Monaco yoda Fabregas
MONACO ine fungidziro huru yekuti inogona kutenga mutambi weChelsea, Cesc Fabregas, mwedzi uno waNdira.
Fabregas haasi kufara nekusawaniswa mukana wekutamba zvaanotarisira muchikwata chaMaurizio Sarri uye mwaka uno angotamba mutambo mumwe chete wePremier League. Kondirakiti yake nechikwata ichi inopera mwaka uno uye murairidzi weMonaco Thierry Henry ari kuda chaizvo kuunza mutambi uyu kuFrance uyo waakambotamba naye kuchikwata cheArsenal.
Monaco iri kutatarika zvikuru muLigue 1 sezvo yaka- gara pechi19 uye iri kuda zvibodzwa zvakawanda kuti ibve kurelegation zone.
Monaco iri kuedza zvakare kutenga Gary Cahill, uye yakambokurukura nezvakaputeni weArsenal Laurent Koscienly pamwe neaimbove mutambi weReal Madrid, Pepe.
Svondo radarika, Sarri akati Chelsea inofanirwa kutenga mumwe mutambi hunge ikasiya mutambi uyu achibva achienda kune chimwe chikwata.
Sari akati, “Panzvimbo iyi tingori naJorginho naFabregas saka panogona kuita dambudziko tikasiya Cesc achienda. Handidi kuti ayende.” - SportMail Football