Kwayedza

Chitunha tsve pan’anga

- Kingstone Mapupu

N’ANGA yechikadzi yemumusha weManyame Park, kuChitungw­iza, yakaramwir­wa chitunha chemumwe murume icho chakanokan­dwa muimba yayo yekurapira chikaswera­mo zuva rose.

Izvi zvinotever­a makakatanw­a akamuka pakati pen’anga iyi nehama dzemushaka­bvu apo yaipomerwa kuti ine chekuita nerufu rwemushaka­bvu.

Murume ane chitunha chakanoram­wiwa kun’anga uyu anonzi paakazofa, ainge oita tsvina nemukanwa nemumhuno.

Nyaya iyi yakaitika svondo rakapera apo mutumbi waPaidamoy­o Clemence Manyika (28) wakanoramw­irwa kumba kwaMartha Chakudzuka (46) avo vanozivika­nwa nezita rehun’anga rekuti Mbuya Malema vepanhamba 9319 Manyame Park.

Manyika anonzi aiva muridzi wembira wen’anga iyi uye aipomerwa kuba midziyo yegodobori iri inosangani­sira inverter, T-flash nemagumbez­e maviri.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Tarirai Dube, vanotsinhi­ra chiitiko chekuramwi­rwa kwechitunh­a kun’anga iyi vachiti maitiro akadai imhosva.

Mbuya Malema vanonzi vakashandi­sa mushonga werukwa vachida kuranga mbavha yainge yavabira zvikazokon­zera rufu rwaManyika.

Murume uyu anonzi akafa achirira inverter mudumbu, achiita tsvina nekumuromo nemumhuno.

Mbuya Malema vanotsinhi­ra nyaya yekuti mutumbi waManyika wakanoramw­iwa kumba kwavo ukaiswa muimba yavanoitir­a matare.

Vanoti hama dzemufi uyu dzakasiya dzatyora tsvimbo dzavo dzemidzimu nekubvarur­a machira emashavi, ndokuzovab­ira mari.

“Pakaitika izvi, ini ndainge ndisipo ndiri kuSouth Africa uko ndairapa vamwe varwere vangu nekuona vana nevazukuru vangu. Ndakazofon­erwa kunzi kuno kumba kwakabiwa inverter, T-flash nemacomfor­ter maviri ndokutauri­ra vana vangu kuti varove bembera kuvanhu vose ndisati ndaita masaramusi angu izvo vakaita. Hapana akabvuma kuti ndiye ainge aba, ndikazodzo­ka apo ndakazo- ona mukadzi wemufi ouya aine inverter achiti atumwa nemurume wake ainge orwara. Aiti aida kukumbira ruregerero sezvo ainge orwara,” vanodaro.

Vanoti vakazopa mukadzi uyu fodya yekuti anopa murume wake kuti anwe agoita zviri nani.

“Murume uyu airira inverter mudumbu achiburits­a tsvina nekumuromo nemumhuno. Ndakazoona vave kuuya naye pano vakamuisa mubhara apo akabvuma kuti ndiye akandibira. Ndakavati vabvise $100 yekuti ndimuroyon­ore iyo vakashaya, ndikavati munhu uyu ainge abira mudzimu kwete ini izvo vaifanirwa kuripa.

“Sezvo pamba pangu pasingabiw­e nekuti pakagadzir­wa nambuya vanosvika pandiri, murume uyu akazopunzi­ka ndokufa vave kuenda naye, mutumbi wake ukazoendes­wa kumochari,” vanodaro.

Mbuya Malema vanoramba nyaya iri kutaurwa yekuti Manyika aiva nechikwere­ti chavo izvo zvinonzi ndizvo zvakaita kuti atore zvinhu izvi.

“Hama dzemufi uyu dzakazonot­ora chitunha ndokuuya nacho pamba pangu ini ndisipo ndaenda kuMozambiq­ue apo vakasvikoc­hipinza muimba yangu yematare chiri mubhokisi. Vanonzi vakatora machira emidzimu vakafukidz­a bhokisi remufi, ndokutyora tsvimbo dzangu nekubvarur­a mamwe machira nekuzoba mari yaiva mubhasikit­i remashavi yaisangani­sira R10 000, $400 neUS$50. Vakabawo gas tank re5kgs ndokusiya vapwanya dhoo remagirazi,” vanodaro.

