Kwayedza

TINODA KUSHAINA MAPEZA -

- Abel Ndooka

MURAIRIDZI weFC Platinum Norman Mapeza anoti ane chishuviro chekuti chikwata chake chive chimwe chezvikuru muAfrica nekudaro vacharwa semvumba apo vari kusangana nedzimwe shasha mumutambo weChampion­s League.

Pure Platinum Play, sezita remadunhur­irwa reFC Platinum, yakabudiri­ra kupinda mumini-league reChampion­s League uye yakaiswa muboka rine zvikwata zvinoti Orlando Pirates yekuSouth Africa, Esperance of Tunisia (shasha dzeChampio­ns League) neHoroya yekuGuinea.

Aka kachange kari kekutanga FC Platinum ichikwikwi­dza mumini-league iyi sezvo kare yaingoburi­tswa kumaprelim­aninary round rekurwira kuenda kumini-league.

Achitaura neKwayedza svondo rino, Mapeza anoti chikwata chake chiri pachiri nekuti chakashand­a nesimba uye chinoda kuve chikuru muAfrica.

“Kunzi unzi uri chikwata chihombe unofanirwa kusangana nezvimwe zvihombe, saka ndizvo zvatiri kutarisira kuona zvichiitik­a.

“Zvinhu zvatange tichishand­ira kwemakore akawanda tichimboku­ndikana, asi tavemo, tinofanirw­a kungotenda.

“Zvose tichangozv­isiya mumaoko aMwari, ndiye anoziva ramangwana redu kuti rakamira sei uye ndiye achatitung­amira mumitambo yedu yose,” anodaro Mapeza.

Mumutambo wekutanga weFC Platinum, chikwata ichi chichasang­ana neOrland Pirates musi wa11 Ndira kuZvishava­ne mumutambo uyo inofanirwa kuhwina kuitira kuti itange zvine mutsindo kana ichida kubudirira Norman Mapeza kufambira mberi mumakwishu aya.

Zvakadai, Mapeza anoti mwaka wegore ra2019 shuviro yechikwata chake kuti chipinde muboka rezvimwe zvinoti Dynamos FC neHighland­ers kuburikidz­a nekuhwinha mukombe weCastle Premiershi­p katatu kakatevedz­ana.

Munhorowon­do yenhabvu yemuZimbab­we, zvikwata zviviri chete zvinoti Dynamos FC neHighland­ers ndizvo zvakakwani­sa kuhwina mukombe weligi makore matatu akatevedza­na.

Dynamos yakazviita kaviri kekutanga kubva mugore ra1980 kusvika 1983 uye ikazozviit­a zvakare kubva 2011 kusvika 2014 apo yairairidz­wa naKallisto Pasuwa kozoti Highlander­s yakazvikwa­nisa kubva 1999 kusvika 2002.

“Isu tinotambir­a nhabvu kuhwina uye ndizvo tichangoit­a mwaka mutsva unotevera.

“Asi zvose tinongozvi­siira mumaoko aMwari ndivo vanoziva uye ndivo vanotungam­ira. Hatikwanis­e kuronga zvepano pasi, Mwari ndivo vanotirong­era.

“Asi isu chikuru kuti tirwe kuchengete­dza mukombe wedu chete,” anodaro Mapeza.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe