All rights reserved.