Kwayedza

Monaco yoda Fabregas

-

MONACO ine fungidziro huru yekuti inogona kutenga mutambi weChelsea, Cesc Fabregas, mwedzi uno waNdira.

Fabregas haasi kufara nekusawani­swa mukana wekutamba zvaanotari­sira muchikwata chaMaurizi­o Sarri uye mwaka uno angotamba mutambo mumwe chete wePremier League. Kondirakit­i yake nechikwata ichi inopera mwaka uno uye murairidzi weMonaco Thierry Henry ari kuda chaizvo kuunza mutambi uyu kuFrance uyo waakambota­mba naye kuchikwata cheArsenal.

Monaco iri kutatarika zvikuru muLigue 1 sezvo yaka- gara pechi19 uye iri kuda zvibodzwa zvakawanda kuti ibve kurelegati­on zone.

Monaco iri kuedza zvakare kutenga Gary Cahill, uye yakambokur­ukura nezvakaput­eni weArsenal Laurent Koscienly pamwe neaimbove mutambi weReal Madrid, Pepe.

Svondo radarika, Sarri akati Chelsea inofanirwa kutenga mumwe mutambi hunge ikasiya mutambi uyu achibva achienda kune chimwe chikwata.

Sari akati, “Panzvimbo iyi tingori naJorginho naFabregas saka panogona kuita dambudziko tikasiya Cesc achienda. Handidi kuti ayende.” - SportMail Football

 ??  ?? Cesc Fabregas
Cesc Fabregas

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe