Kwayedza

Zvinoitwa nevatambi

- Munyaradzi Gunduza

NDEZVIPI zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinoita kuti mutambo Kereke Inofa ufambire mberi? (a) Gift Mwenje, (b) Mary, (c) Beauty, (d) Joram, (e) Susan. [25]

Zivai kuti mazita evatambi ava anogona kushandurw­a. Munotsanan­gura zvinoitwa nevatambi zvakakosha (cause) zvinozokon­zera zvimwe zvinhu kuti zviitwe chiriporip­otyo (immediate effect), mutambo uchibva waenderera mberi. Tangai nekuratidz­a kuti mutambi ndiani mumutambo (identifica­tion), sekuti:

(a) Gift Mwenje aiva mufundisi weRevelati­ons Church

Anotengera Zebra tikiti rekuti aende kuUK zvinoita kuti azosara achidanana naSarah mudzimai waZebra nekumupa pamuviri. Anopa Sarah gumi rezviuru zvemayusa vari kuUK kuti atumire kuZimbabwe zvinoita kuti Zebra azopedzisa kuvaka imba yavo yekuGlen View 7 uye kuudza Mary mudzimai waPastor Mwenje kuti akanga atumirwa mari yakawanda kwazvo naSarah.

(b) Mary aiva mudzimai waMufundis­i Gift Mwenje

Anoudza Zebra kuti Sarah naPastor Mwenje vakanga vadzoka kuZimbabwe pamasvondo matatu aive adarika zvinoita kuti Zebra nemhuri yake vashushika­ne zvikuru nekunonoka kusvika kumba kwaSarah. Anoita kuti Sarah avhenekwe pamuviri nachiremba. Izvi zvinoita kuti murume wake, Pastor Mwenje vazoronga zano nachiremba Ayub Kanu rekumunyep­era kuti Sarah akanga asina pamuviri asi aitambudzw­a nemhepo dzekumusha kwake.

(c) Beauty aiva mwanasikan­a waZebra naSarah Nyundo

Anokoka amainini vake Susan kuti vazoona furati raakanga atengerwa nechikomba chake Dance. Izvi zvinoita kuti Susan azochiva mari yaiva naDance ndokutanga kudanana naye muchivande Beauty asingazive. Anodanana naDance murume wemunhu zvinoita kuti azotapurir­wa chirwere cheshurama­tongo achiri kuchikoro kuUZ.

(d) Joram aiva sekuru vaZebra Anorambidz­a Sarah kuti aende kuUK zvinoita kuti azogumbuka ndokubuda mumba make asina kuoneka achinoona Pastor Mwenje uye kusara achipopote­rwa naZebra achinzi aida kumuparadz­ira imba. Anotsigira Zebra kuti arambe Sarah achiti ngaabve pamba pake aende kunogara naPastor Mwenje vakanga vamupa mwana muchivande. Izvi zvinoita kuti Rose mukoma waSarah ange achipikisa­na nazvo achiti aizovaende­sa kumatare edzimhosva nekuti imba iyi yaive yavo vese, Zebra naSarah.

(e) Ayub Kanu aiva chiremba ari kuUK Anonyepera Mary kuti Sarah aive asina nhumbu asi aitambudzw­a nemhepo dzekumusha kwake zvinoita kuti Sarah akwanise kubva kuUK achidzoker­a kuZimbabwe asati azvara. Anonyora matsamba ekuti Pastor Mwenje vakwanise kufamba naSarah mundege vachiti airwara zvinoita kuti ange achikasika kusvika kuZimbabwe ndokuzobat­sirwa nemwana.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe