Chitunha tsve pan’anga
N’ANGA yechikadzi yemumusha weManyame Park, kuChitungwiza, yakaramwirwa chitunha chemumwe murume icho chakanokandwa muimba yayo yekurapira chikasweramo zuva rose.
Izvi zvinotevera makakatanwa akamuka pakati pen’anga iyi nehama dzemushakabvu apo yaipomerwa kuti ine chekuita nerufu rwemushakabvu.
Murume ane chitunha chakanoramwiwa kun’anga uyu anonzi paakazofa, ainge oita tsvina nemukanwa nemumhuno.
Nyaya iyi yakaitika svondo rakapera apo mutumbi waPaidamoyo Clemence Manyika (28) wakanoramwirwa kumba kwaMartha Chakudzuka (46) avo vanozivikanwa nezita rehun’anga rekuti Mbuya Malema vepanhamba 9319 Manyame Park.
Manyika anonzi aiva muridzi wembira wen’anga iyi uye aipomerwa kuba midziyo yegodobori iri inosanganisira inverter, T-flash nemagumbeze maviri.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Tarirai Dube, vanotsinhira chiitiko chekuramwirwa kwechitunha kun’anga iyi vachiti maitiro akadai imhosva.
Mbuya Malema vanonzi vakashandisa mushonga werukwa vachida kuranga mbavha yainge yavabira zvikazokonzera rufu rwaManyika.
Murume uyu anonzi akafa achirira inverter mudumbu, achiita tsvina nekumuromo nemumhuno.
Mbuya Malema vanotsinhira nyaya yekuti mutumbi waManyika wakanoramwiwa kumba kwavo ukaiswa muimba yavanoitira matare.
Vanoti hama dzemufi uyu dzakasiya dzatyora tsvimbo dzavo dzemidzimu nekubvarura machira emashavi, ndokuzovabira mari.
“Pakaitika izvi, ini ndainge ndisipo ndiri kuSouth Africa uko ndairapa vamwe varwere vangu nekuona vana nevazukuru vangu. Ndakazofonerwa kunzi kuno kumba kwakabiwa inverter, T-flash nemacomforter maviri ndokutaurira vana vangu kuti varove bembera kuvanhu vose ndisati ndaita masaramusi angu izvo vakaita. Hapana akabvuma kuti ndiye ainge aba, ndikazodzoka apo ndakazo- ona mukadzi wemufi ouya aine inverter achiti atumwa nemurume wake ainge orwara. Aiti aida kukumbira ruregerero sezvo ainge orwara,” vanodaro.
Vanoti vakazopa mukadzi uyu fodya yekuti anopa murume wake kuti anwe agoita zviri nani.
“Murume uyu airira inverter mudumbu achiburitsa tsvina nekumuromo nemumhuno. Ndakazoona vave kuuya naye pano vakamuisa mubhara apo akabvuma kuti ndiye akandibira. Ndakavati vabvise $100 yekuti ndimuroyonore iyo vakashaya, ndikavati munhu uyu ainge abira mudzimu kwete ini izvo vaifanirwa kuripa.
“Sezvo pamba pangu pasingabiwe nekuti pakagadzirwa nambuya vanosvika pandiri, murume uyu akazopunzika ndokufa vave kuenda naye, mutumbi wake ukazoendeswa kumochari,” vanodaro.
Mbuya Malema vanoramba nyaya iri kutaurwa yekuti Manyika aiva nechikwereti chavo izvo zvinonzi ndizvo zvakaita kuti atore zvinhu izvi.
“Hama dzemufi uyu dzakazonotora chitunha ndokuuya nacho pamba pangu ini ndisipo ndaenda kuMozambique apo vakasvikochipinza muimba yangu yematare chiri mubhokisi. Vanonzi vakatora machira emidzimu vakafukidza bhokisi remufi, ndokutyora tsvimbo dzangu nekubvarura mamwe machira nekuzoba mari yaiva mubhasikiti remashavi yaisanganisira R10 000, $400 neUS$50. Vakabawo gas tank re5kgs ndokusiya vapwanya dhoo remagirazi,” vanodaro.
Vanotizve matsamba avo ehun’anga ekuZinatha akabvarurwa.
“Bhokisi rechitunha rinonzi rakagadzikwa
◆
muimba yangu yematare kwenguva ingaite maawa mashanu vanhu vachiimba varimo, apo vanonzi vakasvikotanga nekuisa mutumbi uyu pavharanda ndokutenderera nawo imba yose.”
Mbuya Malema – avo vanozviti vanopoterwa nemidzimu mina – vanoti Manyika akazviuraisa nekutora zvinhu zvisiri zvake vachiti pamba pavo hapabiwe.
“Vanhu ava vakazotakura bhokisi rehama yavo mushure mekunge mapurisa apindira,” vanodaro.
Madzimai Tabeth Chioniso Mhande (31) vanova muporofita kuchechi yeForward Apostolic Faith iri kuSt Marys, vanoti Manyika akaenda kwavari achida kubatsirwa apo airutsa tsvina achiti aibaiwa pachipfuva nemuviri wose. Vanoti akabvuma kuti ainge atora inverter neT-flash zvevaridzi,” vanodaro.
Vanotizve akati aiva atora zvinhu izvi nekuda kwekuti Mbuya Malema vaiva nechikwereti chake che$40 chekuvaridzira mbira.
“Abva kwandiri, ndipo paakazotuma mukadzi wake kunodzosera inverter, zvemacomforter kwandiri haana kutaura,” vanodaro.
Idah Mupandawana (25), uyo anova mudzimai waManyika, anotsinhirawo nyaya yekuti murume wake akazofa obuda tsvina nemukanwa nemumhuno achiti ainge agadzirwa naMbuya Malema.
“Murume wangu airidzira mbuya ava mbira apo aisapihwa mari vamwe vake vachibhadharwa. Nekudaro vanga vaine chikwereti chake chaakatorera zvinhu izvi apo vakazomugadzira,” anodaro.
Anoti vakazonoramwira chitunha ichi kumba kwen’anga iyi asi haana ruzivo nezvemari nezvimwe zvinhu zvinonzi zvakazobiwako.
“Ndakasiiwa munhamo nekuda kwambuya ava, vakauraya murume wangu. Ndinoda kuti vachengete vana vangu vaviri vandakasiirwa – wemakore 7 neane mwedzi 11 yekuberekwa. Inga wani akanga abvuma kudzosera zvinhu zvavo,” anodaro.
Stembeni Mujuru (43) vanova ambuya VaManyika vanotsinhirawo mashoko ekuti vanoda kuti vazukuru vavo vachengetwe nen’anga iyi kusvika vapedza chikoro.
Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti zvakaitika pamusha paMabuya Malema zvinofanirwa kuti vaitirwe chenuro, mweya wemufi uyu wobviswa pamba pavo.