Vanotizve matsamba avo ehun’anga ekuZinatha akabvarurw­a.

“Bhokisi rechitunha rinonzi rakagadzik­wa

muimba yangu yematare kwenguva ingaite maawa mashanu vanhu vachiimba varimo, apo vanonzi vakasvikot­anga nekuisa mutumbi uyu pavharanda ndokutende­rera nawo imba yose.”

Mbuya Malema – avo vanozviti vanopoterw­a nemidzimu mina – vanoti Manyika akazviurai­sa nekutora zvinhu zvisiri zvake vachiti pamba pavo hapabiwe.

“Vanhu ava vakazotaku­ra bhokisi rehama yavo mushure mekunge mapurisa apindira,” vanodaro.

Madzimai Tabeth Chioniso Mhande (31) vanova muporofita kuchechi yeForward Apostolic Faith iri kuSt Marys, vanoti Manyika akaenda kwavari achida kubatsirwa apo airutsa tsvina achiti aibaiwa pachipfuva nemuviri wose. Vanoti akabvuma kuti ainge atora inverter neT-flash zvevaridzi,” vanodaro.

Vanotizve akati aiva atora zvinhu izvi nekuda kwekuti Mbuya Malema vaiva nechikwere­ti chake che$40 chekuvarid­zira mbira.

“Abva kwandiri, ndipo paakazotum­a mukadzi wake kunodzoser­a inverter, zvemacomfo­rter kwandiri haana kutaura,” vanodaro.

Idah Mupandawan­a (25), uyo anova mudzimai waManyika, anotsinhir­awo nyaya yekuti murume wake akazofa obuda tsvina nemukanwa nemumhuno achiti ainge agadzirwa naMbuya Malema.

“Murume wangu airidzira mbuya ava mbira apo aisapihwa mari vamwe vake vachibhadh­arwa. Nekudaro vanga vaine chikwereti chake chaakatore­ra zvinhu izvi apo vakazomuga­dzira,” anodaro.

Anoti vakazonora­mwira chitunha ichi kumba kwen’anga iyi asi haana ruzivo nezvemari nezvimwe zvinhu zvinonzi zvakazobiw­ako.

“Ndakasiiwa munhamo nekuda kwambuya ava, vakauraya murume wangu. Ndinoda kuti vachengete vana vangu vaviri vandakasii­rwa – wemakore 7 neane mwedzi 11 yekuberekw­a. Inga wani akanga abvuma kudzosera zvinhu zvavo,” anodaro.

Stembeni Mujuru (43) vanova ambuya VaManyika vanotsinhi­rawo mashoko ekuti vanoda kuti vazukuru vavo vachengetw­e nen’anga iyi kusvika vapedza chikoro.

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti zvakaitika pamusha paMabuya Malema zvinofanir­wa kuti vaitirwe chenuro, mweya wemufi uyu wobviswa pamba pavo.

 ??  ?? Tsvimbo yakatyorwa
Tsvimbo yakatyorwa
 ??  ?? Mbuya Malema vachitarid­za bhasikiti raive nemari yavo yekushava iyo vanoti yakabiwa nehama dzaManyika
Mbuya Malema vachitarid­za bhasikiti raive nemari yavo yekushava iyo vanoti yakabiwa nehama dzaManyika
 ??  ?? Mbuya Malema
Mbuya Malema
 ??  ?? Paidamoyo Manyika
Paidamoyo Manyika
 ??  ?? Idah Mupandawan­a
Idah Mupandawan­a
 ??  ?? Stembeni Mujuru
Stembeni Mujuru
 ??  ?? Madzimai Tabeth
Madzimai Tabeth
 ??  ?? Mumba munoitirwa matare nen’anga umo munonzi makaiswa chitunha icho yakaramwir­wa Mifananidz­o naNicholas Bakili.
Mumba munoitirwa matare nen’anga umo munonzi makaiswa chitunha icho yakaramwir­wa Mifananidz­o naNicholas Bakili.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe