Kwayedza

Mwaka wakasunama: Shiri

- Farai Machivenyi­ka naColumbus Mabika

HURUMENDE iri kutora matanho ekurwisana nedambudzi­ko renzara ingangotar­isana nenyika zvichiteve­ra yambiro yanamazvik­okota vanoona nezvemamir­iro ekunze yekuti mwaka wa2018 -2019 mvura inogona kusanaya zvakaringa­na kunzvimbo zhinji dzenyika.

Mashoko aya akaziviswa negurukota rebazi rezve- minda, kurima nemamiriro ekunze Retired Air Chief Marshal Perrance Shiri vachiti mamiriro ezvinhu aya adzosera kumashure zvikuru mabasa ekurima munyika.

Vanoti vanokurudz­ira varimi kuti vadyare mbesa diki dzinokasik­a kuibva.

“Mwaka wemvura yekunaya wa2018-2019 wakanonoka kutanga, apo mvura yakanyatso­tanga kunaya mukupera kwaMbudzi. Kusvika parizvino, mvura haizi kunaya zvakanaka, kunyanya kunzvimbo dzeku- chamhembe kwenyika,” vanodaro.

Vanoti kubvira paturuka mvura, yakawanda yakanaya munzvimbo dzinosanga­nisira Harare, Mashonalan­d Central, Mashonalan­d East nedzimwe dziri kuMashonal­and West neManicala­nd.

“Mapurovhin­zi ari kuchamhemb­e akadai seMasvingo, Midlands, Matabelela­nd North neMatabele­land South ndiwo akanyanya kukanganis­ika nekuwana mvura shoma zvikuru,” vanodaro.

Rtd Air Chief Marshal Shiri vanoti kubvira mumwedzi waGumiguru gore rapera, mvura yanaya ishoma kana zvichienza­niswa neinotaris­irwa kunge ichinaya mwaka yose.

Vanoti zvakakosha kuti varimi varime mbesa dzinokasik­akuibva.

“Tiri kukurudzir­a zvakare varimi kuti varimewo dzimwe mbesa diki dzinokasik­a kuibva dzakadai sebhinzi, nyimo, cow-peas, nzungu nembambair­a,” vanodaro.

 ??  ?? Rtd Air Chief Marshal Perrance Shiri
Rtd Air Chief Marshal Perrance Shiri

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe