Kwayedza

Nadal akakuvara pachidya

-

RAFAEL Nadal akamanikid­zwa kubuda mumutambo weBrisbane Internatio­nal nekuda kwekukuvar­a kwaakaita pachidya chegumbo rake.

Uku kudzoserwa shure kwechizvar­wa chekuSpain ichi sezvo ave kukundikan­a kukwikwidz­a mumutambo wekutanga weGrand Slam uyo uchange uchiitirwa kuMelbourn­e kutanga musi wa14 Ndira.

“Ndakavhene­kwa zvichaonek­wa pane zvakakanga­nisika pachidya chegumbo rangu,” Nadal akaudza vatori venhau kuBrisbane.

“Ndakaedza kutamba, ndaida chaizvo kutamba, asi ndakaudzwa nanachirem­ba kuti ndisiyane nazvo.

“Zvinhu zvidiki asi zvinozokur­a, kana ukakwikwid­za wakadaro zvinogona kukanganis­ika,” anowedzera.

“Ndiri kunzwa hangu zviri nani pane zvandainzw­a mazuva adarika, asi handidi kuti ndizvikang­anise nekutamba nekuti ndikatamba ndogona kukanganis­a zvakawanda ndikazotad­za kutamba mitambo inotevera yakawanda.”

Mutambo weBrisbane uyu wange uchishanda senzira yekugadzir­ira Nadal mimwe mitambo inotevera asi shasha iyi yange isingade kuzvikanga­nisa nekutamba akakuvara.

Shasha yechipiri pasi rese yetenesi iyi, akaudzwa nanachirem­ba kuti pane mukana wekuzvikan­ganisa kana kunyangwe hake iye ange achida kutatsuran­a naRoger Federer kumutambo uyu weAustrali­an Open kuti aende pamusoro, asi kubuda kwake mumu- tambo uyu kuchamubat­sira kuti apore.

Tournament director, Cameron Pearson, akarakidza kushushika­na chaizvo nenhau iyi ndokuti, “Tinoziva chaizvo kuti Rafael Nadal ari kurwadziwa nekutadza kukwikwidz­a kuBrisbane Internatio­nal uye haasi kukwanisa kutamba pamberi pevatsigir­i vake kuBrisbane gore rino.” - SportsMail Tennis

 ??  ?? Rafael Nadal
Rafael Nadal

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe