Nadal akakuvara pachidya
RAFAEL Nadal akamanikidzwa kubuda mumutambo weBrisbane International nekuda kwekukuvara kwaakaita pachidya chegumbo rake.
Uku kudzoserwa shure kwechizvarwa chekuSpain ichi sezvo ave kukundikana kukwikwidza mumutambo wekutanga weGrand Slam uyo uchange uchiitirwa kuMelbourne kutanga musi wa14 Ndira.
“Ndakavhenekwa zvichaonekwa pane zvakakanganisika pachidya chegumbo rangu,” Nadal akaudza vatori venhau kuBrisbane.
“Ndakaedza kutamba, ndaida chaizvo kutamba, asi ndakaudzwa nanachiremba kuti ndisiyane nazvo.
“Zvinhu zvidiki asi zvinozokura, kana ukakwikwidza wakadaro zvinogona kukanganisika,” anowedzera.
“Ndiri kunzwa hangu zviri nani pane zvandainzwa mazuva adarika, asi handidi kuti ndizvikanganise nekutamba nekuti ndikatamba ndogona kukanganisa zvakawanda ndikazotadza kutamba mitambo inotevera yakawanda.”
Mutambo weBrisbane uyu wange uchishanda senzira yekugadzirira Nadal mimwe mitambo inotevera asi shasha iyi yange isingade kuzvikanganisa nekutamba akakuvara.
Shasha yechipiri pasi rese yetenesi iyi, akaudzwa nanachiremba kuti pane mukana wekuzvikanganisa kana kunyangwe hake iye ange achida kutatsurana naRoger Federer kumutambo uyu weAustralian Open kuti aende pamusoro, asi kubuda kwake mumu- tambo uyu kuchamubatsira kuti apore.
Tournament director, Cameron Pearson, akarakidza kushushikana chaizvo nenhau iyi ndokuti, “Tinoziva chaizvo kuti Rafael Nadal ari kurwadziwa nekutadza kukwikwidza kuBrisbane International uye haasi kukwanisa kutamba pamberi pevatsigiri vake kuBrisbane gore rino.” - SportsMail Tennis